bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
John 21
John 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
1
Shure kwaizvozvi Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake kuGungwa reTibheriasi. Akazviratidza sezvizvi.
2
Simoni Pita naTomasi anonzi Mapatya naNatanieri wokuKana yokuGarirea navana vaZebhedia navamwe vadzidzi vake vaviri vakanga vari pamwechete.
3
Simoni Pita akati kwavari, “Ndavakuenda kundobata hove.” Ivowo vakati kwaari, “Handei pamwechete.” Vakabuda vakapinda mugwa asi usiku ihwohwo hapana chavakabata.
4
Mambakwedza Jesu akamira pamahombekombe asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu.
5
Jesu akati kwavari, “Nhai varume, pane chamabata chokusevesa here?” Vakamupindura vachiti, “Kwete.”
6
Akati kwavari, “Kandai usvasvi hwenyu kurudyi rweigwa munodzibata.” Saizvozvo vakahukanda vakabva vavakutadza kuhukakata nokuwanda kwehove.
7
Mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kuna Pita, “NdiTenzi wani avo.” Simoni Pita paakazvinzwa kuti ndiTenzi, akapfeka hanzu yake yapamusoro ndokungozvimoneredza nokuti akanga asina chaakapfeka ndokusvetukira mugungwa.
8
Asi vamwe vadzidzi vaya vakauya vari mugwa vachikakata usvasvi huzere hove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe; vakanga vari chinhambwe chinenge mamita makumi mapfumbamwe.
9
Pavakasvika pamahombekombe vakaona moto wamazimbe nehove iri pamusoro pawo nechingwa.
10
Jesu akati, “Uyai nedzimwe hove dzamabata.”
11
Naizvozvo Simoni Pita akadzokerazve mugwa akakwevera usvasvi kumahombekombe hwakanga huzere hove huru dzaiva zana namakumi mashanu nenhatu. Kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda kudaro usvasvi hauna kubvaruka.
12
Jesu akavati, “Chiuyai mudye.” Hapana akamboti regai ndimubvunze kuti ndimi ani. Vaitozviziva kuti ndiTenzi.
13
Jesu akauya akatora chingwa ndokuchipa kwavari uye akaita zvimwechetezvo nehove.
14
Aka, kakanga kava kechitatu Jesu achizvionesa kuvadzidzi vake mushure mokunge amutswa muvafi.
15
Pavakapedza kudya kwamangwanani Jesu akati kuna Simoni Pita, “Nhai Simoni mwana waJohani unondida here kupfuura ava?” Iye akati kwaari, “Hongu Tenzi munoziva wani kuti ndinokudai.” Jesu ndokuti, “Fudza hwayana dzangu.”
16
Akamutizve rwechipiri Simoni mwana waJohani, “Unondida here?” Akamuti, “Hongu Tenzi munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.”
17
Akati kwaari kechitatu, “Simoni mwana waJohani unondida here?” Pita zvikati zvamurwadza nokuti akamuti rwechitatu, “Unondida here?” Pita akati kwaari, “Tenzi inga munoziva zvose wani, munoziva imi kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.”
18
Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwauri, “Pawakanga uchiri mudiki waipfeka uchienda kwaunoda asi kana wachembera uchatambanudza maoko ako mumwe achikusunga achienda newe kwausingadi.”
19
(Izvi akazvitaura kuratidza rufu rwaaizorumbidza narwo Mwari). Mushure mezvo akati kwaari, “Nditevere.”
20
Pita akatendeuka akaona mudzidzi waJesu wapamwoyo achitevera uya akanga akazembera pachipfuva chake pachirariro, uya uya akati kuna Jesu, “Tenzi ndiani ari kuzokupandukira?”
21
Pita paakamuona akati kuna Jesu, “Nhai Tenzi, ko uyuwo uyu?”
22
Jesu akati kwaari, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka zvinei newe. Chako iwe kunditevera.”
23
Pakabva pava norunyerekupe munevehama rwokuti mudzidzi iyeyu akanga asingazofa, asi Jesu akanga asina kuti haasi kuzofa asi akanga angoti, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka, zvinei newe?”
24
Iyeyu ndiye mudzidzi ari kupupura zvinhu izvi uye ndiye akanyora zvinhu izvi uyewo tinoziva kuti uchapupu hwake ndehwechokwadi.
25
Asi pane zvimwewo zvinhu zvizhinji zvakaitwa naJesu. Dai kuri kuti zvainyorwa zvose chimwe nechimwe; ndinofunga kuti nyika yaitopata namabhuku acho aigona kunyorwa.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21