bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Judges 9
Judges 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
1
Abhimereki mwanakomana waJerubhaari akaenda kuShikemu kwanasekuru vake, hanzvadzi dzaamai vake akataurirana navo pamwechete nehama dzose dzokwaamai vake achiti,
2
“Mubvunzo uyu usvitsei munzeve dzavanhu vose vomuShikemu wokuti, ‘Chiiko chamunosarudza pane izvi? Mungade here kuti makumi manomwe avanakomana vaJerubhaari ndivo vova vatongi venyu kana kuti munhu mumwechete chete ave mutongi wenyu? Zivaiwo kuti imi neni tiri hama nehama, tiri veropa rimwechete chairo.’ ”
3
Madzisekuru ake okwaamai vake vakasuma zvose izvozvi kuvatungamiriri vose vokuShikemu. Vakasarudza kutungamirirwa naAbhimereki nokuti vaiti, “Muzukuru wavo.”
4
Vakatora zvidimbu makumi manomwe zvemari yesirivha mutemberi yaBhaaribheriti, vakapa Abhimereki, nemari iyoyo akatsvaga madzenga avanhu asingakatari aakaenda nawo.
5
Akaenda kumusha kwababa vake kuOfura, akauraya vakoma navanun'una wake makumi manomwe, padombo rimwechete. Asi Jotamu, gotwe raJerubhaari ndiye oga akapunyuka nokuti akanga ahwanda.
6
Varume vokuShikemu vakaunganidzana nevokuBhetimiro, vakagadza Abhimereki umambo pamuoku wokuShikemu wakatsigirwa.
7
Pazvakasvika munzeve dzaJotamu, iye akaenda akandokwira pamusoro pegomo reGerizimu, akataura kwavari achiita zvokudaidzira kwazvo achiti, “Varume veShikemu, teererai munzwe zvandava kutaura kuti Mwari agokunzwaiwo.
8
Rimwe zuva miti yakaenda kundogadza mambo wokuitonga. Yakati kumuti womuorivhi, ‘Iva mambo wedu.’
9
Asi muorivhi wakati kwairi, ‘Heya munoti ndisiye mafuta angu anoshandiswa kupa rukudzo vamwari namadzimambo ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here?’
10
Miti iya ndokuti kumuonde, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’
11
Asi muonde wakati kwairi, ‘Heya munoti ndisiye kutapira kwangu nemichero yangu iyi yakanaka kudai ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here?’
12
Miti yakati kumugirepisi, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’
13
Asi mugirepisi wakati, ‘Heya munoti ndisiye waini yangu inofadza vamwari navanhu, ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here.’
14
Miti yose yakazoti kurukato, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’
15
Rukato rwakati kwairi, ‘Kana zviri zvechokwadi kuti muri kuda kundigadza kuti ndive mambo wenyu, uyai mupotere mumumvuri wangu. Kana zvisizvo, moto ngaubve murukato uroromese miti yemisidhari yokuRebhanoni.’
16
“Naizvozvo hameno kana zvokugadza Abhimereki umambo makazviita muchiti muri kuita zvakanaka, uye maifunga kuti muri kuita zvinhu kwazvo, zvimwe munofungawo kuti zvamakaitira Jerubhaari nemhuri yake zvinokodzerana nezvaakaita.
17
Chandinodariro ndechichi chokuti, baba vangu vakakurwirai, vakazvipinza munjodzi yokuti vaigona kufa, vakakununurai mumaoko avaMidhiani.
18
Asi nhasi uno iyemi ndimi mamukira imba yababa wangu, mukauraya vana vake, varume makumi manomwe padombo rimwechete, mukatora Abhimereki mwana waakabereka zvake nomuranda wake, mukamugadza kuti ave mambo wavanhu vomuShikemu nokuti muzukuru wenyu.
19
Zvino kana zvamaitira Jerubhaari nemhuri yake nhasi uno mazviita muri pachokwadi uye nomazvo, farai zvenyu mupemberere Abhimereki, iye ngaakufarireiwo kwazvo.
20
Asi kana zvisizvo moto ngaubve muna Abhimereki uroromese vanhu vomuShikemu nevomuBhetimiro. Moto ngaubvewo mune vanhu vemuShikemu nevomuBhetimiro uroromese Abhimereki.”
21
Jotamu akabva atiza ndokumhanya oenda kuBheeri. Akagarako nokuti aitya Abhimereki mukoma wake.
22
Abhimereki akatonga vaIsiraeri kwamakore matatu.
23
Mwari akapinza mweya usina kunaka pakati paAbhimereki navanhu vomuShikemu ndokubva vanhu vomuShikemu ivava vapandukira Abhimereki.
24
Mwari akaitira izvozvi kuti mhosva youtsinye hwakaitwa naAbhimereki hwokuuraya vakoma navanun'una vake, vanakomana vaJerubhaari makumi manomwe, iripwe, ropa ripfukire iye Abhimereki navanhu veShikemu vakamutsigira kuuraya vakoma navanun'una vake.
25
Varume vokuShikemu vakaisa varume vokumuhwandira pamusoro pamakomo. Vaiita ugandanga hwokupamba zvinhu zvevaipfuura neko, zvikagosvika munzeve dzaAbhimereki.
26
KuShikemu kwakazouyiwa naGaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake, vanhu vemo ndokuvimba naye.
27
Vakaenda kuminda vakatanha magirepisi muminda yavo yomugirepisi, vakaasvina. Vakaita mabiko ndokuenda mumba yamwari wavo, ndokudya nokunwa vachinyomba Abhimereki.
