bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Chronicles 25
2 Chronicles 25
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 26 →
1
Amaziya akanga ana makore makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Jehoadhani weJerusaremu.
2
Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kuita nomwoyo wose.
3
Zvino akati asimba paushe hwake, akauraya varanda vake vakauraya mambo baba vake.
4
Asi haana kuuraya vana vavo, asi akaita sezvakanyorwa pamurairo paBhuku raMosesi, sezvakarairwa naJehovha, achiti, “Madzibaba haafaniri kufira vana vavo, navana havafaniri kufira madzibaba avo; asi munhu mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.”
5
Amaziya akaunganidzawo vaJudha, akagadza pamusoro pavo vatariri vezviuru navatariri vamazana nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vaJudha vose navaBhenjamini; akavaverenga, vose vamakore ana makumi maviri navakapfuura, akavawana vari varume vane zviuru zvina mazana matatu vakatsaurwa, vaigona kurwa, vaigona kurwa nepfumo nenhoo.
6
Akaripirawo varume vane simba noumahare vane zviuru zvine zana vaVaIsiraeri, akavapa matarenta ane zana esirivha.
7
Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari, akati, “Haiwa, mambo, hondo yaVaIsiraeri ngairege kuenda nemi, nokuti Jehovha haapo pana Isiraeri, pavana vaEfuremu vose.
8
Asi endai imi moga, shingai murwe nesimba; Mwari angakukundisai navavengi here? Nokuti Mwari ane simba rokubatsira nerokukundisa.”
9
Ipapo Amaziya akati kumunhu waMwari, “Zvino tichaita seiko pamusoro pamatarenta ane zana andakapa pfumo raVaIsiraeri?” Munhu waMwari akapindura, akati, “Jehovha anogona kukupai zvinopfuura izvozvo kwazvo.”
10
Ipapo Amaziya akavaraura, iro pfumo rakanga rauya kwaari richibva kwaEfuremu, kuti vadzokerezve kumusha; nemhaka iyo vakatsamwira Judha kwazvo, vakadzokera kumusha vatsamwa kwazvo.
11
Zvino Amaziya akatsunga mwoyo, akatungamirira vanhu vake, akaenda kuMupata woMunyu, akauraya vana vaSeiri vane zviuru zvine gumi.
12
Vana vaJudha vakatapa vane zviuru zvine gumi vari vapenyu, vakaenda navo pamusoro pedombo, vakavakandira pasi padombo, vakavhunikanya vose.
13
Asi varume vehondo vakanga vadzoswa naAmaziya, kuti varege kundorwa naye, vakandowira maguta aJudha, kubva paSamaria kusvikira paBhetihoroni, vakauraya vanhu vane zviuru zvitatu kwavari, vakapambara zvizhinji.
14
Zvino Amaziya akati achidzoka pakuuraya vaEdhomu, akauya navamwari vavana vaSeiri, akavaita vamwari vake, akavapfugamira, nokuvapisira zvinonhuwira.
15
Saka Jehovha akatsamwira Amaziya, akatuma muporofita kwaari; iye akati kwaari, “Wakabvunzireiko vamwari vavanhu vakakoniwa kurwira vanhu vavo pamaoko ako?”
16
Zvino wakati achataura naye, mambo akati kwaari, “Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, uchaurayirweiko?” Ipapo muporofita akanyarara, asi akati, “Ndinoziva kuti Mwari anofunga kukuparadza, nokuti wakaita izvozvi, ukasaterera zvandakakuraira.”
17
Ipapo Amaziya mambo waJudha akatsvaka zano, akatuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, “Uya tirwe.”
18
Joashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amaziya mambo waJudha, akati, “Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanakomana wangu mukunda wako ave mukadzi wake;’ zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika–tsika rukato.
19
“Iwe unoti, ‘Tarira wakunda Edhomu; zvino mwoyo wako wava namanyawi, wozvikudza; gara hako zvino kumusha kwako; nokuti uchatsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?’ ”
20
Asi Amaziya akaramba kunzwa; nokuti zvakanga zvichibva kuna Mwari, kuti avaise mumaoko avavengi vavo; nokuti vakanga vatevera vamwari vaEdhomu.
21
Naizvozvo Joashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmaziya mambo waJudha vakarwa paBhetishemeshi riri paJudha.
22
Judha vakakundwa naIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.
23
Joashi mambo waIsiraeri akasunga Amaziya mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBhetishemeshi, akaenda naye Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuwo raEfuremu kusvikira pasuwo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
24
Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMwari kuna ObhedhiEdhomu, nepfuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.
25
Zvino Amaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakagara ari mupenyu makore ane gumi namashanu shure kwokufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsiraeri.
26
Zvino mamwe mabasa aAmaziya, okutanga nookupedzisira, tarirai, haana kunyorwa here mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri?
27
Zvino kubva panguva yakarega Amaziya kutevera Jehovha, vakamurangana, vakamumukira paJerusaremu; iye ndokutizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.
28
Vakauya naye pamabhiza, vakamuviga kumadzibaba ake muguta raJudha.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36