bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Judges 8
Judges 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 9 →
1
Varume vokwaEfuraimu vakamubvunza kuti, “Ndochii ichochi chawatiitira ichi? Kuenda here chokwadi kundorwa navaMidhiani usina zvako kana kutidaidzawo?” Vakamupopotera vakagumbuka kwazvo.
2
Iye akavati, “Chiiko zvino chandaita chingaenzaniswe nezvamakaita imi? Ko magirepisi amanofuhwa imi vokwaEfuraimu haasiri mazhinji here pane atinokohwa isu vokwaAbhiezeri?
3
Mwari akaisa mumaoko enyu vatungamiriri vevaMidhiani vanaOrebhu naZeebhu. Zvino chiiwo chandakaita chingabangoenzaniswa nezvamakaita, imi?” Ipapo kumugumbukira kwavakanga vakaita kwakabva kwapera paakavataurira izvozvi.
4
Kunyange Gidheoni navarume mazana matatu vaya, vakanga vaneta, vakasvika kuna Jorodhani vakayambuka vachingovadzingirira chete.
5
Paakasvika kuSukoti akakumbira vanhu veko achiti, “Ndapota ndipireiwo vanhu vandinavo zvingwa nokuti vave nenzara. Ndiri pakuronda Zebha naZarimuna, madzimambo evaMidhiani.”
6
Vakuru vakuru vomuSukoti vakati, “Ko ivo vana Zebha naZarimuna vacho wati wavabata here zvaunoti tipe hondo yako iyi chokudya?”
7
Gidheoni ndokuti, “Zvakanaka, kana Tenzi angoisa Zebha naZarimuna mumaoko angu, ndichakupurai neminzwa yomurenje norukato.”
8
Akabva ipapo akaenda kuPenueri akavakumbira zvimwechetezvo. Varume vokuPenueri vakamupindurawo zvimwechetezvo zvakapindurwa navarume vokuSukoti.
9
Akataurira varume vomuPenueri achiti, “Kana ndadzoka zvakanaka, ndichakoromora shongwe iyi.”
10
Izvozvo Zebha naZarimuna vakanga vava muKarikori navarwi vavo vehondo yavarume vainge zviuru gumi nezvishanu. Ndovose vakanga vasara pavarwi vehondo vokumabvazuva nokuti kwakanga kwafa varume varwi vehondo zana namakumi maviri ezviuru.
11
Gidheoni akakwira nenzira yavanogara mumatendhe kumabvazuva kweNobha neJogibheha, akabva afuta hondo iyoyo oirwisa nokuti hondo iyoyo yakanga yavarayirwa.
12
Zebha naZarimuna vakagoti gumbo ndibereke. Iye akadzingirirana navo ndokubata madzimambo maviri evaMidhiani vanaZebha naZarimuna. Akaitisa hondo yose yevaMidhiani chimwandamwanda.
13
Gidheoni mwana waJoashi akadzoka kundorwa kumakata okuHeresi.
14
Akabata rimwe jaya rokuSukoti ndokuribvunzisisa. Rakamunyorera mazita amachinda neavakuru vakuru vomuSukoti anosvika makumi manomwe namanomwe avarume.
15
Gidheoni akasvika kuvarume vaya vomuSukoti akati, “Chionaika kuti Zebha naZarimuna vamakambondidadira muchiti, ‘Ko iye Zebha naZarimuna wacho wati wavabata here zvaunoti tipe varwi vako vafa nenzara chokudya?’ ”
16
Akabata vakuru vakuru veguta reSukoti akavarova norukato neminzwa achiitira kuti vanhu vemuSukoti vawane chidzidzo pavari.
17
Akandoputsa shongwe yePenueri ndokuuraya varume vomuguta iroro.
18
Gidheoni akabvunza Zebha naZarimuna kuti, “Varume vamakauraya kuTabhori vakanga vakaita sei?” Ivo vakati, “Vakanga vakaita semi, vose vachinge vanakomana vamambo chaivo.”
19
Akati, “Vakoma navanun'una vangu, vomumba chaivo. Ndinopika naTenzi mupenyu kuti dai makavarega vari vapenyu handaikuurayai.”
20
Ipapo akati kuna Jeteri dangwe rake, “Simuka uvauraye.” Asi mukomana uyu haana kuvaburitsira bakatwa rake muhara, aitya nokuti akanga achiri muduku.
21
Zebha naZarimuna vakati, “Simukai mutiuraye iyemi pachenyu nokuti ndimi mabve zano, mune simba.” Gidheoni akasimuka ndokuuraya Zebha naZarimuna, ndokubva atora nyembe dzaiva muhuro mengamera dzavo.
22
Varume veIsiraeri vakataurira Gidheoni vachiti, “Zvamakatinunura mumaoko avaMidhiani dai mukachiva zvenyu mutongi wedu iyemi muchiteverwa nomwanakomana wenyu kwozouya muzukuru wenyu mukomana.”
23
Asi Gidheoni akavati, “Ini handisi kuzova mutongi wenyu, mwanakomana wangu haasi kuzovawo mutongi wenyu, asi Tenzi ndiye achava mutongi wenyu.”
24
Gidheoni akatiwo kwavari, “Chinhu chimwechete chandinokukumbirai ndechokuti mumwe nomumwe wenyu ngaandipe mhete dzomunzeve dziri muzvinhu zvaakapamba.” Akadaro nokuti vaiva nemhete dzendarama dzomunzeve, zvavakanga vari vechiIshimaeri.
25
Ivo vakati, “Zvokukupai, tinokupai zvedu.” Vakawaridza jira murume woga woga ndokubva atora mhete muzvinhu zvaakapamba, achikandapo.
26
Uremo hwemhete dzendarama dzaakanga avakumbira dziya hwakaita chiuru chimwechete chamashekeri endarama namazana manomwe awo, tisingaverengei zvedu nyembe namakoza nehanzu dzeruvara rwehute dzaipfekwa namadzimambo evaMidhiani uye ngetani dzaiva mumitsipa yengamera dzavo.
27
Gidheoni akagadzira nazvo hanzu yeefodhi akandoiisa muguta rake reOfura. VaIsiraeri vose vakaita unzenza hwokuinamata ikoko ikabva yava chinhu chakateya Gidheoni nemhuri yake.
28
Naizvozvo vaMidhiani vakakurirwa navaIsiraeri, havana kana kuzombosimudza musoro. Panguva yaGidheoni, nyika yakava norunyararo kwamakumi mana amakore.
29
Jerubhaari mwanakomana waJoashi akandogara kumusha kwake.
30
Zvino Gidheoni uyu aiva navana vakomana makumi manomwe vake vokubereka nokuti aiva navakadzi vazhinji.
31
Murongo wake aigara kuShikemu akamuberekerawo mwana mukomana. Iye akamutumidza zita rokuti Abhimereki.
32
Gidheoni mwanakomana waJoashi akazofawo anyatsokwegura, akavigwa muguva rababa vake kuOfura ravaAbhiezeri.
33
Zvakazoitika kuti Gidheoni paakangofa vaIsiraeri vakapanduka vakaita unzenza hwokunamata vanaBhaari. Vakazvigadzirira Bhaaribheriti kuti ave mwari wavo.
34
VaIsiraeri vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo akanga avanunura mumaoko avavengi vavo vakanga vakavakomberedza.
35
Havana zvakare kana kumboita hanya nevemhuri yaJerubhaari, (Gidheoni uya uya) maererano nezvakanaka zvose zvaakaitira vaIsiraeri.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21