bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Chronicles 31
2 Chronicles 31
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 32 →
1
Zvino izvo zvose zvakati zvapera, VaIsiraeri vose vakanga varipo, vakabuda kumaguta aJudha, vakaputsa shongwe, nokutema matanda okunamata nawo, vakaputsa matunhu akakwirira neatari kwaJudha nokwaBhenjamini kwose, nokwaEfuremu nokwaManase, kusvikira vazviparadza zvose. Ipapo vana VaIsiraeri vose vakadzokera kumaguta avo, mumwe nomumwe kuzvinhu zvake.
2
Hezekiya akaraira mapoka avapristi navaRevhi pamapoka avo, munhu mumwe nomumwe pabasa rake vapristi navaRevhi vose, vakabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, kushumira nokuvonga, nokurumbidza mumasuwo emisasa yaJehovha.
3
Akarairawo mugove wepfuma yamambo wezvipiriso zvinopiswa, zvaiti: Wezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, nezvipiriso zvinopiswa pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa, sezvazvakanyorwa pamurairo waJehovha.
4
Akarairawo vanhu veJerusaremu kupa vapristi navaRevhi mugove wavo, kuti ivo vasimbe pamurairo waJehovha.
5
Zvino vakati vachangonzwa murairo uyu, vana VaIsiraeri vakapa zvakawanda zvezvitsva, zvezviyo newaini, namafuta, nouchi, nemichero yose yeminda; uye chegumi chezvinhu zvose vakauya nazvo zviri zvizhinji.
6
Navana VaIsiraeri navaJudha vakanga vagere pamaguta aJudha vakauyawo nezvegumi zvenzombe namakwai, nezvegumi zvezvinhu zvakatsaurwa zvakanga zvatsaurirwa Jehovha Mwari wavo, vakazviita mirwi.
7
Vakatanga kuita mirwi pamwedzi wechitatu, vakapedza nomwedzi wechinomwe.
8
Zvino Hezekiya namachinda, vakati vasvika nokuona mirwi, vakavonga Jehovha navanhu vake VaIsiraeri.
9
Ipapo Hezekiya akabvunza vapristi navaRevhi pamusoro pemirwi.
10
Azaria Mupristi Mukuru weimba yaZadhoki akamupindura, akati, “Kubva nguva yavakatanga kuisa zvipo muimba yaJehovha, takadya, tikaguta, tikasarirwa nezvizhinji, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake; zvasara ndizvo zvizhinji izvi.”
11
Ipapo Hezekiya akaraira kuti vagadzire makamuri mumba maJehovha; vakaagadzira.
12
Vakapinza zvipo, nomutowo wakatendeka, nezvegumi, nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha; Konania muRevhi akaitwa mutariri wazvo, uye Shimei munun'una wake akanga ari wechipiri.
13
NaJehieri, naAzazia, naNahati, naAsaheri, naJerimoti, naJozabhadhi, naErieri, naIsimakia, naMahati, naBhenaya, vaiva vatariri pasi paKonania naShimei munun'una wake, vakanga vagadzwa namambo Hezekiya naAzaria mutariri weimba yaMwari.
14
Kore mwanakomana waImina muRevhi, mutariri wesuwo rokumabvazuva, akanga ari mutariri wenhendo dzaingopiwa Mwari nokuzvidira, kuti agovere zvipo zvaJehovha nezvinhu zvitsvene kwazvo.
15
Pasi pake pakanga pana Edheni, naMiniamini, naJeshua, naShemaya, naAmaria, naShekania, mumaguta avapristi, pamabasa avo akatarwa, kuti vape hama dzavo namapoka, vakuru navaduku vose;
16
vasingaverengi varume vakanga vakanyorwa mazita avo, kubva pamakore matatu navanopfuura, Ani naani aipinda mumba maJehovha, kuzoita mabasa akadikanwa zuva rimwe nerimwe, pamabasa avo avakanga vapiwa namapoka avo;
17
navakanga vaverengwa pamazita avapristi nedzimba dzamadzibaba avo, navaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, pamabasa avo namapoka avo;
18
navakaverengwa namazita epwere dzavo dzose, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo, paungano yose; nokuti vakanga vazvinatsa noutsvene pamabasa avo akatarwa;
19
navanakomana vaAroni vapristi vakanga vari kuminda yoruwa rwamaguta avo, paguta rimwe nerimwe kwaiva navarume vakanga vakanyorwa mazita avo, kuti vape varume vose pakati pavapristi migove yavo, navose vakaverengwa mazita avo pakati pavaRevhi.
20
Ndizvo zvakaita Hezekiya kwaJudha kwose; akaita zvakanaka nezvakarurama nezvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
21
Pabasa rimwe nerimwe raakatanga pakushumira paimba yaMwari, napamurairo, napamirau, napakutsvaka Mwari wake, wakazviita nomwoyo wake wose, akakunda.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36