bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
John 19
John 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 20 →
1
Pirato akatora Jesu, akati arohwe zvakanyanya.
2
Masoja akaruka chiremba cheminzwa akachiisa mumusoro make. Akamupfekedza gemenzi roruvara rwohute.
3
Vaipota vachiuya kwaari vachimukwazisa vachiti, “Kwaziwaika Mambo wavaJudha!” Vachimurova nembama.
4
Pirato akabudazve akati kwavari, “Chinzwai, ndavakumuburitsa kwamuri kuti muzive kuti ini ndashaya mhosva yaanayo.”
5
Saizvozvo Jesu akabuda akapfeka chiremba cheminzwa negemenzi roruvara rwohute. Pirato ndokuti kwavari, “Chitarisai muone munhu uya.”
6
Vapristi vakuru namapurisa pavakamuona vakabva vadaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa. Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati kwavari, “Chimutoraika iyemi mundomuroverera pamuchinjikwa nokuti ini ndashaya mhosva yaanayo.”
7
VaJudha vakamupindura kuti, “Isu tine mutemo, maererano nomutemo iwoyo anofanira kuti afe nokuti akazviita Mwanakomana waMwari.”
8
Pirato paakanzwa mazwi aya akabva anyanya kutya.
9
Akapindazve mumuzinda akati kuna Jesu, “Iwe unobva kupi iwe.” Asi Jesu haana kupindura.
10
Naizvozvo Pirato akati kwaari, “Hausikuda kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura nesimba rokukuroverera pamuchinjikwa?”
11
Jesu akamupindura achiti, “Hamungavi nesimba pandiri kana musina kutoripiwa richibva kumusoro. Nezvo anditurira kwamuri anechitadzo chikuru kupfuura imi.”
12
Nezvizvi Pirato akatsvaka nzira yokumusunungura nayo. Asi vaJudha vakadaidzira vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaSiza, nokuti munhu wose anozviita mambo ari kupandukira Siza.”
13
Pirato paakanzwa mazwi aya akaburitsa Jesu panze iye ndokugara pachigaro chokutongera panzvimbo inonzi, “Chirongwanamafendefa.” Kana kuti, “Gabhata.” NechiHebheru.
14
Zvino iri rakanga riri zuva rokugadzirira Pasika yakanga yenge awa yegumi nechipiri masikati. Akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.”
15
Vakadaidzira vachiti, “Ngaapfuudzwe, ngaapfuudzwe ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akavati, “Ko ndoroverera mambo wenyu pamuchinjikwa here?” Vapristi vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mumwe mambo isu asi Siza oga.”
16
Ipapo Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe pamuchinjikwa. Saizvozvo vakatora Jesu
17
akabuda akaenda akatakura muchinjikwa wake kunzvimbo inonzi, “Dehenya,” kana kuti, “Gorogota.” MuchiHebheru.
18
Ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa ipapo aina vamwe vaviri vachiti mumwe uku mumwe uku iye ari pakati.
19
Pirato akanyorawo chiga chemhosva yake akachiisa pamuchinjikwa, chakanga chichiti, “JESU WENAZARETI MAMBO WAVAJUDHA.”
20
VaJudha vazhinji vakaverenga chiga chemhosva ichocho nokuti nzvimbo yapakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chakanga chakanyorwa muchiHebheru, nomuchiRatini nomuchiGiriki.
21
Saka vapristi vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Regai kunyora muchiti mambo wavaJudha asi kuti iye ndiye akati ndiri mambo wavaJudha.”
22
Pirato akapindura achiti, “Chandanyora ndanyora.”
23
Masoja paakaroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora hanzu dzake ndokudzikamura mumigove mina, musoja mumwe nomumwe mugove wake. Ndokusara hanzu yomukati. Hanzu iyoyo yakanga isina musono. Yakanga yakarukwa kubva kumusoro kusvika pasi.
24
Nezvo vakataurirana vachiti, “Ngatiregei kuibvarura asi ngatiitirei chin'ange tione kuti ichava yaani.” Izvi zvakaitika kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “Vakagovana hanzu dzangu pakati pavo; zvipfeko zvangu vakazviitira chin'ange.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa namasoja.
25
Izvozvo pedyo nomuchinjikwa waJesu Pakanga pamire amai vake nomunun'una waamai vake Maria mudzimai waKiropasi naMaria Magadharena.
26
Jesu paakaona amai vake nomudzidzi wake wapamwoyo akamira pedyo, akati kuna amai vake, “Amai mwana wenyu uyu”
27
Ndokuti kumudzidzi wake, “Amai vako ava.” Kubvira ipapo mudzidzi uya akavatora akavaisa mumusha make.
28
Mushure maizvozvi Jesu paakaona kuti zvose zvazadziswa uye kuti Magwaro Matsvene azadziswe akati, “Ndine nyota.”
29
Ipapo pakanga paine mudziyo uzere waini inovava. Naizvozvo vakaisa chifovefove chizere waini inovava iya pamushenjere vakachiisa pamuromo pake.
30
Jesu paakasveta waini iya inovava akati, “Zvapera.” Akakotamisa musoro ndokubva afa.
31
Zvarakanga riri zuva rokugadzirira Pasika vaJudha vakakumbira Pirato kuti makumbo avo atyorwe uye kuti zvitunha zvibviswe kuti zvitunha zvirege kunge zviri pamuchinjikwa pamusi weSabata nokuti Sabata iroro rakanga riri Sabata guru.
32
Saizvozvo masoja akaenda akatyora makumbo owokutanga neewechipiri weavo vakanga varovererwa pamwechete naye.
33
Asi pavakauya kuna Jesu, vakaona kuti atofa havana kumutyora makumbo.
34
Mumwe musoja akamubaya parutivi pake nepfumo, pakabva pabuda ropa nemvura.
35
Uyo akazviona nameso anopupura; uchapupu hwake ndehwechokwadi. Uye anoziva kuti anotaura chokwadi kuti nemiwo mutendhe
36
nokuti zvinhu izvi zvakaitika kuti chinyorwa chitsvene chizadziswe chinoti, “Hapana bvupa rake richatyorwa.”
37
Uyezve chimwe chinoti, “Vachatarisa uyo wavakabaya.”
38
Mushure maizvozvi Josefi wokuArimatia, mudzidzi waJesu womuchivande pamusana pokutya vaJudha, akakumbira Pirato kuti iye aturure chitunha chaJesu. Pirato akamubvumira. Saizvozvo akauya akaturura mutumbi wake.
39
Nikodhimasi uya akambouya kwaari nousiku akauyawo namafuta anonhuwira emura negavakava zvairema makirogiramu anenge makumi matatu ane mana.
40
Vakatora chitunha chaJesu vakachiputira namachira erineni namafuta aya anonhuwirira vachitevedza tsika yechiJudha yokuviga vanhu.
41
Panzvimbo yaakarovererwa pakanga paine bindu. Mubindu imomo maiva neguva idzva makanga musati mambovigwa munhu.
42
Naizvozvo, zvaraiva zuva ravaJudha rokugadzirira Pasika uye guva iroro zvaraiva riri padyo kudaro vakaradzika Jesu imomo.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21