bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Acts 27
Acts 27
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 28 →
1
Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa kumukuru wezana, ainzi, “Jurio, wehondo yaAugusto.”
2
Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramitiumu, chakanga choenda napamisha yemhenderekedzo dzeEzhia, tikabva tina Arisitakusi muMasedhonia, aibva Tesaronika.
3
Fume mangwana tikasvika Sidhoni, Jurio akaitira Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, achengetwe navo.
4
Tikabva ipapo, tikapfuura nenyasi kweSaipurasi, nokuti mhepo yakatidzivisa.
5
Zvino tikayambuka gungwa reSirisia nePamufiria, tikasvika Mira, musha weRikiya.
6
Mukuru wezana akawanapo chikepe cheArekizandiria, chaienda Itari, ndokutipinzamo.
7
Zvino takanatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinidhusi tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuura nenyasi kweKiriti, pakatarisana neSarimoni.
8
Tikapfuura napo tichitambudzika, ndokusvika pamwe painzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea.
9
Zvino nguva huru yakati yapfuura, nokufamba negungwa kwava nenjodzi, nokuti nguva yokuzvinyima zvokudya yakanga yatopfuura, Pauro akavaraira,
10
akati kwavari, “Varume, ndinoona kuti rwendo rwedu ruchava nokutambudzika nokurasikirwa kukuru, zvisati zviri zvomutoro nechikepe bedzi, asi nokwoupenyu hweduwo.”
11
Asi mukuru wezana akaterera mufambisi wechikepe, nomwene wacho, kupfuura zvakarehwa naPauro,
12
nokuti zororo zvarakanga risina kunaka kuti vagarepo chando, vamwe vazhinji vakati zviri nani kuti vabvepo, kuti zvimwe vangasvika Fenika vagarepo chando; ndiro zororo reKiriti, rakanga rakatarira mabvazuva kumusoro nezasi.
13
Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivinga, vakabvapo, vakafamba pedyo neKiriti.
14
Zvino gare–gare mhepo ine simba, yainzi, “Yurakuro,” ikaburuka ichibva kwairi, ikatiwira.
15
Zvino chikepe chakati chichibatwa, tisingagoni kufamba takatarira mhepo, tikachirega, tikaramba tichingotorwa.
16
Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Kaudha, tikanga tokoniwa kusunga igwa.
17
Vakati varisimudza, vakatora zvibatsiro, vakasunga chikepe nenyasi; zvino zvavakatya kuti vachakandirwa pajecha reSiritisi, vakaderedza masaira, ndokungotorwa.
18
Fume mangwana, zvakatambura kwazvo nedutu remhepo, vakakandira nhumbi kunze;
19
nezuva retatu, vakakandira zvinhu zvechikepe kunze namaoko avo.
20
Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyenyedzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richirambira riripo, takatorerwa kutarira kwose kwokuti tichaponeswa.
21
Zvino vakati vagara nguva refu vasingadyi, Pauro akamira pakati pavo, akati, “Varume, maifanira kunditeerera, mukasabva Kiriti, mukasawirwa nokutambudzika nokurasikirwa uku.
22
Asi zvino ndinokurairai kuti mutsunge mwoyo; nokuti hakuna angarasikirwa noupenyu hwake pakati penyu, asi chikepe bedzi.
23
Nokuti usiku huno mutumwa waMwari, wandiri wake, nowandinoshumirawo, akamira neni,
24
akati, ‘Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mwari akakupa vose vanofamba newe muchikepe.’
25
Naizvozvo, varume, tsungai mwoyo, nokuti ndinotenda Mwari, kuti zvichaitika sezvandakaudzwa.
26
Asi tinofanira kukandirwa pane chimwe chiwi.”
27
Zvino usiku hwegumi nouna hwakati hwasvika, tichangotorwa–torwa muGungwa reAdhiria, pakati pousiku vafambisi vechikepe vakati voswedera kune imwe nyika.
28
Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakaita mafadhomi makumi maviri; vakapfuura zvishoma, ndokuyerazve, vakawana pakaita mafadhomi ane gumi namashanu.
29
Zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvimiso zvina neshure kwechikepe, vakachema vachiti kuedze.
30
Zvino vafambisi vakati vachida kutiza muchikepe, vakaburusira igwa mugungwa, vachiita savanenge vokanda zvimiso kumuromo wacho.
31
Pauro akati kumukuru wezana navarwi, “Hamungararami kana ava vasingagari muchikepe.”
32
Ipapo varwi vakagura mabote egwa, vakarirega, rikawa.
33
Zvino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti, “Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu.
34
“Saka ndinokumbira zvikuru kuti mudye, nokuti ndizvo zvichakuponesai; nokuti hakuna ruvhudzi rumwe ruchaparadzwa pamusoro womumwe wenyu.”
35
Akati areva izvozvo, akatora chingwa, akavonga Mwari pamberi pavo vose, akachimedura, ndokutanga kudya iye.
36
Ipapo vakatsunga mwoyo vose, vakadyawo vamene.
37
Isu tose taiva muchikepe, taiva mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu.
38
Zvino vakati vaguta, vakarerusa chikepe, vachikandira zviyo mugungwa.
39
Kwakati kwoedza, vakasaziva nyika; asi vakaona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri.
40
Ipapo vakagura zvimiso, vakazvisiya mugungwa, vakasunungura zvisungo zvaisunga zvokudzoresa nazvo, vakasimudzira seiri rapamberi kumhepo, vakaruramira kumhenderekedzo.
41
Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura.
42
Zvino varwi vakati zviri nani kuti vasungwa vauraiwe, kuti vamwe varege kutiza vachishambira.
43
Asi mukuru wezana akada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akarayira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika;
44
vamwe, vasara, vabude vamwe pamatanda, vamwe panezvimwe zvinhu zvechikepe. Naizvozvo zvakaitika kuti vose vakasvika kunyika vari vapenyu.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28