bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Judges 5
Judges 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 6 →
1
Musi iwoyo Dhebhora naBharaki mwanakomana wavaAbhinoamu vakaimba rwiyo urwu vachiti:
2
“Tenzi ngaarumbidzwe nokuti vakuru vakuru vakatungamirira muIsiraeri uye vanhu vakazvipira nomwoyo unoda.
3
Teererai imi Madzimambo, munzwe imi machinda. Ini, iyeni pachangu ndomboimbira Tenzi. Ndava kuimbira rwiyo Tenzi, Mwari wavaIsiraeri.
4
Tenzi imi pakubva kwenyu kugomo reSeiri, pamaikanyaira mobva mumasango eEdhomu, nyika yakadedera, denga rikanaya, makore akadonha mvura.
5
Makomo akandengendeka pamberi paTenzi, makomo eSinai pana Mwari wavaIsiraeri.
6
Panguva yaShamugari mwanakomana waAnati, panguva yaJaeri, zvedungwerungwe mumigwagwa kwakanga kusisina. Venzendo vaitofamba notunzira twomusango.
7
Shasha dzokutungamirira muIsiraeri makanga musisina kusvikira kwamuka ini Dhebhora. Kwazomuka ini amai veIsiraeri.
8
Vanhu pavaisarudza vamwari vatsva, hondo yaibvawo yagogodzera pamusuo. Pamakumi mana ezviuru zvavaIsiraeri kwaimboonekwa nhoo kana pfumo zvaro nhai?
9
Mwoyo wangu unofadzwa navatungamiriri veIsiraeri unofadzwa navakazvipira nomwoyo unoda. Tenzi ngaarumbidzwe.
10
Zviparidzei, Imi vananyakutasva pamadongi echikadzi machena, iyemi vokugara pazvityaro zvina machira anokosha iyemi vanyakupfuura nenzira.
11
Ngavadaidzire kupfuura vanogova mvura, vanoigova panonwiwa mvura. Zvinoshamisa zvakaitwa naTenzi ngavazviimbe, zvokutungamirira kwaakaita Isiraeri zvinoshamisa. Vanhu vaTenzi vakaunganidzana kumisuwo mikuru yamaguta.
12
Mukai, mukai mushaure vaDhebhora! Mukai, mukai mushaure rumbo! Simuka Bharaki, mwana waAbhinoamu, vakambokuita nhapwa, nhasi uvaite nhapwa.
13
Vakanga vasara pakati pavakuru vakuru vakauya, vanhu vaTenzi vakaburukira kwandiri, vovinga vane simba guru.
14
VokwaEfuraimu kubvira kuAmareki vatopinda kare mubani, mushure menyu, vokwaBhenjamini navanhu vokwenyu. Vatungamiriri vokwaMakiri vaburukawo vatovamo, nenhungamiri dzokwaZebhuruni dzarovererawo.
15
Machinda okwaIsakari aita rimwe naDhebhora, vaita mwoyo mumwechete naBharaki. Heyo mhute, vanhu kutevera Bharaki. Vemhuri dzokwaRubheni vashaya rokubata nokufunga.
16
Muchagomirireiko kumatanga ehwai? Kutonakidzwa zvenyu nhai nenyere dzokuridzira zvipfuwo. Vemhuri dzokwaRubheni vashaya rokubata nokufunga.
17
VokuGireadhi vagere zvavo kumhiri kwaJorodhani iwe. Ko naivowo vokwaDhani ndochiikowo ichochi chokuramba vakangoti nezvikepe dzvemere? Kana naivowo vokwaAsheri nhaimi, votoramba zvavo vakati tendhe mumahombekombe kutonyatsoti mbwe-e zvavo make imomo.
18
VokwaZebhuruni vakazvipinza munjodzi yokunge vachafa. Ndozvimwechetezvo nevokwaNafutari panzvimbo yakakwirira yakasandarika.
19
Madzimambo akauya akarwa hondo. Madzimambo eKanani akarova hondo, kuTaanaki pedyo netsime rokuMegidho. Asi hapana kana sirivha kana chokupamba zvacho chavakabura.
20
Nyenyedzi dzokudenga dzakarwawo hondo dzakarwisa Sisera mumakwara adzo.
21
Mapopopo aKishoni akavakukura, mapopopo akati vata, mapopopo aKishoni. Regai ndichikanyaira nesimba.
22
Mabhiza akaridza pasi pakatinhira, nokukakatika orimbinyuka mabhiza ehondo.
23
Mutumwa waTenzi anoti, ‘Rengererai vokuMerozi vawirwe norushambwa, nyatsoshurikidzai rushambwa vagari veko, nokuti havana kuzobatsira Tenzi kubatsira Tenzi hondo yake nemikweshwa.’
24
Jaeri akakomborerwa kwazvo pavakadzi vose. Mudzimai waHebheri muKeni, akakomborerwa kwazvo pavakadzi vose vagari vomumatendhe.
25
Murume uya akamukumbira mvura, iye akamupa mukaka. Akamuigira mukaka wakakora mumbiya yamadzimambo.
26
Akati chachapu muruoko hoko yetendhe, ndokuti nyundo yavashandi dzvi. Akaiti mbetete muna Sisera achipwanya musoro wake akabvoora akatekesha musoro wake.
27
Akati nyerekete ndiye pasi rapata, ndiye tonho patsoka dzake, patsoka dzakepo akati nyekete, ndiye pasi rabada. Paakati rikiti ipapo ndipo paakafira.
28
Ukuwo uku amai vaSisera vari shishi napahwindo kudongorera, vari shishi napahwangwadza yehwindo kupena. Voti, ‘Nhai vedu! Ko chii chanonotsa ngoro yake kudai? Sei kuriridza kwengoro dzake dzehondo kusati kwonzwika?’ ”
29
Vakadzi vokumbahuru voungwaru ndokuvadzikamisa mwoyo vovataurira zvavaingofungawo izvozvo voti,
30
“Pamwe vari kutounganidza zvavo nokugovana zvavapamba, munhu achitopiwa zvake mukadzi kana vaviri, izvozvi pamwe Sisera atowana machira ane manyerekete, machira okudhaya ana mavara mavara akanyatsorukirwa. Kana iniwo ndichatoigirwa mavhoiri maviri omuhuro.”
31
Saizvozvo Tenzi vavengi venyu vose ngavaparare. Asi vanokudai vaite sezuva rinobuda rine simba. Nyika yakava norunyararo makumi mana amakore.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21