bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Chronicles 10
2 Chronicles 10
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 11 →
1
Zvino Rehobhoamu akaenda Shekemi, nokuti VaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemi kuzomuita mambo.
2
Zvino Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, akati achizvinzwa, (nokuti akanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni,) Jerobhoamu ndokudzoka achibva Ijipiti.
3
Vakatuma nhume kundomudana; Jerobhoamu naVaIsiraeri vose vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,
4
“Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imi chirerusai basa rababa venyu rakanga richigozha, nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.”
5
Iye akati kwavari, “Dzokeraizve kwandiri kana mazuva matatu apera.” Vanhu vakaenda.
6
Ipapo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu, akati, “Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?”
7
Ivo vakataura kwaari, vakati, “Kana mukaitira vanhu ava nomwoyo wakanaka, nokuvafadza, nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.”
8
Asi iye wakaramba zano ravakuru, ravakamupa, akarangana namajaya ezero rake, akanga achimira pamberi pake.
9
Akati kwavari, “Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, ‘Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ”
10
Zvino majaya ezero rake akataura kwaari, akati, “Iti kuvanhu ava vakataura newe, vachiti, ‘Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro,’ utaure kwavari uti, ‘Munwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
11
Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ”
12
Naizvozvo Jerobhoami navanhu vose vakasvika kuna Rehobhoamu nezuva retatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, “Dzokerai kwandirizve nezuva retatu.”
13
Mambo akavapindura nehasha; mambo Rehobhoamu akarasha zano ravakuru,
14
akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namajaya, akati, “Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.”
15
Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti zvakanga zvabva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoau mwanakomana waNebhati.
16
Zvino VaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo, vakati, “Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana weJese; endai henyu munhu mumwe nomumwe kutende rake, imi Isiraeri! Zvino Dhavhidhi, chitarira hako imba yako.” Naizvozvo VaIsiraeri vose vakaenda kumatende avo.
17
Asi kana vari vana VaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu aiva mambo wavo.
18
Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Hadhorami mutariri wavanhu vechibharo, vana VaIsiraeri vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akachimbidzika kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.
19
Saizvozvo VaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36