bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
John 16
John 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 17 →
1
“Ndataura zvose izvi kwamuri kuti murege kurasika.
2
Vachakudzingai mumaSinagogu. Chokwadi, chokwadi nguva iri kuuya yokuti anokuurayai achafunga kuti ari kutoitira Mwari.
3
Vachaita izvozvo nokuti havana kuziva Baba kana kuziva ini.
4
Asi ndataura izvi kwamuri kuti kana nguva yazvo yosvika, muyeuke kuti ndakambokutaurirai nezvazvo. “Handina kunge ndichikutaurirai zvinhu izvi pakutanga nokuti ndanga ndiinemi.
5
Asi zvino ndavakuenda kuna akandituma. Hapana mumwe wenyu ari kumbondibvunza kuti ko muri kuenda kupi?
6
Asi pamusana pokuti ndataura izvi kwamuri masuruvara mwoyo zvikuru.
7
Zvakadaro zvazvo, ndinokuudzai chokwadi, chokuti zvinotokubatsirai kuti ndiende nokuti ndikarega kuenda, Murevereri uya haazouya; asi ndikaenda ndichamutumira kwamuri.
8
Paanouya achazivisa nyika kuti ine mhosva yechitadzo uye kuti ine mhosva pamafungiro ayo nezvoururami uyewo kuti ine mhosva panezvokutonga.
9
Panezve chitadzo, nokuti havadaviri mandiri.
10
Pane zvoururami, nokuti ini ndava kutoenda kuna Baba uye hamuzoramba muchindiona.
11
“Pane zvokutonga, nokuti mutongi wapasi pano ava kutotongwa.
12
“Ndine zvizhinji zvandingade kukutaurirai asi parizvino hamungakwanisani nazvo.
13
Kana Mweya wechokwadi auya achakutungamirirai muchokwadi chose, nokuti anenge asingatauri zvomusoro wake. Zvaanenge anzwa ndizvo zvaanotaura; achakutaurirai zvinhu zvichauya.
14
Achandiwanisa mukurumbira achitora zvandinotaura achizvitaura kwamuri.
15
Zvose zvaBaba ndezvangu, ndokusaka ndati achatora zvandinenge ndataura achikutaurirai.
16
“Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni kozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.”
17
Vamwe vadzidzi vakataurirana vachiti, “Ko chiiko chaanoti kwatiri kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni uye kozoita chimwe chinguvazve chiduku mozondiona nokuti ndiri kuenda kuna Baba?”
18
Vakati, “Anoreveiko nezvaanoti, ‘Kwasara chinguva chiduku.’ Hatizive zvaanoreva.”
19
Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza. Naizvozvo akati kwavari, “Muri kubvunzana zvandanga ndichireva here ndichiti, ‘Kwasara chinguva chiduku imi hamuzondioni. Kwozoita chimwe chinguva chidukuzve mozondiona.’
20
Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri muchachema nokuungudza asi pasi pari mumafaro. Imi muchasuruvara asi kusuruvara kwenyu kuchasanduka kuchiva kufara.
21
Kana munhukadzi ava kusununguka anorwadziwa, nokuti nguva yake inenge yasvika asi kana asununguka mwana, haazoyeuka kurwadziwa kuya norufaro rwokuti munyika maberekwa munhu.
22
Saizvozvo imi muri kusuruvara zvino asi ndichakuonaizve. Ipapo mwoyo yenyu ichafara hapana anozokutorerai rufaro rwenyu.
23
Panguva iyoyo hapana chamunozombondibvunza; idi chaizvo ndinoti kwamuri, kana mukakumbira chii zvacho kuna Baba muzita rangu vachakupai.
24
Kusvikira pari zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu chikumbirai muchapiwa kuti rufaro rwenyu ruzare.
25
“Ndanga ndichitaura izvi kwamuri namadimikira nguva iri kuuya yandinenge ndisingazotauri kwamuri namadimikira yandinenge ndokutaurirai zviri pachena nezvaBaba.
26
Pazuva iroro muchakumbira muzita rangu; handiti kwamuri ndichakukumbirirai kuna Baba.
27
Aiwa! Ivo Baba pachavo vanokudai nokuti imi makandida uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari.
28
Ini ndakabva kuna Baba ndikauya pasi pano asi zvavapo ndezvokuti ndava kubva pasi ndichienda kuna Baba.”
29
Vadzidzi vake vakati, “Hamuchionaka! Mavakutaura zviri pachena kwete namadimikira.
30
Zvino tava kuziva kuti munoziva zvose uye kuti hamumiriri kuti munhu atange akubvunzai; nezvo tava kutenda kuti makabva kuna Mwari.”
31
Jesu akavapindura achiti, “Zvino mava kutenda nhai?
32
Nguva iri kuuya uye yatosvika pamuchati mwarara, mumwe nomumwe achienda kwake muchindisiya ndiri ndoga asi ndinenge ndisiri ndoga nokuti Baba vaneni.
33
Ndakutaurirai izvi kuti muwane rugare mandiri. Pasi pano muchava namatambudziko asi tsungai mwoyo ndakakunda pasi.”
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21