28
Gaari mwanakomana waEbhedhi akati, “Abhimereki chiiwo zvake? Naiyesuwo vanhu veShikemu tiri vanhu rudzii chaizvo zvatinozvirega tichingotongwa nomunhu uyu? Handiti Jerubhaari naZebhuri muchinda wake vaitoshandira Hamori baba vaShikemu. Zvino tinofanira kumushandira pamusana pei?
29
Dai kuri kuti ndini ndaitwa mutungamiriri wenyu, ndaibvisa Abhimereki pachigaro. Ndaiti kuna Abhimereki, ‘Kukuchana zvako nehondo yako yose, uuye tionane.’ ”
30
Zebhuri mutungamiriri weShikemu paakanzwa zvakanga zvataurwa naGaari mwanakomana waEbhedhi akatutuma nehasha.
31
Akatumira nhume kuna Abhimereki kuAruma muchiverevere achiti, “Hevo, kuno kuShikemu kwakauyiwa naGaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake varikuisa muvanhu veguta mweya wokukupandukirai.
32
Saka imi dai machiuya nousiku, iyemi navanhu venyu vamunavo, muzovahwandira musango.
33
Kana ava mangwanani, zuva robuda, mokurumidzawo kumuka, mobva mauya muguta. Kana Gaari navanhu vaanenge anavo vouya kuzokurwisai, moita zvamunokwanisa navo.”
34
Abhimereki navanhu vose vaaiva navo vakasimuka nousiku vakandohwandira guta reShikemu vari muzvikwata zvina.
35
Gaari mwanakomana waEbhedhi akabuda akandomira kusuo guru reguta iri. Abhimereki navanhu vaaiva navo vachibva vabuda pavakanga vakahwanda.
36
Gaari paakavaona akati kuna Zebhuri, “Tarisai muone! Vanhu avo vari kuburuka pamusoro pamakomo avo.” Zebhuri ndokumuti, “A-a, muchidaro! Haisi mimvuri zvayo yamakomo yamuri kuona muchiti vanhu?”
37
Asi Gaari akatizve, “Tarisai muone! Vanhu avo vari kubva parukuvhute chaipo rwenyika. Chimwe chikwata chiri kubva kumuti wemuoku panofemberwa.”
38
Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Zvino wava kupi? Hausiwe here wokumbotaura muromo wokuti, ‘Abhimereki chii zvake, zvatinozvirega tichitongwa nomunhu uyu? Havasivo here vanhu vawaishora ivava? Chiendaka zvino uvarwise.’ ”
39
Gaari akatungamirira varume veShikemu akandorwisa Abhimereki.
40
Abhimereki akavadzingirira Gaari akamutiza, vazhinji vakakuvadzwa kusvikira kusuo guru reguta iri.
41
Abhimereki akandogara kuAruma. Zvino Zebhuri akadzinga Gaari nehama dzake, vakasazokwanisa kugaramo.
42
Ramangwana racho vanhu vakaenda zvavo kuminda, Abhimereki ndokuzvinzwa.
43
Saka akatora vanhu vake, akavaisa muzvikwata zvitatu, ndokuvahwandira kuminda ikoko. Akatarisa akaona vanhu vachibuda muguta muya. Akavavinga akavauraya.
44
Abhimereki nechikwata chaaiva nacho, vakamhanyira kusuo guru reguta vakamirapo. Zvimwe zvikwata zviviri zviya zvakavinga vanhu vaiva muminda zvikavauraya.
45
Musi iwoyo Abhimereki akaswera achirwisa guta iroro, kusvikira arikurira, akauraya vanhu vaivamo. Akariparadza, akarimwaya munyu.
46
Vanhu vose vomushongwe yomuShikemu vakazvinzwa, vakapinda munhare mutemberi yaEribheriti.
47
Abhimereki paakanzwa kuti vomushongwe yomuShikemu vaunganidzana imomo,
48
iye navanhu vose vaakanga anavo vakakwira mugomo reZarimoni, akatora demo mumaoko akatema masanzu omutsvairo akaatakura pamapfudzi. Akaudza vaaiva navo kuti, “Chimbidzoitai zvamaona ndichiita.”
49
Saka vanhu vake vose vakatemawo masanzu vakatevera Abhimereki vakaarongerera akakwamirana nenhare iyoyo, ndokutungidza moto pamusoro pavanhu vaiva mukati. Saka vanhu vose vomushongwe yomuShikemu vakafa, vanhurume navanhukadzi vaikarosvitsa chiuru chavanhu.
50
Abhimereki akavinga guta reTebhezi. Akakomba Tebhezi iri, akarikurira.
51
Asi muguta iri maiva neshongwe yakasimba kwazvo. Varume vose navakadzi navatungamiriri vose veguta iroro vakatizirako vakazvizaririramo vakabva vakwira kudenga reshongwe iyoyo.
52
Abhimereki akasvika pashongwe iyi akairwisa. Akaswedera pamusuo chaipo peshongwe iyi kuti aipise nomoto.
53
Mumwe mukadzi akapotsera huyo pamusoro waAbhimereki, ikamutekesha dehenya rake.
54
Akabva akurumidza kudaidza rimwe jaya raimutakurira zvombo zvake, akariti, “Buritsa bakatwa rako muhara undipfuudze, vanhu vangazonditi akaurayiwa nomukadzi.” Jaya rake riya rakamubaya akabva afa.
55
Varume vechiIsiraeri pavakaona kuti Abhimereki afa vakadzokera kumisha yavo.
56
Ndomatsiviro akaita Mwari Abhimereki mhosva yokutadzira baba vake, yokuuraya vakoma navanun'una vake.
57
Mwari akaitawo kuti vanhu vokuShikemu vapfukirwe nouipi hwavo hwose, kurengererwa rushambwa kwavakaitwa naJotamu mwanakomana waJerubhaari.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21