bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Judges 20
Judges 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
1
VaIsiraeri vose vakabudidzana vachibva kuDhani kusvikira kuBheerishebha pamwechetewo novokuGireadhi, gungano iri rikandoungana somunhu mumwechete pana Tenzi kuMizipa.
2
Vatungamiriri vavanhu vose vamadzinza ose avaIsiraeri vakauyawo pamwechete negungano revanhu vaMwari, vari zviuru zvina zvavarume vetsoka vanorwa nomapakatwa.
3
(VokwaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsiraeri vakaenda kuMizipa.) VaIsiraeri vakati, “Tipire tinzwe kuti uhwu hwakaitika sei?”
4
MuRevhi uya, murume womukadzi akaurayiwa akati, “Ini ndakasvika nokuGibhea kunyika yokwaBhenjamini kuti ini nomurongo wangu tiwane pokurara.
5
Varume vokuGibhea vakandimukira vakandikomba mumba mandakanga ndiri usiku vachida kundiuraya. Vakabata murongo wangu chibharo, akafa.
6
Ndakatora murongo wangu ndikamudimura-dimura, ndikatumira zvidimbu zvacho kunyika dzose dzavaIsiraeri dzenhaka yavo. Chandakadariro ndechokuti vakapara zvinonyadzisa mhosva yakaipa younzenza muIsiraeri.
7
Hezvoka vaIsiraeri, muri mose zvenyu, zano renyu rinoti kudii, poitwa sei ipapa?”
8
Vanhu vose vakasunga rimwe rokuti, “Pakati pedu hapana munhu achadzokera kutendhe rake, kana mumwechete zvake achadzokera kumba.
9
Zvatichaita kuGibhea ndezvizvi, tichasarudza nechin'ange vanhu vachandorirwisa.
10
Pazana roga roga ravanhu, mudzinza nedzinza ravaIsiraeri tichasarudza gumi ravarume, pachiuru tichisarudza zana, pagumi rezviuru tichisarudza chiuru. Ndovachaigira vanhu zvokudya. Kana ngavatsividze kuGibhea kwaBhenjamini votsividza mhosva inonyadzisa yakaparwa muIsiraeri.”
11
Saka varume vose veIsiraeri vakaunganidzana vakaita chirwirangwe kurwisa guta irori.
12
Madzinza avaIsiraeri akatuma nhume kudzinza rose rokwaBhenjimini kundoti, “Kushinhwai kwakaitwa pakati penyu?
13
Zvino unzai vanamatatapure vokuGibhea ivavo vasina musoro tivauraye, tibvise uipi hwakadai uhwu muIsiraeri.” Asi vokwaBhenjamini havana kumboteerera zvavo zvakanga zvataurwa nehama dzavo vaIsiraeri.
14
Asi kutoti vokwaBhenjamini ava vakabva mumaguta avo ose vakaunganidzana kuGibhea kuti varwe navaIsiraeri.
15
Pamusoro pamazana manomwe avarwi vokurwa namapakatwa vakanga vaitwa zvokusarudzwa kuGibhea, vokwaBhenjamini vakaunganidzawo makumi maviri ezviuru nezviuru zvitanhatu zvavarwi vakanga vatoitwa zvokutosarudzwa mumaguta avo, nguva iyoyo.
16
Mukati mevose ivava makanga muine mazana manomwe avarwi vaiva namaboshwe vasina mhosva vaigona kukanda dombo kuruvhudzi rumwechete vachirutema.
17
Tisingaverenge vedzinza rokwaBhenjamini, vaIsiraeri vakaunganidza mazana mana avarume vokurwa namapakatwa vari varwi vehondo vose.
18
VaIsiraeri vakakwira kuenda kuBhetieri kundobvunza Tenzi kuti, “Nderipi dzinza redu richatanga kundorwisa vokwaBhenjamini?” Tenzi akati, “VokwaJudha ndovachatanga kuenda.”
19
Mangwana acho vaIsiraeri vakamuka mangwanani vakandodzika matendhe avo pedyo neGibhea.
20
VaIsiraeri vakasimuka kurwisana nevokwaBhenjamini. VaIsiraeri vakarongana kurwisa Gibhea.
21
VokwaBhenjamini vakavabudira muGibhea, vakarakatisa kuuraya vaIsiraeri zviuru zviviri musi iwoyo.
22
Zvakadaro zvazvo, vaIsiraeri vakazvisimbaradza vakaronga hondo zvakare panzvimbo yakare yavakanga vakaronga zuva rokutanga.
23
VaIsiraeri vakaenda kuna Tenzi vakachema kwaari kudzamara ava manheru. Vakabvunza Tenzi kuti, “Toendazve here kundorwa nehama dzedu dzokwaBhenjamini?” Tenzi ndokuti, “Endai mundovarwisa.”
24
Zuva rechipiri vaIsiraeri vakasebera kuzorwisana novokwaBhenjamini.
25
VokwaBhenjamini vakavabudira muGibhea zuva rechipiri irori, vakarakatisa varume gumi rezviuru nezviuru zvisere zvavaIsiraeri, ivava vose vakanga vari varwi vokurwa namapakatwa.
