bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Chronicles 23
2 Chronicles 23
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 24 →
1
Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akazvisimbisa, akaita sungano navakuru vamazana, vaiti: Azaria mwanakomana waJerohami, naIshimaeri mwanakomana waJehohanani, naAzaria mwanakomana waObhedhi, naMaaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikiri.
2
Vakapota nenyika yaJudha, vakakokera vaRevhi vapamaguta ose aJudha, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, vakasvika Jerusaremu.
3
Ungano yose ikaita sungano namambo mumba maMwari. Iye akati kwavari, “Tarirai, mwanakomana wamambo achabata ushe, sezvakarehwa naJehovha pamusoro pavanakomana vaDhavhidhi.
4
Munofanira kuita kudai, Imi munopinda neSabata, chetatu chenyu chavapristi navaRevhi, munofanira kuva varindi vemikova;
5
chimwe chetatu chinofanira kuva paimba yamambo, nechimwe chetatu pasuwo renheyo; navanhu vose vanofanira kuva pavazhe dzeimba yaJehovha.
6
Asi ngakurege kuva nomunhu mumwe anopinda mumba maJehovha, asi vapristi navaRevhi vanobatamo; ivo ngavapinde nokuti vatsvene; asi vanhu vose vanofanira kurinda imba yaJehovha.
7
VaRevhi vanofanira kukomba mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani anopinda paimba, anofanira kuurayiwa; mugare namambo kana achipinda uye kana achibuda.”
8
Naizvozvo vaRevhi navaJudha vose vakaita zvose zvavakarairwa nomupristi Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata naivo vaifanira kubuda neSabata; nokuti mupristi Jehoyadha haana kutendera mapoka kuenda.
9
Mupristi Jehoyadha akapa vakuru vamazana mapfumo, nenhoo, nenhoo duku, zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maMwari.
10
Akarongedza vanhu vose, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaatari neimba, vakakomba mambo.
11
Ipapo vakabudisa mwanakomana wamambo, vakamudzika korona, vakamupa chipupuriro, vakamuita mambo; Jehoyadha navanakomana vake vakamuzodza; vakati, “Mambo ngaararame!”
12
Zvino Ataria vakati vachinzwa mhere–mhere yavanhu vakanga vachimhanya nokurumbidza mambo, vakapinda kuvanhu mumba maJehovha;
13
akatarira, akaona mambo amire pambiru yake pavaipinda napo, navakuru navane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda; vaimbiwo vakaridza zvokuridza nazvo, vakaraira vairumbidza nokuimba kwavo. Ipapo Ataria vakabvarura nguo dzavo, vakati, “Ndamukirwa, ndamukirwa!”
14
Mupristi Jehoyadha akabudisa vakuru vamazana vairaira hondo, akati kwavari, “Mubudisei pakati pemisara yavanhu; ani naani anomutevera iye, ngaaurawe nomunondo; nokuti mupristi wakati, ‘Regai kumuuraya mumba maJehovha.’ ”
15
Naizvozvo vakamudziurira nzira, vakaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, vakamuurayirapo.
16
Ipapo Jehoyadha akaita sungano, iye navanhu vose namambo, kuti vave vanhu vaJehovha.
17
Vanhu vose vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsanya atari dzake nemifananidzo yake, vakauraya Matani mupristi waBhaari pamberi peatari.
18
Jehoyadha akaraira mabasa eimba yaJehovha kuti atarirwe navapristi vaRevhi, vakanga varongedzwa naDhavhidhi mumba maJehovha, kuti vapisire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurairo waMosesi, nomufaro nokuimba, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi.
19
Akagadzawo vatariri pamusuwo eimba yaJehovha, kuti parege kupinda munhu wakasvibiswa nechinhu chipi nechipi.
20
Akaenda ana vakuru vamazana, navaikudzwa, navabati vavanhu, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakapinda mumba mamambo napasuwo rokumusoro, vakagadza mambo pachigaro choushe.
21
Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; asi Ataria vakanga vamuuraya nomunondo.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36