bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Acts 5
Acts 5
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
1
Zvino mumwe murume, ainzi Ananiasi, akatengesa pfuma yake, ana Safira mukadzi wake,
2
akazvikamurira zvimwe pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nomumwe mugove, ndokuuisa pamberi pavapostori.
3
Asi Petirosi akati, “Ananiasi, Satani wazadzireiko mwoyo wako, kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nokuzvikamurira zvimwe pamutengo womunda?
4
Iwo uchiripo, wakanga usi wako here? Watengeswa, wakanga usina simba nazvo here? Waita seiko, zvawafunga chinhu ichi mumwoyo mako? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.”
5
Ananiasi, akati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya wake; kutya kukuru kukawira vose vakazvinzwa.
6
Majaya akasimuka, akamuputira, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga.
7
Nguva dzinenge senhatu dzakati dzapfuura, mukadzi wake akapinda, asingazivi zvaitwa.
8
Petirosi akapindura kwaari akati, “Ndiudze kana makatengesa munda nemari yakadai?” Iye akati, “Hongu, neyakadai.”
9
Petirosi akati kwaari, “Maita seiko zvamarangana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzavakaviga murume wako, dzichiri pamusuwo, vachakutakurirawo kunze.”
10
Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akabudisa mweya wake; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga kumurume wake.
11
Kutya kukuru kukawira Chechi yose navose vakazvinzwa.
12
Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvikaitwa pakati pavanhu namaoko avapostori; vose vaiva nomwoyo mumwe pabiravira raSoromoni.
13
Asi pakati pavamwe kwakanga kusina munhu akatsunga kuzviisa kwavari; asi vanhu vaivakudza.
14
Vatendi vazhinji kwazvo, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kuna Ishe.
15
Nokudaro vakatakurira varwere munzira dzomumusha, vakavaradzika pamibhedha napanhoo, kuti kana Petirosi achiswederapo, kunyangwe nomumvuri wake bedzi udzikatire mumwe wavo.
16
Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusaremu vakaungana, vachiuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa.
17
Zvino mupristi mukuru akasimuka, navose vaiva naye (vaiva vedzidziso yavaSadhusi), vane godo kwazvo;
18
vakabata vapostori vakavaisa mutorongo maipinzwa vanhu vose.
19
Asi mutumwa waIshe wakazarura misuwo yetorongo usiku, akavabudisa akati,
20
“Endai, mumire mutemberi muchitaura kuvanhu mashoko ose oupenyu uhwu.”
21
Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutemberi mangwanani, vakadzidzisa. Zvino Mupristi Mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota neungano yose yavakuru vavana vaIsiraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzouya navo.
22
Asi varanda vakati vachisvikapo, vakawana vasimo mutorongo vakadzoka, vakavaudza izvozvo, vachiti,
23
“Torongo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vakarindira pamisuwo; asi takati tichizarura, tikasawana munhu mukati.”
24
Zvino mukuru wetemberi, navapristi vakuru, vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakanganiswa pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini.
25
Ipapo mumwe munhu akasvika, akavaudza, achiti, “Tarirai, varume vamakaisa mutorongo, vava mutemberi, vamire vachidzidzisa vanhu.”
26
Zvino mukuru navatariri akaenda, akauya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu, kuti vangatakwa namabwe.
27
Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. Mupristi Mukuru akavabvunza,
28
achiti, “Takakurairai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, zvino tarirai, mazadza Jerusaremu nokudzidzisa kwenyu, muchida kuti ropa romunhu uyu riuye pamusoro pedu.”
29
Zvino Petirosi navapostori vakapindura, vakati, “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.
30
Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu, iye wamakauraya muchimuturika pamuti.
31
Mwari akamusimudza iye noruoko rwake rworudyi, ave Mutungamiri noMusununguri, kuti ape VaIsiraeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi.
32
Isu tiri zvapupu zvamashoko iwayo; naMweya Mutsvenewo, wavakapiwa naMwari ivo vanomuteerera.”
33
Zvino ivo vakati vachizvinzwa, vakafa neshungu, vakada kuvauraya.
34
Ipapo mumwe muFarisi, ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, aikudzwa navanhu vose, akasimuka pamakurukota, akarayira kuti vanhu vabudiswe chinguva chiduku;
35
akati kwavari, “Varume VaIsiraeri, chenjerai zvamunoda kuitira vanhu ava.
36
Nokuti kare kwakambomuka Tudhasi, achiti, ndiri munhu mukuru, vanhu vanenge mazana mana vakamutevera; iye akaurayiwa, navose vaimuteerera vakaparadzirwa, nokuparadzwa.
37
Shure kwomunhu uyu Judhasi weGareriya akamuka, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuteerera, vakaparadzirwa.
38
Zvino ndinoti kwamuri, musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa.
39
Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwariwo.”
40
Vakamunzwa; ipapo vakati vadana vapostori, vakavarova, vakavarayira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza.
41
Ipapo vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa ivo kuzvidzwa nokuda kwezita rake.
42
Havana kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu, mutemberi kana kudzimba dzavo.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28