bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Acts 24
Acts 24
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
1
Zvino mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi, Mupristi Mukuru, akaburuka navamwe vakuru, nomumwe mureveri, ainzi Terituro; vakamhan'arira Pauro kumubati.
2
Iye akati adanwa, Terituro akatanga kumupomera mhosva achiti, “Zvatinoona rugare rukuru nemi, norudzi urwu zvarunoruramisirwa mhosva nokubata kwenyu kwakanaka;
3
tinozvigamuchira nemitoo yose napanzvimbo dzose nokuvonga kukuru, imi, Ferikisi akakurumbira zvikuru.
4
Asi, zvandisingadi kukunonotsai, ndinokumbira kwamuri, kuti mutinzwe nengoni dzenyu zvishomanene.
5
Nokuti takaona kuti murume uyu wakashata kwazvo, anomutsa bope pavaJudha vose panyika dzose, ari mutungamiriri weboka ravaNazareni.
6
Iye akaidzawo kushatisa temberi, tikamubata, [tichida kumutonga nomurairo wedu.
7
Asi Risiya, mukuru wechiuru chamazana, ndokuuya, akamubvisa mumaoko edu nesimba guru,
8
akarayira vanomupomera kuti vauye pamberi penyu.] Kana mukamubvunzisisa mumene, muchagona kuziva izvozvo zvose zvatakamukwirira nazvo.”
9
NavaJudha vakabvumirawo pakumhan'ara, vakasimbisa kuti zvinhu izvozvo ndizvo.
10
Zvino mubati akati amuninira, kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Zvandinoziva kuti mava mutongi wavanhu ava makore mazhinji, ndinozvidavirira nomufaro,
11
nokuti munzwe kuti mazuva achigere kupfuura gumi namaviri, kubvira panguva yandakakwira Jerusaremu kundonamata.
12
“Havana kundiwana ndichiita nharo mutemberi nomunhu, kana muguta;
13
havangagoniwo kusimbisa kwamuri izvo zvavanondipomera nazvo zvino.
14
Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurairo nezvakanyorwa pavaporofita;
15
ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanotendawo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.
16
“Pachinhu ichi ndinoedza zvikuru kuti misi yose ndive nehana isina mhosva kuna Mwari nokuvanhu.
17
“Zvino makore mazhinji akati apfuura, ndakauya nezvipo nezvibairo kuvanhu vangu.
18
“Ndizvozvo zvavakandiwana ndichiita mutemberi, ndanatswa, ndisina vanhu vazhinji, kana bopoto;
19
asi vamwe vaJudha veEzhia vaivapo, ivo vaifanira kuva pano pamberi penyu, kundipomera mhosva, kana vaiva nechinhu neni.
20
“Kunyangwe navava ngavareve vomene chisakarurama chavakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota,
21
asi shoko iri bedzi, randakadanidzira, ndimire pakati pavo, ndichiti, ‘Ndinotongwa nhasi pamusoro pokumuka kwavakafa.’ ”
22
Asi Ferikisi, zvaakazivisisa zvakanaka Nzira iyo, akavavetsa, achiti, “Kana Risiya, mukuru wechiuru chamazana aburukira pano ndichanatsobvunzisisa mhaka yenyu.”
23
Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe, arerusirwe, uye kuti varege kudzivisa mumwe wokwake kumushumira.
24
Zvino mamwe mazuva akati apfuura, Ferikisi akasvika, nomukadzi wake Dhurusira, aiva muJudha, akadana Pauro, akamunzwa pamusoro pokutenda kuna Kristu Jesu.
25
Zvino akati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunouya, Ferikisi akatya zvikuru, akapindura, akati, “Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana.”
26
Akatiwo zvimwe achazopiwa mari naPauro; naizvozvo akamudana kazhinji, achitaura naye.
27
Asi makore maviri akati apera, Pokio Fesito akapinda panzvimbo yaFerikisi, zvino Ferikisi achida kufadza vaJudha, akasiya Pauro akasungwa.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28