bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Judges 17
Judges 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
1
Munyika yokwaEfuraimu yamakomo makanga muine mumwe murume ainzi Mika.
2
Akati kuna amai vake, “Chiuru chiya nezana rimwechete remari yesirivha zvamakabirwa, mukarengerera rushambwa nyakuitora wacho ndichinzwa mufungeka, ndini ndakaitora.” Amai vake ndokuti, “Mwanangu, dai Tenzi akachikukomborera zvake.”
3
Akadzosera amai vake chiuru chiya nezana rimwechete rezvidimbu zvesirivha. Amai vake vakati, “Ini nemwoyo wangu wose ndinoturira kuna Tenzi sirivha iyi ndichireverera mwana wangu kuti kugadzirwe chifananidzo chokuveza chakaumbiridzwa nesirivha. Zvino ndochikudzosera sirivha iyoyo.”
4
Paakadzosera amai vake mari iyi, vakatora mazana maviri ezvidimbu zvesirivha ndokupa kune mupfuri wesirivha. Iye akagadzira chifananidzo chokuveza chakaumbiridzwa nesirivha, chikaiswa mumba maMika.
5
Mika uyu aiva nemba yebanya mokunamatira vamwari. Akagadzira hanzu yeEfodhi namwari wake anonzi terafimu, akagadza mumwe mwana wake mukomana kuti ave mupristi wake.
6
Panguva iyoyo muIsiraeri makanga musina mambo. Yaingova njake njake, munhu wose achingoita zvake zvomusoro wake.
7
Zvino kwaiva nomumwe murume aiva wechidiki wedzinza rokwaRevhi aimbogara muguta reBheterehemu rokwaJudha.
8
Akatama kuBheterehemu rokwaJudha ikoko achindotsvaka pokugara. Ari munzira akasvika mumusha waMika kunyika yaEfuraimu yamakomo.
9
Mika akamubvunza achiti, “Unobva kupiko?” Murume uyu ndokuti, “Ndiri muRevhi wokuguta reBheterehemu rokwaJudha. Ndiri kufamba zvangu ndichitsvakawo pokugara.”
10
Mika akamuti, “Dai wachigara zvako neni ugova baba nomupristi kwandiri ini ndichikutambirisa zvidimbu zvesirivha gumi pagore, ndichikupawo sutu yokupfeka nechokudya.” Ndokubva muRevhi apinda mumba.
11
Saka muRevhi uyu akagutsikana zvake kugara naye. Jaya iri raingoita somumwe wevana vake.
12
Mika akagadza jaya iri muRevhi iyeyo, rakava mupristi wake, akagara mumusha maMika.
13
Mika akachiti, “iye zvino ndava nechokwadi chokuti Tenzi achaita kuti zvinhu zvindifambire zvakanaka nokuti ndava nomupristi wangu wechiRevhi.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21