bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Acts 20
Acts 20
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
1
Bopoto rakati ranyarara, Pauro akadana vadzidzi, akavaraira, ndokuonekana navo, akabva achida kuenda Masedhonia.
2
Akagura namativi enyika idzo, akarayira vatendi namashoko mazhinji, ndokusvika panyika yavaGiriki.
3
Akati agara mwedzi mitatu, rangano yakaipa ikaitwa navaJudha pamusoro pake, oda kuenda Siria nechikepe, akati ndodzokera napaMasedhonia.
4
Akaperekedzwa naSopato weBhereya, mwanakomana waPiro; naArisitakusi naSekundo veTesaronika; naGayo weDhebhe, naTimotio; uye Tikiko naTirofimo veEzhia.
5
Ivo vakatungamira, vakatimirira paTiroasi.
6
Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisina mbiriso apfuura; tikasvika kwavari paTiroasi namazuva mashanu; tikagarapo mazuva manomwe.
7
Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati pousiku.
8
Kwakanga kune mwenje mizhinji muimba yokumusoro, matakanga taungana.
9
Zvino pahwindo pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo; zvino Pauro, akati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa.
10
Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisira pamusoro pake, akamufungatira, akati, “Musaita bopoto, nokuti mweya wake uchiri maari.”
11
Akakwira, akamedura chingwa, akadya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, ndokuenda.
12
Vakauya nomukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo.
13
Asi isu takatungamirira kuchikepe, tikaenda Asosi, tichida kutora Pauro ipapo, nokuti akanga arayira saizvozvo, iye achida kufamba namakumbo.
14
Tikati tasangana naye paAsosi, tikamutora, tikandosvika Mitirene;
15
tikabva ipapo nechikepe, fume mangwana tikasvika pakatarisana neKiosi; fume mangwana tikapfuura napaSamosi; fume mangwanazve tikasvika Miretusi.
16
Nokuti Pauro akanga ati, ndichapfuura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paEzhia; nokuti akanga achikurumidza kuti kana aizvigona ave Jerusaremu nezuva rePendekositi.
17
Zvino iye ari paMiretusi, akatumira Efeso kundodana vakuru vechechi.
18
Vakati vasvika kwaari, akati kwavari, “Imi munoziva mugariro wangu pakati penyu nguva dzose, kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paEzhia;
19
ndichibatira Ishe nokuzvininipisa zvikuru, nemisodzi, namatambudziko akandiwira nerangano dzakaipa dzavaJudha;
20
kuti handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose;
21
ndichipupurira kwazvo vaJudha navaGiriki, kuti vatendeukire kuna Mwari, nokutenda kuna Ishe wedu Jesu.
22
“Zvino tarirai, ndinoenda Jerusaremu, ndasungwa mweya wangu, ndisingazivi zvichandiwira ikoko;
23
asi kuti Mweya Mutsvene unondipupurira kwazvo muguta rimwe nerimwe, kuti kusungwa nenhamo zvakandigarira.
24
Asi handina hanya noupenyu hwangu, handihudi, kuti ndipedze rwendo rwangu nebasa randakapiwa naIshe Jesu, rokupupura kwazvo Vhangeri yenyasha dzaMwari.
25
Zvino tarirai, ndinoziva kuti imi mose, vandakafamba pakati penyu, ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu.
26
Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa ravanhu vose.
27
Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.
28
Zvichenjerei imi, neboka rose ramakaitirwa vatariri varo naMweya Mutsvene, kuti mufudze Chechi yaMwari, yaakatenga neropa rake.
29
“Ini ndinoziva kuti kana ndaenda, mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.
30
Uye, napakati penyu chaipo pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.
31
Naizvozvo rindai, murangarire kuti makore matatu handina kurega usiku namasikati kurayira mumwe nomumwe nemisodzi.
32
“Zvino ndinokuisai kuna Ishe, neshoko renyasha dzake, iye ane simba rokukuvakisai, nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose.
33
Handina kuchochora sirivha, kana ndarama, kana nguo dzomunhu mumwe.
34
Munoziva imi mumene, kuti maoko awa akabatsira kushayiwa kwangu nokwavanhu vandaiva navo.
35
Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasina simba, nokurangarira mashoko aIshe Jesu, sezvakataura amene achiti, ‘Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.’ ”
36
Akati ataura izvozvo, akapfugama, akanyengetera navo vose.
37
Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakaonekana naye nokumutsvoda,
38
vane shungu kwazvo neshoko raakataura rokuti havachazooni chiso chake. Ipapo vakamuperekedzera kuchikepe.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28