bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Chronicles 16
2 Chronicles 16
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 17 →
1
Zvino negore ramakumi matatu namatanhatu rokubata ushe kwaAsa, Bhaasha mambo waIsiraeri akakwira kundorwa naJudha, akavaka Rama, kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.
2
Ipapo Asa akabudisa sirivha nendarama muzvivigiro zvepfuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akatuma shoko kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria, akanga agere Dhamasikosi, akati,
3
“Sungano iripo pakati pangu nemi, sezvayakavapo pakati pababa vangu nababa venyu; tarirai, ndinokutumirai sirivha nendarama; endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri.”
4
Bhenihadhadhi akateerera mambo Asa, akatuma vakuru vehondo dzake kundorwa namaguta aIsiraeri, akakunda Ijoni, neDhani, neAbherimaimi, namaguta ose amatura aNafutari.
5
Zvino Bhaasha akati achizvinzwa, akarega kuvaka Rama, akarega basa rake.
6
Ipapo mambo Asa akatora vaJudha vose; vakandobvisa mabwe eRama, namatanda aro zvaakanga avaka nazvo iye Bhaasha, akavaka nazvo Gebha neMizipa.
7
Zvino nenguva iyo muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo waJudha, akati kwaari, “Zvawakavimba namambo weSiria, ukasavimba naJehovha Mwari wako, zvino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruoko rwako.
8
“Ko vaItiopia navaRubhimi vakanga vasi hondo huru–huru, vane ngoro navatasvi vamabhiza vazhinji here? Kunyangwe zvakadaro, zvawakavimba naJehovha, iye akavaisa muruoko rwako.
9
Nokuti meso aJehovha anotarira–tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye ano mwoyo wakarurama kwazvo kwaari. Pachinhu ichi waita sebenzi; nokuti kubva zvino uchavingwa nokurwa.”
10
Ipapo Asa akatsamwira muoni, akamuisa mutorongo; nokuti akanga amutsamwira kwazvo nokuda kwechinhu ichi. Nenguva iyo Asa akatambudzawo vamwe vanhu.
11
Zvino tarirai, mabasa aAsa, okutanga nookupedzisira, akanyorwa mubhuku yamadzimambo aJudha naaIsiraeri.
12
Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamwe rokubata kwake ushe, Asa akazonzwa makumbo; urwere hwake hukanyanya kwazvo; kunyangwe zvakadaro, paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi n'anga.
13
Asa akavata namadzibaba ake, akafa negore ramakumi mana nerimwe rokubata kwake ushe.
14
Vakamuviga pamuhwiro hwake, hwaakanga azvivezera muguta raDhavhidhi, vakamuradzika panhoo dzizere nezvinonhuwira zvamarudzi mazhinji, zvakanga zvagadzirwa navaiti vezvinonhuwira vakangwara; vakamupisira zvizhinji zhinji.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36