bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
John 20
John 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
1
Pazuva rokutanga revhiki Maria Magadharena akafumouya kuguva kuchakasviba. Akaona kuti dombo rakanga rabviswa paguva.
2
Ipapo akamhanyira kuna Pita nomumwe mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kwavari, “Vabvisa Tenzi muguva zvino hatizivi kwavamuisa.”
3
Pita akabuda pamwechete nomumwe mudzidzi uya vakaenda kuguva kuya.
4
Vakamhanya vose. Mumwe mudzidzi uya akamhanya zvokusiya Pita akandotanga kusvika kuguva.
5
Asi akakotama achidongorera akaona machira erineni ari pakadaro asi iye haana kupindamo.
6
Simoni Pita akazouyawo achimutevera akapinda muguva. Akaonawo machira aya ari pakadaro apo.
7
Nejira duku raiva kumusoro wake rakanga risiri pano mamwe machira asi rakanga rakapetwa riri paro roga.
8
Mumwe mudzidzi uya akatanga kusvika paguva, akapindawo akaona akatenda.
9
Kusvikira ipapo vakanga vasati vanzwisisa Magwaro Matsvene anoti, “Anofanira kumuka kuvakafa.”
10
Vadzidzi vakadzokera kumisha yavo.
11
Asi Maria akamira kunze pedyo neguva achichema. Paaichema kudaro akakotama achitarisa muguva.
12
Akaona vatumwa vaviri vakapfeka zvichena vakagara pakanga pakaradzikwa Jesu. Mumwe ari kumusoro mumwe ari kumakumbo, vakamuti,
13
“Nhai, mudzimai iwe uri kuchemeiko?” Iye akavati, “Nokuti vatora Tenzi wangu uye handizivi kwavamuisa.”
14
Achingoti taurei izvi akatendeuka ndokuona Jesu akamira asi haana kuziva kuti ndiJesu.
15
Jesu akati kwaari, “Mudzimai iwe uri kuchemeiko, uri kutsvaga ani?” Zvaakafunga kuti murimi akati kwaari, “Changamire, kana murimi mamubvisa nditaurirei kwamandomuradzika ndindomutora.”
16
Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akabva atendeuka akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni” zvinoreva kuti, “Mudzidzisi.”
17
Jesu akati kwaari, “Usandibate nokuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undoti kwavari ndiri kuenda kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
18
Maria Magadharena akaenda kuvadzidzi akavaparidza kuti, “Ndaona Tenzi uye ataura izvi kwandiri.”
19
Manheru ezuva rakarero, zuva rokutanga revhiki Jesu akauya mumba maiva navadzidzi; izvozvo makonhi amavakanga vari akanga akaiswa zvihuri pamusana pokutya vaJudha. Akasvikomira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.”
20
Paakataura izvi akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakabva vafara pavakaona Tenzi.
21
Jesu akavatizve, “Rugare ngaruve nemi! Sokundituma kwakaita Baba neni ndinokutumaiwo saizvozvo.”
22
Paakapedza kutaura izvi, akafemera pavari akati kwavari, “Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23
Kana mukaregerera vanhu zvitadzo zvavo, zvinobva zvaregererwa. Kana mukaramba kuvaregerera havaregererwi.”
24
Tomasi mumwe wavanegumi navaviri ainzi Mapatya, akanga asinavo pakauya Jesu.
25
Ipapo vamwe vadzidzi vakamutaurira kuti, “Taona Tenzi.” Asi iye akavati, “Kana ndisina kutoona mavanga ezvipikiri mumaoko ake ndikapinza munwe wangu mumavanga iwayo ndikapinzawo chanza changu parutivi pake handitendi.”
26
Mushure memazuva masere vadzidzi vake vakanga vari mumba muyazve uye Tomasi akanga ainavo. Makonhi akanga akapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.”
27
Akabva ati kuna Tomasi, “Uya upinze munwe wako umu uone maoko angu. Tambanudza ruoko rwako upinze parutivi pangu. Usave munhu asingatendi asi anotenda.”
28
Tomasi akamupindura achiti, “Ndimi Tenzi wangu naMwari wangu.”
29
Jesu akati kwaari, “Watenda nokuti wandiona nhai? Vakakomborerwa zvavo vanotenda ivo vasina kundiona.”
30
Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji vadzidzi vake vachiona zvisina kunyorwa mubhuku rino iri.
31
Izvi zvakanyorwa kuti mudavire kuti Jesu ndiye Mesia Mwanakomana waMwari uyewo kuti nokutenda ikoko muve noupenyu muzita rake.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21