bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Acts 26
Acts 26
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 27 →
1
Zvino Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Ipapo Pauro akatambanudza ruoko rwake, akazvidavirira, achiti,
2
“Mambo Agiripa, ndinozvikorokotedza, zvandingazvidavirira nhasi pamberi penyu pamusoro pezvose zvandinokwirirwa nazvo navaJudha;
3
zvikuru nokuti munoziva tsika dzose namashoko ose pakati pavaJudha; naizvozvo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomwoyo murefu.
4
“VaJudha vose vanoziva mafambiro angu, kubva pauduku hwangu, aiva pakati porudzi rwangu napaJerusaremu, kubva pakutanga;
5
vakandiziva kare, kana vachida kupupura, kuti ndaiva muFarisi, nedzidziso yokupira kwedu yakaisvorurama.
6
Nazvino ndinomira pano, kuti nditongwe nokuda kwokutarira chipikirwa chakapikirwa madzibaba edu naMwari.
7
Marudzi edu ane gumi namaviri anoshumira Mwari usiku namasikati, achiti achasvika pachipikirwa icho. Pamusoro pokutarira uku, imi mambo, ndinokwirirwa navaJudha.
8
Munofungireiko imi kuti hazvingatendwi kuti Mwari angamutsa vakafa?
9
“Zvino neni ndaiti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta.
10
Ndakazviitawo paJerusaremu, ndikapfigira vatsvene vazhinji mutorongo, ndapiwa simba navapristi vakuru; uye kana vaiurayiwa, neni ndaibvumirawo.
11
Nomumasinagoge ose ndaivatambudza, ndichivaroverera kuti vashonhe Mwari; ndikanyanya kuvapengera, ndikavatambudza kusvikira kumaguta ari kure nenyika ino.
12
“Ndakati ndichaita izvozvi, ndikaenda Dhamasikosi nesimba uye nomurairo wavapristi vakuru,
13
zvino, mambo, masikati makuru, ndiri munzira, ndikaona chiedza chaibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichindipenyera kumativi ose navandaifamba navo.
14
Zvino takati tawira pasi tose, ndikanzwa izwi richiti kwandiri norurimi rweChiHebheru, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko? Zvinokuremera kupfura zvibayiso.’
15
“Ndikati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ Ishe akati, ‘Ndini Jesu, waunotambudza.
16
Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndazviratidza kwauri nezvizvi, kuti ndikuite munyai nechapupu chezvawakaona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri;
17
ndichakurwira kuvanhu nokuvahedheni, vandinokutumira kwavari;
18
kuti usvinudze meso avo, vabve murima, vaende kuchiedza, nokubva pasimba raSatani, vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire ruregerero rwezvivi zvavo, nenhaka pakati pavakaitwa vatsvene, nokutenda kwandiri.’
19
“Naizvozvo, mambo Agiripa handina kuramba kuteerera chiratidzo chokudenga;
20
asi ndakatanga kuparidza kuna veDhamasikosi, nokuna veJerusaremu, nenyika yose yeJudhiya, nokuvahedheni, kuti vatendeuke, varingire kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.
21
Pamusoro paizvozvi vaJudha vakandibata mutemberi, vakaedza kundiuraya.
22
Asi ndakabatsirwa naMwari, ndikamira kusvikira zuva ranhasi, ndichipupurira vaduku navakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu asi zvakataurwa navaporofita naMosesi, kuti zvichaitika;
23
zvokuti Kristu akafanira kutambudzika, nokutanga kumuka kuvakafa, aparidzire vanhu navahedheni chiedza.”
24
Zvino akati achizvidavirira saizvozvo, Fesito akati nezwi guru, “Pauro, unopenga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza.”
25
Asi Pauro akati, “Handipengi, Fesito akakurumbira; asi ndinotaura mashoko amazvokwadi noouchenjeri.
26
Nokuti mambo andinotaura naye ndisingatyi, vanoziva izvozvi, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pakavanda.
27
“Mambo Agiripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.”
28
Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.”
29
Pauro akati, “Ndinonyengetera kuna Mwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasina zvisungo izvi.”
30
Ipapo mambo akasimuka, nomubati, naBherinike, navakanga vagere navo;
31
vakabuda vakataurirana, vakati, “Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.”
32
Ipapo Agiripa akati kuna Fesito, “Munhu uyu dai asina kuzviisa kuna Kesari angadai asunungurwa.”
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28