bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Chronicles 14
2 Chronicles 14
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 15 →
1
Zvino Abhija akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe, pamazuva ake nyika yakanga ino rugare makore ane gumi.
2
Asa akaita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.
3
Nokuti akabvisa atari dzavamwari vatorwa, namatunhu akakwirira, akaputsa shongwe, nokutemawo matanda okunamata nawo;
4
akaraira vaJudha kuti vatsvake Jehovha Mwari wamadzibaba avo, nokuchengeta murau nomurairo.
5
Akabvisawo pamaguta ose avaJudha matunhu akakwirira nezvifananidzo zvezuva; ushe ukava norugare iye ari mambo.
6
Akavaka maguta akakombwa paJudha; nokuti nyika yakanga ino rugare, akanga asina kurwa pamakore iwayo; nokuti Jehovha akanga amuzorodza.
7
Nokuti akati kuvaJudha, “Ngativake maguta iwayo, tiapoteredze namasvingo, neshongwe, namasuwo, namazariro; nyika ichiri pamberi pedu, nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatizorodza pamativi ose.” Ipapo vakavaka, vakagara zvakanaka.
8
Asa akanga ane hondo yavaJudha, vane zviuru zvina mazana matatu, vakanga vakashonga nhoo huru namapfumo; neyavaBhenjamini vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere, vakanga vakashonga nhoo vaifura nouta; ava vose vaiva varume vane simba noumhare.
9
Zvino Zera muItiopia akauya kuzorwa navo nehondo yavanhu vane zviuru zvezviuru, nengoro dzina mazana matatu; akasvika Maresha.
10
Ipapo Asa akabuda kuzorwa naye, vakagadzira kuzorwa pamupata weZefata paMaresha.
11
Asa akachema kuna Jehovha Mwari wake, akati, “Jehovha hakuna angabatsira asine simba kurwa noune simba, asi imi moga; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. Imi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi.”
12
Ipapo Jehovha akaparadza vaItiopia pamberi paAsa, napamberi pavaJudha, vaItiopia vakatiza.
13
Asa navanhu vaakanga anavo vakavateverera kusvikira paGerari; vaItiopia vakaurayiwa vazhinji, vakakoniwa kuzosimbazve; nokuti vakaparadzwa pamberi paJehovha napamberi pehondo yake vaJudha vakaenda nezvizhinji kwazvo zvavakapamba.
14
Vakaparadza maguta ose akapoteredza Gerari; nokuti vakavhunduswa naJehovha; vakapamba maguta ose, nokuti kwakanga kune zvingapambwa zvizhinji maari.
15
Vakaparadzawo matende ezvipfuwo, vakatapa makwai mazhinji nengamera, ndokudzokera Jerusaremu.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36