bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Judges 7
Judges 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 8 →
1
Jerubhaari, iye Gidheoni, navanhu vose vaaiva navo vakamuka rungwanangwana vakandodzika matendhe pedyo nechisipiti cheHarodhi. Matendhe evaMidhiani aiva ari nechokuchamhembe kwavo, mubani, pedyo nechikomo cheMore.
2
Tenzi akataurira Gidheoni achiti, “Vanhu vaunavo vakawandisa kuti ndiise vaMidhiani mumaoko enyu nokuti vaIsiraeri vangazozvizuwidza vachiti, ‘Takazvinunura nesimba redu isu pachedu.’
3
Naizvozvo chiudza vanhu vachizvinzwira nenzeve dzavo uchiti, ‘Anenge achidedera nokutya, ngaadzokere zvake kumusha.’ ” Gidheoni akavaedza; varume vaisvika makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri vakadzokera, kukasara zviuru gumi zvavarume.
4
Tenzi akataurira Gidheoni zvakare achiti, “Vanhu ava vakawandisa nazvino wese. Enda navo kumvura, ndikuudze waungasarudze. Wandinenge ndati ngaaende newe, ndiye achaenda newe. Wandinengewo ndati haaende newe, ngaarege kuenda newe.”
5
Saka Gidheoni akaenda nevanhu ivavo kumvura. Tenzi ndokuti kuna Gidheoni, “Vanhu vanenge vachinwa mvura vachiita zvokukasva sembwa vaise pavo voga, uisewo pavo vanenge vachiinwa vakapfugama.”
6
Mazana matatu avarume vakaita zvokuikasva namaoko avo, asi vamwe vose vakapfugama pakunwa mvura iyoyo.
7
Tenzi akati kuna Gidheoni, “Namazana matatu avarume vaita zvokukasva mvura, ndichakununurai, ndigoisa vaMidhiani mumaoko enyu. Rega vamwe vose vaende mumwe nomumwe kumusha kwake.”
8
Saka Gidheoni akadzosera vamwe vaIsiraeri vose kumatendhe avo, kusiya mazana matatu aya. Akatora mbuva nehwamanda dzavamwe vaya. Matendhe evaMidhiani akanga ari nechenyasi mubani.
9
Usiku hwakarehwo Tenzi akamuti, “Simuka uende kumatendhe avo nokuti ndaaisa mumaoko ako.
10
Kana uchitya kudzikako, chiperekedzanai nomuranda wako Pura,
11
mundonzwa zvavari kutaura, unobva wasimba mwoyo, wozodzika kundorwisa hondo yavo.” Saka iye nomuranda wake Pura vakaenda kumapeto kwamatendhe kwaiva navarume vehondo.
12
VaMidhiani nevaAmareki navanhu vose vokumabvazuva vakanga vagara vachitevedzana nebani iroro vakaita semhashu kuwanda. Ngamera dzavo dzakanga dzisingaverengeki dzakangoita sejecha repamahombekombe pegungwa.
13
Gidheoni paakasvikako, mumwe murume akanga achirondedzera mumwe wake hope dzake achiti, “Mufungeka ndarota hope. Ndarota ndichiona chingwa chebhari chauya kumatendhe avaMidhiani chichiita zvokukunguruka. Chasvikorova rimwe tendhe rikati pasi bvu-u.”
14
Mumwe wake ndokuti, “Hakuna chimwe. Ibakatwa raGidheoni mwanakomana waJoashi muIsiraeri. Tenzi atoisa vaMidhiani nehondo yavo yose mumaoko ake.”
15
Gidheoni paakanzwa hope idzi nokududzirwa kwadzo akapfugama akanamata. Akadzokera kumatendhe avaIsiraeri akati, “Handei nokuti Tenzi atoisa hondo yavaMidhiani mumaoko enyu.”
16
Akaisa mazana matatu aya avarume muzvikwata zvitatu. Akapa munhu wose hwamanda, nechirongo chisina chinhu, nemwenje muzvirongo.
17
Akavati, “Monyatsonditarisa mutevedzere zvandinoita. Kana ndasvika kumucheto wamatendhe, zvandinenge ndaita, imi moitawo saizvozvo.
18
Mukanzwa ini navandinenge ndinavo taridza hwamanda, imi mobva maridzawo hwamanda, mativi ose akakomberedza tendhe, muzhambe muchiti, ‘Hondo yaTenzi, hondo yaGidheoni.’ ”
19
Gidheoni navarume zana vaaiva navo, vakasvika kumucheto wamatendhe avo nguva yomurira kamwe vaMidhiani vachangobva mukutsinhana kugaririra. Vana Gidheoni vakaridza hwamanda vakabwadura-bwadura zvirongo zvavakanga vakatakura.
20
Vezvikwata zvitatu zviya vakaridza hwamanda, vakabwadura-bwadura zvirongo zviya. Kuruboshwe vainge vakabata mwenje, kurudyi vakabata hwamanda dzokuridza. Vakazhamba vachiti, “Hondo yaTenzi, hondo yaGidheoni!”
21
Munhu wose akamira panzvimbo yake vakatenderedza matendhe iwayo. Hondo yavaMidhiani ndokuti ware kutiza ichiridza mhere.
22
Pavakaridza mazana matatu ehwamanda, Tenzi akaita kuti vaMidhiani vabayane pachavo nokurwisawo hondo yose. Hondo yavo yakatiza kusvikira kuBhetishita yakananga kuZerera kudzamara kumuganho weAbherimehora pedyo neTabhati.
23
Kwakadaidzwa vaIsiraeri varume vedzinza rokwaNafutari neraAsheri navose vedzinza raManase vakadzingirira vaMidhiani.
24
Gidheoni akatuma nhumwa kunyika yaEfuraimu yamakomo neshoko rokuti, “Uyai muzochingudzira vaMidhiani, mufanovadzivirira pose pokuyambuka napo Jorodhani kusvikira kuBhetibhara.” Saka varume vose vokwaEfuraimu vakakokorodzwa vakafanodzivirira pokuyambuka napo Jorodhani kusvikira kuBhetibhara.
25
Vakabata vatungamiriri vaviri vechiMidhiani vanoti, Orebhu naZeebhu. Vakaurayira Orebhu paruware, Zeebhu akaurayirwawo kuchisviniro chewaini chokwaZeebhu, pavaidzingirira vaMidhiani. Vakauya nomusoro waOrebhu newaZeebhu kuna Gidheoni kumhiri kwaJorodhani.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21