bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Judges 21
Judges 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
1
KuMizipa, vaIsiraeri vakanga vapika kuti, “Hapana mumwe wedu acharoodza mwana wake kune vokwaBhenjamini.”
2
Zvino vaIsiraeri vakaenda kuBhetieri vakaswera vagere pana Mwari kusvikira manheru vachiridza mhere
3
vachiti, “Nhai Tenzi, Mwari wavaIsiraeri zvamboitika seiko izvi muvaIsiraeri kuti rimwe dzinza ravaIsiraeri ritsakatike nhasi uno?”
4
Mangwana acho vakafumomuka vakavaka atari vakapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana.
5
VaIsiraeri vakati, “Ndiani pakati pamadzinza avaIsiraeri asina kuuya kuna Tenzi kumusangano?” Vakadaro nokuti vakanga vanyatsosimbisisa kupika nezvomunhu anenge asina kuuya kuna Tenzi kuMizipa vachiti, “Anofanira kutourayiwa chete.”
6
VaIsiraeri vakanga vonzwira urombo hama dzavo dzokwaBhenjamini, voti, “Inga nhasi uno rimwe dzinza ratotsakatika muIsiraeri.
7
Ko zvatakapika naTenzi kuti hatiroodzi vana vedu kwavari, zvino tichagoita sei kuti vaya vakasara vawane vakadzi?”
8
Vakati, “Nderipiko dzinza ravaIsiraeri risina kuuya kuna Tenzi kuMizipa? Zvakabuda pachena kuti hakuna vokuJabheshigireadhi akanga auya kumusangano,
9
nokuti pakaverengwa vanhu kwakabva kwaoneka kuti hakuna wokuJabheshigireadhi vose navakadzi navana.
10
Naizvozvo gungano rakatumira zviuru gumi nezviviri nemvumba dzavo dzavarwi vachivati endai mundouraya vagari vekuJabheshigireadhi namapakatwa uye vakadzi navana.
11
Zvamuchaita ndezvizvi, urayayi varume vose mugourayawo mukadzi wose akambozivana nomurume.”
12
Pavagari vose vomuJabheshigireadhi vakawana kune mazana mana emhandara dzisati dzazivana nomurume vakauya nadzo kumatendhe avo kuShiro munyika yeKanani.
13
Gungano rose rakatuma kune vokwaBhenjamini kubako rakwaRimoni shoko rokuti pachiva nokunzwanana navo.
14
Panguva iyoyo vokwaBhenjamini vakadzoka ndokuvapa vakadzi vaye vavasina kuuraya kuJabheshigireadhi, asi havana kuvawanira vanokwanirana navo.
15
VaIsiraeri vakanzwira vokwaBenjamini urombo nokuti pakanga pava nevende pamadzinza avaIsiraeri.
16
Vakuru vakuru vegungano ndokuti, “Vakadzi vomudzinza rokwaBhenjamini zvavakapera kufa, zvino tichagoita sei kuti varume vasara ava vawanewo vakadzi?”
17
Vakati, “Padzinza iri rokwaBhenjamini panofanira kuva navana vanoita kuti dzinza iri riendere mberi rigorega kutsakatika muIsiraeri.
18
Asi isu hatingagone kuroodza vana vedu kwavari kuti vave vakadzi vavo.” VaIsiraeri vakadaro nokuti vakanga vapika kuti, “Anenge angoroodza mwana wake kune vokwaBhenjamini, ngaawirwe norushambwa.”
19
Saka vakati, “Inga kune zuva guru wani rokupemberera Tenzi rinochengetwa gore negore kuShiro kuchamhembe kweBhetieri kumabvazuva pedyo nomugwagwa mukuru unobva kuBhetieri uchienda kuShikemu kuri kumaodzanyemba kweRebhona.”
20
Vakaudza vokwaBhenjamini vaya kuti, “Chiendai mundohwandira muri muminda yamagirepisi,
21
mugaririre. Kana vasikana vokuShiro ivavo vobuda kuzotamba mudariro imi ibvai mabuda muminda yamagirepisi mumwe nomumwe wenyu atore mukadzi pavasikana ivavo vokuShiro, aende kunyika yokwaBhenjamini.”
22
Madzibaba avo kana kuti hanzvadzi dzavo dzikauya kuzomhan'ara kwatiri, isu tichati kwavari, “Tapota vedu we-e! Chingotiitiraiwo mwoyochena mutipewo zvenyu nokuti vanhu ava hatina kuvawanira vakadzi kuhondo, nemiwo hamuna kuita zvokuvapa, dai makadaro mungadai muine mhosva.”
23
VokwaBhenjamini vakaita izvozvo, vakandozvitorera vakadzi zvakangoenzanirana nokuwanda kwavo muvasikana vaitamba vakaenda navo. Vakaenda vodzokera kunyika yenhaka yavo. Vakavakazve maguta vakagaramo.
24
Munguva iyoyo vaIsiraeri vakapararana, munhu wese akaenda kudzinza rake kumhuri yake. Vakabva ipapo mumwe nomumwe achienda kunyika yenhaka yake.
25
Panguva iyoyo muIsiraeri makanga musina mambo yaingova njake njake, munhu wose achingoita zvake zvomusoro wake.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21