bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Chronicles 5
2 Chronicles 5
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 6 →
1
Saizvozvo mabasa ose akaitirwa imba yaJehovha naSoromoni akapera. Zvino Soromoni akapinza zvinhu zvakanga zvatsaurirwa Jehovha nababa vake Dhavhidhi, sirivha, nendarama, nenhumbi dzose, akadziisa muzvivigiro zveimba yaMwari.
2
Zvino Soromoni akaunganidza vakuru VaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana VaIsiraeri, paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha ibve paguta raDhavhidhi, iro Zioni.
3
Varume vose VaIsiraeri vakaungana kuna mambo pamutambo, wakanga uri pamwedzi wechinomwe.
4
Vakuru vose VaIsiraeri vakasvika, vaRevhi vakasimudza areka.
5
Vakakwira neareka, netende rokusangana, nenhumbi dzose tsvene dzakanga dziri muTende; vapristi vaRevhi vakakwira naizvozvo.
6
Mambo Soromoni, neungano yose yaVaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.
7
Ipapo vapristi vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene–tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi.
8
Nokuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro.
9
Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari paareka pamberi penzvimbo tsvene; asi akanga asingaonekwi nechokunze; ichipo kusvikira nhasi.
10
Mukati meareka makanga musisina chiro, asi mahwendefa maviri akanga aiswamo naMosesi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano navana VaIsiraeri pakubuda kwavo paIjipiti.
11
Zvino vapristi vakati vabuda panzvimbo tsvene, (nokuti vapristi vose, vakanga varipo, vakanga vazvinatsa, vasingaiti hanya namapoka avo;
12
navaRevhi vosewo, vaiva vaimbi, vose vavo, vaiti, Asafi, naHemani, naJedhutuni, navanakomana vavo, navanun'una vavo, vakafuka micheka yakanaka kwazvo, vanamakandira, nemitengerangwa, nembira, vakamira kurutivi rwamabvazuva rweatari, uye pamwechete navo vapristi vane zana namakumi maviri, vachiridza hwamanda;)
13
zvino varidzi vehwamanda, navaimbi, vakati vachiita mawa, vachiita nenzwi rimwe vachirumbidza nokuvonga Jehovha; vakati vachiimbisa pamwechete nehwamanda, namakandira, nezvokuridzisa nazvo, vachirumbidza Jehovha, vachiti, “Nokuti akanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi;” ipapo imba yakazara negore, iyo imba yaJehovha;
14
naizvozvo vapristi vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaMwari.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36