bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Judges 3
Judges 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 4 →
1
Zvino aya ndiwo marudzi avanhu akaregwa naTenzi arimo okuedza nawo vaIsiraeri vose zvavo vakanga vasina kumbenge vaona hondo ichirwiwa muKanani.
2
Zvaingoitirwa kuti vezvizvarwa zvaIsiraeri vagoziva hondo, uye kuti adzidzise kurwa vaya vainge vasati vaziva hondo.
3
Marudzi anoti: madzishe mashanu avaFirisitia kwouya vaKanani vose navaSidhoni naHivhi vaigara kumakomo okuRebhanoni kubvira kugomo reBhaariherimoni kusvikira toda kupinda kuHamati.
4
Vakaregwa varimo kuedza vaIsiraeri kuti kugoonekwa kuti vachateerera here mitemo yaTenzi yakaudzwa madzibaba avo nomuromo waMosesi.
5
Saka vaIsiraeri vakatogara zvavo mukati mavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi.
6
Vaitoroorerana navo vachitonamata zvavo vamwari vavo.
7
VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo, vakanamata vanaBhaari naAsheroti.
8
Naizvozvo hasha dzaTenzi dzakavirukira vaIsiraeri akabva avaisa mumaoko amambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia. VaIsiraeri vakapedza makore masere vachimushandira.
9
VaIsiraeri vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mununuri akavaponesa, ainzi Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu.
10
Mweya waTenzi wakauya paari akatonga Isiraeri. Akaenda kuhondo, Tenzi akaisa mumaoko ake mambo Kushanirishataimu wokuMesopotamia akamukurira. Nyika ikabva yava norunyararo.
11
Nyika yakabva yava norunyararo kwamakumi mana amakore, ndokubva Otinieri mwanakomana wavaKenazi azofawo zvake.
12
VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi ndokupa Egironi mambo weMoabhu simba rokuvakurira nokuti vakanga vaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi.
13
Akakoka vaAmoni navaAmareki akandorwisa vaIsiraeri, vakakurira guta remirara rikava ravo.
14
VaIsiraeri vakapedza gumi ramakore rina makore masere vachishandira Egironi mambo weMoabhu.
15
VaIsiraeri vakazochemazve kuna Tenzi. Tenzi akavamutsira mumwezve mununuri ainzi Ehudhi mwanakomana wavaGera wedzinza rokwaBhenjamini aiva namaboshwe. VaIsiraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu.
16
Zvino Ehudhi uyu akazvigadzirira bakatwa rake, muchekakwose chaiwo rakanga rakareba masendimita makumi mashanu. Akaripfekera muhanzu dzake, kuchidya chake chokurudyi.
17
Akasvitsa mutero iwoyu kuna Egironi mambo weMoabhu. Egironi uyu aiva rume dindimutibvu chairo kufuta.
18
Ehudhi paakati pedzei kuturira mutero uya, akati vanhu vakanga vauya vakatakura mutero iwoyu vachidzokera zvavo.
19
Asi iye pachake akadzoka vava kuzvifananidzo zvokuveza zvamatombo zviya zvokuGirigari, akasvikoti, “Mambo wangu, ndine nyaya yandiri kuda kumbotaurawo zvangu nemi kazevezeve.” Mambo ndokuti, “Chimbonyararai.” Vose vaimushandira vakabva vabuda panze vachimusiya.
20
Ehudhi aswedera kuna mambo, iye akanga agere zvake ari oga mumba yepanhurikidzwa yapamusoro inotonhorera. Ehudhi akati “Ndine shoko renyu rabva kuna Tenzi.” Mambo akasimuka muchigaro chake.
21
Ehudhi akati we-e bakatwa rake noruboshwe kuchidya chokurudyi kuya ndokuti naro bhofo mudumbu ramambo.
22
Rakabva rati bherevere zvose nomupakato waro. Mafuta akariti fushe fushe nokuti haana kuribvisa mudumbu make, tsvina ikabva yabuda.
23
Ehudhi akati bwa kubuda muberere, zarirei misuo yemba yapanhurikidzwa yapamusoro iya ndokubva asiya ayikiya.
24
Kuzoti aenda, varanda vakabva vasvikawo, vakaona misuo yemba yapamusoro yapanhurikidzwa iya yakakiyiwa vakati, “Zvimwe mambo anodaro achizvibatsira zvake mumba yake inotonhorera.”
25
Vakamirira kusvikira zvava kutovashayisa mazano, asi paasina kuzarura misuo, vakazotora kiyi vakazarura misuo iya, onei tenzi wavo akati rabada pasi atofa.
26
Ehudhi akapunyuka pavaingunomirira paya. Akapfuura pazvifananidzo zvokuveza zvamatombo zviya akatizira kuSeira.
27
Paakasvika ikoko akaridza hwamanda munyika yaEfuraimu yamakomo. VaIsiraeri vakaburuka naye munyika yamakomo iyoyi iye achivatungamirira.
28
Akavati, “Nditeverei. Tenzi atoisa vavengi venyu vaMoabhu mumaoko enyu.” Vakamutevera vakandogaririra kumazambuko aJorodhani okuenda kuMoabhu hapana wavaibvumira kuyambuka nepo.
29
Panguva iyoyo vakauraya mikweshwa yavarume vechiMoabhu vanosvika zviuru gumi. Hakuna kana mumwechete akapunyuka.
30
Nokudaro vaMoabhu vakakurirwa navaIsiraeri musi iwoyo. Nyika yakava norunyararo kwamakumi masere amakore.
31
Shure kwaEhudhi kwakauya Shamugari mwanakomana wavaAnati. Iyeyu uyu akauraya mazana matanhatu avaFirisitia, nemhayo yokutinhisa mombe naiyewo akanunura Isiraeri.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21