26
Ipapo vaIsiraeri vose, hondo yavo yose zvayo, vakaenda kuBhetieri vakachema. Vakagara pana Tenzi, vakatsanya kusvikira manheru zuva iroro. Vakaita mipiro yokupisa neyokuwadzana kuna Tenzi.
27
VaIsiraeri vakabvunza Tenzi zvokuita nokuti mazuva iwayo bhokisi raMwari rechitenderano ndoparaiva.
28
Finehasi mwanakomana waEreazari mwana waAroni ndiye aiita basa roupristi ipapo. VaIsiraeri vakabvunza kuti, “Ko tingaendezve here kundorwisana nehama dzedu dzokwaBhenjamini, kana kuti kwete?” Tenzi ndokuti, “Endai nokuti mangwana ndinovaisa mumaoko enyu.”
29
VaIsiraeri vakaronga vamwe vanhu kuti vahwandire vakakomberedza Gibhea.
30
VaIsiraeri vakaenda kundorwisa vokwaBhenjamini nezuva retatu. Sezvavakamboita pakutanga, vakaronganazve kurwisa Gibhea.
31
VokwaBhenjamini vakavavinga, ivo ndokuvakwezvera kure neguta. Sezvavaimboita pakutanga, vakatanga kurova vachiuraya vaIsiraeri mumigwagwa inoti wokuenda kuBhetieri nowokuenda kuGibhea nomusango nomusango, kukafa vaIsiraeri makumi matatu.
32
VokwaBhenjamini vakafunga kuti, “Vari kutiza sapakutanga.” Asi vaIsiraeri vaiti, “Regai titize timbovakwezvera kumigwagwa mikuru vabve muguta.”
33
VaIsiraeri vose vakanyanduka vachibva pavakanga vari, vakarongana zvokuti vachirwa kuBhaaritamari. VaIsiraeri vakanga vakahwandira vakadzumbunukawo kumadokero kweGebha vomhanya.
34
Varume vanosvika gumi rezviuru vakanga vaitwa zvokusarudzwa muIsiraeri vakanangana neGibhea kurirwisa. Kwakarwisanwa zvinotyisa, izvozvo vokwaBhenjamini vakanga vasingatomboziva zvavo kuti kwatova kuparara kwavo.
35
Tenzi akaita kuti vokwaBhenjamini vakurirwe navaIsiraeri. Zuva iroro vaIsiraeri vakauraya varume makumi maviri ezviuru nezviuru zvishanu nezana rimwechete ravanhu vokwaBhenjamini ivavo vose vari varwi vokurwa namapakatwa.
36
VokwaBhenjamini vakazviona kuti vatokurirwa. VaIsiraeri vakapa vokwaBhenjamini mukana vachivimba navaya vavakanga vati vahwandire Gibhea.
37
Vaya vakanga vakahwandira vakamhanya kundorwisa Gibhea. Vakanga vakahwandira ivava vakadzumbunuka vakauraya guta rose iroro namapakatwa.
38
Pakanga pavimbisanwa kuti vakanga vakahwandira vaya vanofanira kuzopwititisa gore routsi muguta,
39
varume veIsiraeri ndopavaizopinduka votanga kurwisa. Pakanga vokwaBhenjamini vatangisa zvino kuuraya varume makumi matatu veIsiraeri, votofunga kuti, “A-a zvino tazonyatsovakurira sezvatakambovaita pakutanga.”
40
Ipapo ndopakatanga kutogoka gore routsi muguta. VokwaBhenjamini vakazoti cheu, onei guta rose rangova moto wonjenjema mudenga.
41
Ndopakabva papinduka vaIsiraeri, zvikakangaidza vokwaBhenjamini nokuti vakanga votoona kuti kwava kupera uku.
42
Naizvozvo vakapishinuka votiza vaIsiraeri vonanga kurenje, hondo ikagoti tsvome tsvome navo ikoko, vokomberanwa navamwe vaibva nokumaguta vachivakatakazha.
43
VokwaBhenjamini vakakomberanwa zvokuti kuvaronda kwakanga kwava nyore nyore kudzamara kuGebha kumabvazuva.
44
Kwakafiwa nemikweshwa chaiyo yavarume vokwaBhenjamini, gumi rezviuru nezviuru zvisere.
45
Vakapishinuka zvakare votizira kurenje kubako rokwaRimoni, vaIsiraeri vakangouraya vokungonhonga-nhongawo vanokwana zviuru zvishanu zvavarume mumigwagwamo. Vakatsikirirana navo kuvaronda kusvikira kuGidhomu vakauraya zviuru zviviri zvavanhu.
46
Saka vokwaBhenjamini vakafa musi iwoyo vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zvishanu zvemikweshwa yavarume vokurwa namapakatwa.
47
Asi mazana matanhatu avarume vakatizira kurenje kubako rokwaRimoni, vakagara mubako rokwaRimoni iri mwedzi mina.
48
VaIsiraeri vakachidzokera, vamwe vokwaBhenjamini vaiva muguta vakavauraya namapakatwa, vachiuraya vanhu nezvipfuwo nezvose zvazvo zvavaisangana nazvo. Vakapisa nomoto maguta ose avakawana acho.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21