bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
John 7
John 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 8 →
1
Mushure maizvozvi, Jesu aingotenderera ari muGarirea asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaida kumuuraya.
2
Izvozvo, mazuva makuru avaJudha amatumba akanga ava pedyo.
3
Naizvozvo vakomanavanun'una vake vakati kwaari, “Dai mabva kuno muende kuJudhea kuti vadzidzi venyu vaone mabasa amuri kuita.
4
Nokuti hapana munhu anoita zvomuchivande kana achida kunyatsozivikanwa. Kana muchitoita mabasa akadai zviratidzei kunyika.
5
Asi ivowo, vakoma navanun'una vake vakanga vasingatendi maari.”
6
Jesu akavati, “Nguva yangu haisati yasvika asi kwamuri chero nguva inguva kwayo.
7
Imi nyika haikuvengei asi ini inondivenga nokuti ndinoidurira kuti zvainoita zvakaipa.
8
Imimi endai zvenyu kumazuva makuru iwayo ini handisati ndoenda kumazuva makuru iwaya nokuti nguva yangu haisati yanyatsokwana.”
9
Akataura izvi ndokubva asara zvake kuGarirea.
10
Vakoma navanun'una vake pavakaenda kumazuva makuru aya iye akazoenda zvechiverevere, zvisingaonekwi navanhu.
11
VaJudha vakanga vachimutsvaka pamazuva makuru iwayo vachiti, “Ko ari kupiko?”
12
Pakanga pachiitwa chizevezeve kwazvo nezvake mukati mavanhu. Vamwe vaiti, “Munhu wakanaka;” vamwewo vachiti, “Kwete, ari kurasisa vanhu kusiri iko.”
13
Asi pamusana pokutya vaJudha hapana aitaura pachena nezvake.
14
Pava pakati pamazuva makuru iwayo Jesu akaenda muTemberi akatangisa kudzidzisa.
15
VaJudha vakashamiswa nazvo vachiti, “Ko munhu uyu akawanepiko ruzivo rwaanarwo iye asina kudzidza?”
16
Jesu akapindura achiti, “Zvandinokudzidzisai hazvisi zvomusoro wangu asi zvinobva kunaiye akandituma.
17
Kana munhu ane chido chokuita zvinoda Mwari anobva aziva kuti rudzidziso urwu runobva kuna Mwari here, kana kuti ndiri kutaura zvomusoro wangu.
18
Kana munhu achitaura zvomusoro wake anotsvaka mbiri yake asi munhu anotsvaka mbiri youyo anenge amutuma ari pachokwadi uye maari hamuna unyengedzi.
19
Mosesi akakupai Mutemo handiti? Asi hapana kana mumwe anochengeta mutemo iwoyo. Munoda kundiurairei?”
20
Vanhu vakamupindura vachiti, “Une mweya wakaipa iwe! Ndiani arikuda kukuuraya?”
21
Jesu akavapindurawo achiti, “Ndakangoita chiitiko chimwechete mose mukabva mashamiswa.
22
Mosesi akakutii muite dzingiso (zvisingarevi zvazvo kuti zvakabva kuna Mosesi asi kumadzitateguru enyu) asi imi munodzingisa munhu nezuva resabata.
23
Kana muchidzingisa munhu nezuva reSabata muchiitira kuti mutemo waMosesi urege kutyorwa. Ko zvino munoshatirirwei kana ndakaporesa munhu zvokupedzeredza pamusi weSabata?
24
Musatonge chinhu nezvamunoona kunze kwacho tongai nemwero kwawo wokutonga.”
25
Nezvo vamwe vanhu vokuJerusaremu vakati, “Haasi iye munhu wavari kuda kuuraya here uyu. Hoyu ari kutaura pachena chena;
26
asi hapana chavari kutaura kwaari, zvinoreva here kuti vakuru vakuru vava kunyatsoziva kuti uyu ndiye Mesia.
