bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
John 5
John 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 6 →
1
Mushure maizvozvi kwakaita zuva guru ravaJudha, Jesu akakwira kuJerusaremu.
2
Zvino muJerusaremu mune dziva riri pedyo neSuwo guru reHwai rinonzi Bhetisaidha muchiHebheru, rine maperere mashanu.
3
Mumaperere imomo maiva navarwere; vaiti mapofu nemhetamakumbo navakafa mitezo.
4
***
5
Ipapo paiva nomumwe murume akarwara kwamakore makumi matatu ana masere.
6
Jesu paakamuona akati rabada uye achiziva kuti akanga akadai kwenguva ndefu, akamuti, “Unoda kuporeswa here?”
7
Murwere akamupindura achiti, “Changamire ini handina anondiisawo mudziva kana mvura yabvongodzwa. Pandinenge ndoti ndichipindawo mumwe anobva anditangira.”
8
Jesu akati kwaari, “Chisimuka utore rukukwe rwako ufambe.”
9
Pakarepo munhu uya akabva aporeswa. Akatora rukukwe rwake akabva afamba. Musi iwoyo wakanga uri musi weSabata.
10
Ipapo vaJudha vakati kumunhu akanga aporeswa, “Nhasi iSabata, haubvumirwi kuti utakure rukukwe rwako.”
11
Asi iye akavapindura achiti, “Munhu andiporesa ndiye andiudza kuti, ‘Tora rukukwe rwako ufambe.’ ”
12
Vakamubvunza kuti, “Ndiani munhu iyeyo akutaurira kuti tora rukukwe rwako ufambe?”
13
Asi munhu uya akaporeswa haana kuziva kuti ndiani nokuti Jesu akanga anyangarika sezvapanga paina manyoremanyore avanhu.
14
Mushure mezvo Jesu akamuwana paTemberi akamuti, “Tarisa uone kuti wapora; usatadzezve kuti urege kuwirwa nezvakapinda izvi.”
15
Murume uya akabva aenda akandotaurira vaJudha vaya kuti Jesu ndiye akanga amuporesa.
16
Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vaonese Jesu nhamo nokuti akaita zvinhu zvakadai nomusi weSabata.
17
Asi Jesu akavapindura achiti, “Baba vangu vanoshanda nazvino neniwo ndinofanira kushanda.”
18
Ndokusaka vaJudha vakatonyanya kuda kumuuraya nokuti haana kungotyora chete mutemo weSabata, asi kuti akatiwo Mwari ndiBaba vake pachake achizvienzanisa naMwari.
19
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Mwanakomana haakwanisi kuita chinhu nokwake pachake asi kuita zvaanoona Baba vachiita nokuti zvavanoita ndizvowo zvaanoita.
20
Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanenge vachiitawo pachavo uye vachamuratidza mabasa makuru kupinda iwaya kuti mushamiswe.
21
Nokuti sezvinongoita Baba kumutsa vakafa vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopawo upenyu kune waanenge ada.
22
Baba havatongi munhu, asi vakapa kutonga kwose kumwanakomana
23
kuti vose varemekedze mwanakomana sokuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedzi Mwanakomana haaremekedzi Baba vakamutuma.
24
Zvirokwazvo Zvirokwazvo ndinoti kwamuri anonzwa izwi rangu uye achitenda akandituma anoupenyu husingaperi haagadzwi dare; asi atobva kurufu achienda kuupenyu.
25
Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri nguva iri kuuya uye yatosvika yokuti vakafa vanzwe izwi roMwanakomana waMwari. Avo vacharinzwa vachava vapenyu.
26
Sezvo Baba vari dzinde roupenyu saizvozvo vakaitawo kuti Mwanakomana ave nedzinde roupenyu maari,
27
vakamupa ukuru kuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana womunhu.
28
Musashamisike nezvizvi zvokuti nguva iri kuuya yokuti vose vari mumakuva vachanzwa izwi rake vagobudamo.
29
Vakaita zvakarurama vachimukira upenyu, vanenge vakaita zvakaipa vachimukira kutongwa.
30
Hapana chandinogona kuita nokwangu ndoga. Sokunzwa kwandinenge ndaita kuna Baba ndiwo matongero andinoita; uye kutonga kwangu kwakarurama nokuti handitsvaki kuita kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma.
31
Ndikazvipupurira, kupupura kwangu hakusi kwechokwadi.
32
Kune mumwe anondipupurira uye ndinoziva kuti kundipupurira kwake ndekwechokwadi.
33
Makatuma nhume kuna Johani akapupurira chokwadi.
34
Zvisingarevi zvazvo kuti ini ndinovimba nouchapupu hwomunhu. Asi ndinotaura izvi kuti imi muponeswe.
35
Akanga ari rambi rinopfuta uye rinopenya imi mukafarira kuva muchiedza chake kwekanguva.
36
Asi uchapupu hwandinahwo hukuru kupinda hwaJohani nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze, mabasa iwayo andiri kuita anondipupurira kuti Baba ndivo vakandituma.
37
Ivowo Baba vakandituma vanondipupurira. Izwi ravo hamusati mamborinzwa chimiro chavo hamusati mambochiona.
38
Uyewo izwi ravo harigari mamuri nokuti hamudaviri uyo wavakatuma.
39
Munotsvagatsvaga muMagwaro Matsvene nokuti munofunga kuti maari munowana upenyu husingaperi Magwaro iwayo ndiwo anotondipupurira.
40
Asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muwane upenyu.
41
Ini handitsvagi kuwana mbiri inobva kuvanhu.
42
Asi sokukuzivai kwandinoita, rudo rwaMwari mamuri hamuna.
43
Ndakauya ini muzita raBaba vangu asi hamundigamuchiri asi mumwewo akauya muzita rake iyeyo ndiye wamunogamuchira.
44
Mungatenda sei imi munofarira kurumbidzana, musingatsvaki mbiri inobva kuna Mwari mumwechete.
45
Musafunge kuti ini ndini ndichakupai mhosva panaBaba asi Mosesi wamunovimba naye, ndiye achakupai mhosva.
46
Dai maidavira muna Mosesi maidavirawo mandiri nokuti akanyora nezvangu.
47
Zvino kana musingatendi zvaakanyora mungatenda sei mashoko angu.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21