bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Judges 2
Judges 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 3 →
1
Mutumwa waTenzi akabva kuGirigari akakwidza kuBhokimu. Akati, “Ndakakubvisai kuIjipiti ndikauya nemi kunyika yandakatsidzira kupa kune madzibaba enyu. Ndakati, ‘Handimbozofi ndakatyora chitenderano changu nemi.
2
Imiwo regai kuita chitenderano navanhu vomunyika ino. Munofanira kupwanya atari dzavo.’ Asi imi hamuna kuteerera zvandakareva. Ko ndochii ichochi chamaita?
3
Zvino ini ndinoti, ‘Handichafanokudzingirai vanhu ivava, asi vachava vavengi venyu uye vamwari vavo vari chinhu chakakuteyai.’ ”
4
Mutumwa waTenzi akati apedza kutaurira vaIsiraeri vose, vanhu vakaridza mhere kuchema.
5
Vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Kuchema, vakabva vapira Tenzi zvibayiro ipapo.
6
Joshuwa paakati vaIsiraeri vachienda zvavo, vakati ava kwavo ava kwavo vachienda kunyika dzavo dzenhaka kundodzitora vachidziita dzavo.
7
Vanhu ivava vakanamata Tenzi panguva yose yakanga Joshuwa achiri mupenyu, nenguva yose yavakuru vakuru vakasiyiwa naJoshuwa variko vakanga vaona basa guru rose rakaitirwa vaIsiraeri naTenzi.
8
Joshuwa mwanakomana waNunu muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore ana makore gumi.
9
Vakamuviga munyika yake yenhaka kuTimunatiheresi kunyika yaEfuraimu yamakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi.
10
Chizvarwa ichocho chose chakapera kufa, kukazomukawo chimwe chizvarwa mushure mavo chakanga chisingamboziva Tenzi kana basa raakanga aitira vaIsiraeri.
11
VaIsiraeri vaiita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Vainamata vanaBhaari.
12
Vaizvicheka ukama naTenzi Mwari wamadzibaba avo akavaburitsa kunyika yeIjipiti, voteveredzana zvavo navamwe vamwari vavanhu vakanga vari munharaunda yavo vachivapfugamira, vachivirutsa hasha dzaTenzi.
13
Vakachekana ukama naTenzi vonamata vanaBhaari naAshitaroti.
14
Saka hasha dzaTenzi dzaivirukira vaIsiraeri ovaisa mumaoko avapambi, vachivapamba, achivati kuche mumaoko avavengi vavo vomunharaunda yavo yose. Havaizogona kana kumirisana navavengi vavo.
15
Nguva dzose dzavaiti vondorwa, Tenzi aitenge orwisana navo kuti zvivaipire, sokuyambira kwakanga kwaita Tenzi nokuvatsidzira kwaakanga aita. Zvose izvozvo zvaivatambudza kwazvo mumwoyo.
16
Tenzi aizovamutsira vatongi vaivanunura mumaoko avanhu ivavo vaivapamba.
17
Kunyange zvakadaro vakange vasingateereri vatongi vavo ivavo nokuti vairamba vachingoita unzenza hwokuteveredzana navamwe vamwari vachivapfugamira. Vakanga vasingatani kutsauka nzira yaifambwa namadzibaba avo vaiteerera mitemo yaTenzi. Ivo havana kuita izvozvo.
18
Tenzi aiti kana avamutsira mutongi, aibva ava nomutongi iyeyo ovaponesa mumaoko avavengi vavo upenyu hwose hwomutongi iyeyo nokuti Tenzi ainzwa tsitsi nokugunguzika kwavo pamusana pavanhu ivavo vaivabata zvisina kunaka.
19
Asi painge mutongi iyeyo afa, vaipinduka votoita zvinhu zvakaipa kwazvo kupinda zvamadzibaba avo, votevera vamwe vamwari vachivanamata vachivapfugamira. Vaizongoramba vangoti dzvemere namabasa avo iwayo vasisasiyane nomusikanzwa wavo.
20
Naizvozvo Tenzi aizovirukira vaIsiraeri nehasha. Aizotiwo, “Vanhu ava zvavatyora chitenderano changu chandakatemera madzibaba avo vachirega kuteerera zvandinoreva,
21
neniwo kubvira zvino handichafanovadzingira marudzi api zvawo akasiyiwa arimo naJoshuwa, paakafa.
22
Navo ndichaedza vaIsiraeri kuti ndione kuti vachachengeta here gwara raTenzi raifamba madzibaba avo kana kuti kwete.”
23
Saizvozvo Tenzi akarega marudzi iwayo arimo, haana kubva akurumidza kuvadzinga vose pamwechete, haanawo kuvaisa mumaoko aJoshuwa.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21