27
Kunobva munhu uyu tinokuzivaka isu asi kana Mesia ouya hapana anoziva kwaanobva.”
28
Naizvozvo Jesu akadaidzira achidzidzisa muTemberi achiti, “Heya munotondiziva nokwandinobva kwose nhai? Asi ini handina kungouya zvomusoro wangu ndakatotumwa nouyo ari pachokwadi wamusingazivi imi.
29
Ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uyewo ndiye akandituma.”
30
Naizvozvo vakada kumusunga. Asi hapana akambomubata nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
31
Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji vakatenda maari vachiti, “Ko iye Kristu kana azouya, achaita zviratidzo zvakawanda kupfuura zvakaitwa nomunhu uyu here?”
32
VaFarisei vakanzwa zevezeve raiitwa navanhu nezvake. Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisei, vakatuma mapurisa apaTemberi kundomusunga.
33
Jesu akati, “Ndichangova nemi kwekanguva kadiki; ndozodzokera kune wakandituma.
34
Muchanditsvaka asi hamundiwani uye kwandinenge ndiri hamukwanisi kuuyako.”
35
VaJudha vakataurirana vachiti, “Ko munhu uyu ari kuda kuenda kupiko, kwatisingakwanisi kumuwana? Arikuda kuenda kuvaJudha vakapararira kuvaGiriki achindodzidzisa vaGiriki here?
36
Ko anoreveiko kana achiti, “ ‘Muchanditsvaka asi hamundiwani uye kwandinenge ndaenda imi hamukwanisi kuuyako.’ ”
37
Pazuva rokupedzisa ramazuva makuru aya zuva racho rakanga riri guru kupinda ose zvawo Jesu akasimuka akaparidza achiti, “Aninani ane nyota ngaauye kwandiri anwe.
38
Aninani anodavira mandiri, sokutaura kunoita Magwaro Matsvene mumwoyo make muchaerera nzizi dzemvura youpenyu.”
39
Izvozvo aitaura nezvaMweya aizogamuchirwa navanotenda maari nokuti Mweya akanga asati apiwa kuvanhu nokuti Jesu akanga asati awaniswa mbiri yake.
40
Vamwe vanhu vaiva mugungano iroro, pavakanzwa mazwi aya vakati, “Uyu ndiye chaiye muporofita uya.”
41
Vamwewo vakati, “Uyu ndiye Mesia uyu.” Vamwe vakatiwo, “Mesia anofanira kubva kuGarirea here?
42
Handiti Magwaro Matsvene anoti, ‘Mesia anofanira kuva chizvarwa chaDhavhidhi uye kuti anobva kuBheterehemu, musha waigara Dhavhidhi.’ ”
43
Saizvozvo pakava nokutsaukana mukati mavanhu pamusana pake.
44
Vamwe vaitoda kumusunga asi hapana kana neakambomubata zvake.
45
Mapurisa aya akadzokera kuvapristi vakuru navaFarisei avo vakavati, “Sei musina kuuya naye?”
46
Mapurisa akati, “Hapana munhu ati ambotaura somunhu uyu.”
47
VaFarisei vakapindura vachiti, “Nemiwo marasiswa nhai?
48
Pane mumwe wavakuru — vakuru kana mumwe wavaFarisei akatenda maari here
49
kusiya vanamunhuwo zvavo ava vasingazivi mutemo uye vane rushambwa ava?”
50
Nikodhimasi, uya akamboenda kwaari aiva mumwe wavo akati kwavari.
51
“Zviya, handiti mutemo wedu haupe munhu mhosva asina kutanga ambonzwika uye kuziva zvaanoita?”
52
Ivo vakapindura vachiti, “Asi newewo unobva kuGarirea su? Tsvagaka uone zvako kuti hakuna muporofita anobva kuGarirea.”
53
Mumwe nomumwe akaenda kumusha kwake.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21