bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Acts 3
Acts 3
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 4 →
1
Zvino Petirosi naJohani vakakwira kutemberi nenguva yokunyengetera yepfumbamwe.
2
Zvino mumwe murume, chirema kubva padumbu ramai vake, akanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetemberi, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kuna vaipinda mutemberi.
3
Iye akati achiona Petirosi naJohani voda kupinda mutemberi, akakumbira kuti apiwe chipo.
4
Zvino Petirosi akamutarisisa, naJohaniwo, akati, “Titarire.”
5
Akavatarira, achiti ndichapiwa chinhu navo.
6
Asi Petirosi akati, “Sirivha nendarama handina; asi chandinacho ndinokupai. Nezita raJesu weNazareta, chifamba.”
7
Akamubata ruoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimba.
8
Akakwakuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutemberi, akafamba achipembera, achirumbidza Mwari.
9
Vanhu vose vakamuona achifamba, achirumbidza Mwari.
10
Vakamuziva, kuti ndiye aigarira zvipo pamusuwo Wakanaka wetemberi; vakakatyamara zvikuru nokushamiswa nezvaakaitirwa.
11
Zvino akati achakabata Petirosi naJohani, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo.
12
Zvino Petirosi akati achiona izvozvo, akapindura vanhu, akati, “Varume VaIsiraeri, mashamiswa neiko pamusoro pouyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu, kana nokunamata kwedu Mwari?
13
Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, Mwari wamadzibaba edu, ndiye akakudza Muranda wake Jesu, amakaisa kuvatongi mukaramba pamberi paPirato, iye atonga kuti asunungurwe.
14
Asi imi makaramba uyo Mutsvene, akarurama, mukakumbira kuti mupiwe muurayi;
15
mukauraya Muvambi woupenyu; iye akamutswa naMwari kuvakafa; iye, watiri zvapupu zvake isu.
16
Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoona, nowamunoziva; uye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose.
17
“Asi zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makazviita nokusaziva, savabati venyuwo;
18
asi saizvozvo Mwari akapedzisa zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu wake achazotambudzika.
19
Naizvozvo tendeukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kuna Ishe, dzisvike;
20
atume Kristu, iye Jesu, akagadzwa kare nokuda kwenyu;
21
iye anofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarehwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga.
22
Nokuti Mosesi akati, ‘Ishe, Mwari wenyu, achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni; muchamuteerera pana zvose, zvaanotaura kwamuri.
23
Zvino mumwe nomumwe kana asingateereri Muporofita uyo, achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu.’
24
Navaporofita vose kubva kuna Samueri, navakamutevera, naivo vose vakataura nokuparidza zvamazuva ano.
25
Imi muri vana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kuna Abhurahamu, ‘Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako.’
26
Mwari akatanga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvenyu.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28