bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Chronicles 13
2 Chronicles 13
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
1
Pagore regumi namasere ramambo Jerobhoami, Abhija akatanga kubata ushe hwaJudha.
2
Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Mikaya, mukunda waUrieri weGibhia. Kurwa kukavapo pakati paAbhija naJerobhoamu.
3
Abhija akarwa ane hondo yavarwi dzaiva mhare, varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mana; Jerobhoamuwo akagadzira hondo kuzorwa naye, ana varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana masere, vaiva varume vane simba noumhare.
4
Abhija akamira pamusoro pegomo rainzi Zemaraimi, raiva panyika yamakomo yaEfuremu, akati, “Ndinzwei, Jerobhoamu naVaIsiraeri vose!
5
Ko hamufaniri kuziva here kuti Jehovha Mwari waIsiraeri akapa Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri nokusingaperi, iye navanakomana vake nesungano yomunyu?
6
Asi Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, muranda waSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, akasimuka akamukira ishe wake.
7
Kukaunganira kwaari vanhu vakaipa, vakaisvoipa, vakazvisimbisa kundorwa naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, iye Rehobhoamu achiri muduku ano mwoyo unotya, asingagoni kurwa navo.
8
Zvino munoda kurwa noushe hwaJehovha uri mumaoko avanakomana vaDhavhidhi; zvamuri vanhu vazhinji, mune mhuru dzendarama dzakaitwa naJerobhoami kuti vave vamwari venyu.
9
Hamuna kudzinga here vapristi vaJehovha, vanakomana vaAroni, navaRevhi, imi mukazvitsaurira vapristi netsika dzavanhu vedzimwe nyika? Naizvozvo Ani naani anouya kuzvitsaurira Mwari ane nzombe imwe namakondobwe manomwe, iye angava mupristi wavamwari vasati vari vamwari.
10
“Asi kana tirisu, Jehovha ndiMwari wedu, hatina kumurasha; isu tina vapristi vanoshumira Jehovha, ivo vanakomana vaAroni, navaRevhi pamabasa avo.
11
“Ndivo vanopisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuwira mangwanani ose namadekwana ose; nezvingwa zvokuratidza vanozvigadzira patafura yakaisvonaka; nechigadziko chendarama nemwenje yacho, kuvhenekera madekwana ose; nokuti tinochengeta zvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; asi imi makamurasha.
12
“Zvino tarirai, Mwari anesu achititungamirira, navapristi vake vane hwamanda dzokuridza nadzo, kuti vakuridzirei mhere imi. Nhandi vana VaIsiraeri, regai kurwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; nokuti hamungakundi.”
13
Asi Jerobhoamu akaisa vavandiri kuti vavakombe necheshure kwavo; zvino ivo vakava pamberi paJudha, navavandiri vakanga vari shure kwavo.
14
Zvino vaJudha vakati vachicheuka, vakaona kurwa mberi kwavo neshure kwavo; vakachema kuna Jehovha, vapristi vakaridza hwamanda.
15
Ipapo vanhu vaJudha vakaridza mhere; vakati varidza mhere, Mwari akaparadza Jerobhoamu naVaIsiraeri vose pamberi paAbhija naJudha.
16
Vana VaIsiraeri vakatiza pamberi paJudha, Mwari akavaisa mumaoko avo.
17
Abhija navanhu vake vakavauraya nokuuraya kukuru; naizvozvo varume vakatsaurwa vane zviuru zvina mazana mashanu vakaurayiwa pakati paIsiraeri.
18
Vana VaIsiraeri vakamanikidzwa saizvozvo nenguva iyo, vana vaJudha vakakunda, nokuti vakavimba naJehovha, Mwari wamadzibaba avo.
19
Abhija akateverera Jerobhoamu, akamutorera maguta, aiti: Bhetieri nemisha yaro, neJeshana nemisha yaro, neEfironi nemisha yaro.
20
Jerobhoamu haana kuzova nesimbazve pamazuva aAbhija; Jehovha ndokumurova, akafa.
21
Asi Abhija akazvisimbisa, akawana vakadzi vane gumi navana, akabereka vanakomana vana makumi maviri navaviri, navanasikana vane gumi navatanhatu.
22
Zvino mamwe mabasa aAbhija, netsika dzake, namashoko ake, zvakanyorwa padudziro yomuporofita Idho.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36