bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Acts 12
Acts 12
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
1
Zvino nenguva inenge iyeyo mambo Herodhi akatambanudza maoko ake kuti atambudze vamwe vechechi;
2
akauraya Jakobho, mukuru waJohani, nomunondo.
3
Zvino akati achiona kuti zvafadza vaJudha, ndokupfuura akabatawo Petirosi. Aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso.
4
Zvino akati amubata, akamusunga akamuisa mutorongo, kumapoka mana, rimwe nerimwe rina varwi vana, kuti vamurinde, achiti amuise pamberi pavanhu, kana Pasika yapfuura.
5
Naizvozvo Petirosi akachengetwa mutorongo; asi akanga achinyengetererwa zvikuru nechechi kuna Mwari.
6
Zvino Herodhi akati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petirosi akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namangetani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomusuwo.
7
Ipapo tarira, mutumwa waIshe akamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Petirosi parutivi, ndokumumutsa, achiti, “Muka, ukurumidze.” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko ake.
8
Mutumwa akati kwaari, “Zvisunge chiuno, usungire shangu dzako.” Akaita saizvozvo. Akati kwaari, “Fuka nguo yako, unditevere.”
9
Akabuda, akamutevera, asingazivi kuti zvirokwazvo zvinoitwa nomutumwa; asi akati ndinoona chiratidzo.
10
Zvino vakati vapfuura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuwo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo.
11
Petirosi akati apengenuka, akati, “Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe akatuma mutumwa wake, akandirwira paruoko rwaHerodhi napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.”
12
Zvino akati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohani, ainzi Mako; vazhinji vakanga vakaunganapo, vachinyengetera.
13
Zvino akati agogodza pagonhi resuwo, musikana ainzi Rodha akauya kuzoteerera.
14
Iye akati achinzwa izwi raPetirosi, akasazarura suwo nomufaro, asi akamhanyira mukati akavaudza kuti Petirosi amire pasuwo.
15
Ivo vakati kwaari, “Unopenga.” Asi iye akasimbisa achiti, “Ndizvozvo.” Ivo vakati, “Mutumwa wake.”
16
Asi Petirosi akaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuona, vakashamiswa.
17
Zvino iye akavaninira noruoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutoo waakabudiswa nawo naIshe patorongo. Akati, “Udzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.”
18
Zvino kwakati kwaedza, bope guru rikavapo pakati pavarwi, vachiti, “Petirosi aitwa sei.”
19
Herodhi akati amutsvaka, akamushayiwa, ndokubvunzisisa varindi, akarayira kuti vanourayiwa. Zvino akaburuka Judhiya, akaenda Sizaria, akandogarako.
20
Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTaya neSidhoni; ivo ndokuuya kwaari vose pamwechete, vakaita ushamwari naBhurasito, mutariri weimba yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo.
21
Ipapo nezuva rakanga ratarwa, Herodhi akafuka nguo dzoumambo, akagara pachigaro chake choushe, akataura kwavari.
22
Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Izwi raMwari, harizi romunhu.”
23
Pakarepo mutumwa waIshe akamurova, nokuti akanga asina kukudza Mwari; akadyiwa nehonye, akafa.
24
Asi shoko raMwari rakakura, rikawanda.
25
Zvino Bhanabhasi naSauro, vakati vapedzisa basa ravo, vakadzokera Jerusaremu, vakaenda naJohani, ainzi Mako.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28