bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Chronicles 32
2 Chronicles 32
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 33 →
1
Shure kwezvinhu izvi, nokutendeka uku, Shenakeribhu mambo weAsiria akasvika akapinda kwaJudha, akadzika matende kuzorwa namaguta akakombwa namasvingo, achifunga kuzvikundira iwo.
2
Zvino Hezekiya akati achiona kuti Shenakeribhu asvika, uye kuti akanga achivavarira kurwa neJerusaremu,
3
akarangana namachinda ake navarume vake vane simba, kuti vadzivire mvura yamatsime akanga ari kunze kweguta; ivo vakamubatsira.
4
Naizvozvo vanhu vazhinji vakaungana, vakadzivira matsime ose norukova rwakanga ruchiyerera napakati penyika iyo, vachiti, “Madzimambo eAsiria achasvikireiko, akawana mvura zhinji?”
5
Iye akatsunga mwoyo, akavaka rusvingo rwose rwanga rwakoromoka, akaruvaka kusvikira pashongwe, norumwe rusvingo rwokunzewo, akasimbisa Miro paguta raDhavhidhi, akapfura nhumbi dzokurwa nadzo nenhoo zhinji.
6
Akagadzawo vakuru vehondo pamusoro pavanhu, akavaunganidza kwaari padare pasuwo reguta, akataura nounyoro navo achiti,
7
“Ivai nesimba, mutsunge mwoyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nokuti anesu mukuru kune waanaye iye;
8
iye unoruoko rwenyama, asi anesu ndiJehovha Mwari wedu, kuzotibatsira nokurwa navavengi vedu.” Vanhu vakavimba namashoko aHezekiya mambo waJudha.
9
Shure kwaizvozvi Shenakeribhu mambo weAsiria akatuma varanda vake Jerusaremu, (zvino iye akanga ari pamberi peRakishi, ane hondo yake yose) kuna vose vakanga vari Jerusaremu, akati,
10
“Zvanzi naShenakeribhu mambo weAsiria, ‘Chiiko chamunovimba nacho, zvamunorambira paJerusaremu makakombwa?’
11
Ko Hezekiya haazi anokukurudzirai, kuti mugozofa nenzara nenyota here, zvaanoti, ‘Jehovha Mwari wedu achatirwira paruoko rwamambo weAsiria?’
12
Haazi iye Hezekiya akabvisa matunhu ake akakwirira neatari dzake, akaraira Judha neJerusaremu, achiti, ‘Munofanira kunamata pamberi peatari imwe, uye munofanira kupisa zvinonhuwira ipapo here?’
13
Hamuzivi here zvatakaitira vanhu vose venyika ino, ini namadzibaba angu? Ko vamwari vendudzi dzenyika idzo vakatongogona kurwira nyika yavo paruoko rwangu here?
14
“Ndianiko pakati pavamwari vose vendudzi idzo dzakaparadzwa chose namadzibaba angu, wakatongogona kurwira vanhu vake paruoko rwangu here? Zvino Mwari wenyu achagona kukurwirai paruoko rwangu here?
15
Zvino naizvozvo Hezekiya ngaarege kukunyengerai, kana kukukurudzirai nomutowo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakuna mwari worudzi rupi norupi, kana ushe, wakagona kurwira vanhu vake paruoko rwangu naparuoko rwamadzibaba angu; zvikuru sei Mwari wenyu hangakoniwi kukurwirai paruoko rwangu here?”
16
Varanda vake vakawedzera kushora Jehovha Mwari nomuranda wake Hezekiya.
17
Akanyorawo tsamba yokudadira nayo Jehovha Mwari waIsiraeri, nokumushora, achiti, “Vamwari vendudzi dzenyika idzo sezvavasina kurwira vanhu vavo paruoko rwangu, saizvozvowo Mwari waHezekiya haangarwiri vanhu vake paruoko rwangu.”
18
Vakadanidzira nezwi guru norurimi rwavaJudha kuvanhu veJerusaremu vakanga vari pamusoro porusvingo, kuvatyisa, nokuvavhundusa, kuti vagokunda guta.
19
Vakataura pamusoro paMwari weJerusaremu, vachimuenzanisa navamwari vavanhu venyika, vakaitwa namaoko avanhu.
20
Zvino mambo Hezekiya nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, vakanyengetera nokuda kwechinhu ichi, vakachemera kudenga.
21
Ipapo Jehovha akatuma mutumwa akaparadza vose vakanga vane simba noumhare, navatungamiriri, navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye akadzokera kunyika yake achinyara. Zvino akati achipinda mumba mamwari wake, avo vakanga vabuda pachiuno chake vakamuurayirapo nomunondo.
22
Saizvozvo Jehovha akarwira Hezekiya navakanga vagere Jerusaremu paruoko rwaShenakeribhu mambo weAsiria napamaoko avose, akavachengeta pamativi ose.
23
Vazhinji vakauya nezvipo kuna Jehovha paJerusaremu, nezvinhu zvinokosha kuna Hezekiya mambo waJudha; naizvozvo kubva panguva iyo akakudzwa pamberi pendudzi dzose.
24
Zvino namazuva iwayo Hezekiya akarwara, kusvikira pakufa; akanyengetera kuna Jehovha, iye akataura naye, akamupa chiratidzo.
25
Asi chinhu icho chakanaka chaakaitirwa, Hezekiya haana kuchiripira zvakanaka, nokuti mwoyo wake akazvikudza, Jehovha akamutsamwira iye, naJudha neJerusaremu.
26
Asi Hezekiya akazozvininipisa pamusoro pokuzvikudza kwomwoyo wake, iye navakanga vagere Jerusaremu, saka kutsamwa kwaJehovha hakuna kuvavinga pamazuva aHezekiya.
27
Hezekiya akanga ane pfuma zhinji nokukudzwa, akazviitira zvivigiro zvepfuma yesirivha, neyendarama, neyezvibwe zvinokosha, neyezvinonhuwira, neyenhoo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose;
28
namatura ezviyo yakawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namatanga ezvipfuwo zvamarudzi ose, nezvirugu zvamakwai.
29
Wakazviwanirawo maguta, nepfuma yamakwai nemombe zhinji; nokuti Mwari akanga amupa pfuma zhinji kwazvo.
30
Ndiye Hezekiyawo akadzivira tsime rokumusoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutivi rwamavirazuva rweguta raDhavhidhi. Hezekiya akakunda pamabasa ake ose.
31
Asi pashoko renhume dzamachinda eBhabhironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamusoro pechishamiso chakanga chaitwa panyika, Mwari akamusiya kuti amuedze, kuti azive zvose zviri mumwoyo make.
32
Zvino mamwe mabasa aHezekiya, nezvakanaka zvaakabata, tarirai, zvakanyorwa pane zvakaonekwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri.
33
Hezekiya akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumukwidzwa unoenda kumarinda avanakomana vaDhavhidhi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakamukudza pakufa kwake. Mwanakomana wake Manase akamutevera paushe.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36