bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Acts 1
Acts 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
1
Teofiro, ndakanyora rugwaro rwokutanga rwezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu,
2
kusvikira zuva raakakwidzwa, amborayira naMweya Mutsvene vapostori vaakanga atsanangura.
3
Akazviratidzawo kwavari nezviratidzo zvizhinji, ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, achionekwa navo mazuva ana makumi mana, achitaura zvoushe hwaMwari;
4
akavaraira, aungana navo, kuti varege kubva Jerusaremu, asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti, chiya chamakanzwa kwandiri;
5
nokuti Johani, zvirokwazvo, akabhabhatidza nemvura; asi imi muchabhabhatidzwa naMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera.
6
Zvino ivo, vakati vaungana, vakamubvunza, vachiti, “Ishe, modzosera ushe kuna VaIsiraeri nenguva ino here?”
7
Akati kwavari, “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vomene nesimba ravo.
8
Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu muJerusaremu, nomuJudhiya yose, nomuSamaria, kusvikira kumugumo wenyika.”
9
Zvino akati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitaririra; gore rikamubvisa, vakasazomuona.
10
Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamira navo vakafuka nguo chena;
11
ivo vakati, “Imi varume veGareriya, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, akabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, achauya saizvozvo, sezvamamuona achienda kudenga.”
12
Zvino vakadzokera Jerusaremu, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedyo neJerusaremu, nhambo yorwendo rweSabata.
13
Vakati vapinda, vakakwira muimba yaiva pamusoro, pavakanga vagere, vaiti: Petirosi, naJohani, naJokobho, naAndireya, naFiripi, naTomasi, naBhatoromiyo, naMateu, naJakobho, mwanakomana waArifeusi, naSimoni Zeroti, naJudhasi, mwanakomana waJakobho.
14
Ava vose vakatsungirira nomwoyo mumwe pakunyengetera, vana vakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanun'una vake.
15
Namazuva iwayo Petirosi akasimuka pakati pehama, vanhu vazhinji vaivapo pamwechete, vanenge zana namakumi maviri, akati,
16
“Varume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaporofitwa naMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, akanga ari muperekedzi wavaya vakabata Jesu.
17
Nokuti akanga averengwa pamwechete nesu, akapiwa mugove wake pabasa iri.”
18
Zvino munhu uyu akatenga munda nomubairo wezvisakarurama, akawira pasi nechiso, akaputika napakati, ura hwake hukabuda hwose.
19
Zvikanzwika navose vaigara Jerusaremu; naizvozvo munda uyu ukatumidzwa Akeridhama norurimi rwavo, ndokuti, “Munda weropa.”
20
“Nokuti mubhuku raMapisarema makanyorwa, zvichinzi, ‘Musha wake ngauitwe dongo, Kurege kuva nomunhu anogaramo;’ ‘Uye mumwe ngaapinde pautariri hwake.’
21
“Zvino pakati pavarume vaiungana nesu nguva yose, Ishe Jesu yaakapinda nokubuda nayo pakati pedu,
22
kutanga pakubhabhatidza kwaJohani, kusvikira pazuva raakabva kwatiri, achikwidzwa, mumwe wavo anofanira kuva chapupu chokumuka kwake pamwechete nesu.”
23
Zvino vakaisapo vaviri, vaiti: Josefa, ainzi Bhasabhasi, akatumidzwawo Jusuto, naMatia.
24
Vakanyengetera, vachiti, “Imi Ishe, munoziva mwoyo yavanhu vose, ratidzai kuti wamakatsanangura kuna ivava vaviri ndoupi;
25
kuti apiwe nzvimbo pabasa iri noupostori uhwu, hwaakarasikirwa nahwo iye Judhasi, kuti iye aende kunzvimbo yake.”
26
Zvino vakavakandira mijenya, mujenya ukabata Matia; iye akaverengwa pamwechete navapostori vane gumi nomumwe.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28