bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Acts 14
Acts 14
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
1
Zvino paIkoniumu vakapinda kamwe vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinji zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda.
2
Asi vaJudha vasina kuteerera, vakamutsa mwoyo yavahedheni, kuti vavenge hama.
3
Naizvozvo vakagarapo nguva refu, vachitaura muna Ishe vasingatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akavapa simba kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe namaoko avo.
4
Asi vanhu vazhinji veguta vakapesana, vamwe vakava kuvaJudha, vamwe kuvapostori.
5
Zvino vahedheni, navaJudha, navabati vavo vakati vachivavarira kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe;
6
ivo vakazviziva, vakatizira Risitira neDhebhe, aiva maguta eRikonia, nokunyika yakapoteredza;
7
vakaparidzira Vhangeri ikoko.
8
Zvino paRisitira paigara mumwe murume akanga asina simba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
9
Iye akanzwa Pauro achitaura; zvino iye akati achimutarisisa, akaona kuti anokutenda kuti angaporeswa,
10
akati nezwi guru, “Mira kwazvo netsoka dzako.” Iye akavazuka, akafamba.
11
Vanhu vazhinji vakati vaona zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwavaRikonia, vachiti, “Vamwari vaburukira kwatiri, vaita savanhu.”
12
Bhanabhasi vakamutumidza Jupiteri, naPauro Merikuro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru.
13
Ipapo mupristi waJupiteri aiva netemberi yake pamberi peguta, akauya pamusuwo nenzombe namaruva okushonga, achida kuvabayira, ana vanhu vazhinji naye.
14
Zvino vapostori, Bhanabhasi naPauro, vakati vachinzwa izvozvo, vakabvarura nguo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira,
15
vachiti, “Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semiwo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve pana izvozvo zvisina maturo, mutendeukire kuna Mwari mupenyu akaita denga napasi; negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.
16
Iye, panguva dzakapfuura akatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo.
17
Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva yezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.”
18
Nokutaura kwavo saizvozvo, vakatambura kwazvo kudzivisa vanhu kuti varege kuvabayira.
19
Ipapo vaJudha vakabva Andiyoku neIkoniumu, vakasvika, vakamutsa mwoyo yavanhu, vakataka Pauro namabwe, vakamukwevera kunze kweguta vachiti wafa.
20
Asi vadzidzi vakati vamukomba iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Dhebhe naBhanabhasi.
21
Vakati vaparidza Vhangeri paguta iro, vakaita vadzidzi vazhinji, ndokudzokera Risitira, neIkoniumu, neAndiyoku,
22
vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivarayira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, “Tinofanira kupinda ushe hwaMwari namatambudziko mazhinji.”
23
Vakavasanangurira vakuru pachechi imwe neimwe, vakanyengetera, vachizvinyima zvokudya, vakavaisa kuna Ishe, wavaitenda.
24
Vakagura nePisidhia, ndokusvika Pamufiria.
25
Vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria.
26
Vakabvapo, vakaenda Andiyoku nechikepe, apo pavakanga vaiswa panyasha dzaMwari kubata basa ravakanga vapedzisa zvino.
27
Vakati vasvika, vakaunganidza Chechi, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo, uye kuti akanga azarurira vahedheni musuwo wokutenda.
28
Vakagara nguva huru navadzidzi.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28