bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Genesis 11
Genesis 11
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 12 →
1
Nyika yose yakanga ino rurimi rumwe nokutaura kumwe.
2
Zvino vakati vachitamira mabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari, vakagarako.
3
Vakataurirana, vachiti, “Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise kwazvo.” Zvidhina zvakava mabwe avo, nebitumini rakava dope ravo.
4
Vakati, “Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, runomusoro unosvikira kudenga; tizvimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose.”
5
Ipapo Jehovha akaburuka kuzotarira guta norusvingo, rwakanga ruchivakwa navanakomana vavanhu.
6
Jehovha akati, “Tarirai, vanhu ava ndivamwe, vanorurimi rumwe vose; zvino ndizvo zvavanotanga kuita; zvino hakuchina chinhu chavangada kuita chavangadziviswa.
7
Hendei, tiburuke, tinopesanisa rurimi rwavo ipapo, kuti varege kunzwana kana votaurirana.”
8
Jehovha akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vakarega kuvaka guta ravo.
9
Naizvozvo vakaritumidza Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa rurimi rwenyika yose; Jehovha akavaparadzira ipapo, vakaenda kunyika dzose.
10
Ndiwo marudzi aShemu. Shemu wakanga ana makore ane zana, akabereka Aripakishadhi, mvura zhinji yapfuura makore maviri;
11
wakati abereka Aripakishadhi, Shemu akagara makore ana mazana mashanu; akabereka vanakomana navanasikana.
12
Aripakishadhi wakagara makore ana makumi matatu namashanu, akabereka Shera;
13
wakati abereka Shera, Aripakishadhi akagara makore ana mazana mana namatatu, akabereka vanakomana navanasikana.
14
Shera wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Ebheru.
15
Wakati abereka Ebheru, Shera akagara makore ana mazana mana namatatu; akabereka vanakomana navanasikana.
16
Ebheru wakagara makore ana makumi matatu namana, akabereka Peregi,
17
wakati abereka Peregi, Ebheru akagara makore ana mazana mana namakumi matatu, akabereka vanakomana navanasikana.
18
Peregi wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Rehu;
19
wakati abereka Rehu, Peregi akagara makore ana mazana maviri namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana.
20
Rehu wakagara makore ana makumi matatu namaviri, akabereka Serugu;
21
wakati abereka Serugu, Rehu akagara makore ana mazana maviri namanomwe; akabereka vanakomana navanasikana.
22
Serugu wakagara makore ana makumi matatu, akabereka Nahori;
23
wakati abereka Nahori, Serugu akagara makore ana mazana maviri, akabereka vanakomana navanasikana.
24
Nahori wakagara makore ana makumi maviri namapfumbamwe, akabereka Tera;
25
Nahori akagara makore ane zana negumi namapfumbamwe, akabereka vanakomana navanasikana.
26
Tera wakagara makore ana makumi manomwe, akabereka Abhuramu naNahori, naHarani.
27
Ndiwo marudzi aTera; Tera wakabereka Abhuramu, naNahori, naHarani; Harani akabereka Roti;
28
Harani akafa, baba vake Tera vachiri vapenyu, panyika yokuberekwa kwake, paUri yavaKaradhia.
29
Abhuramu naNahori vakazviwanira vakadzi; zita romukadzi waAbhuramu rainzi Sarai; zita romukadzi waNahori rainzi Mirika, mukunda waHarani, baba vaMirika, nababa vaIsika.
30
Sarai wakanga asingabereki, wakanga asina mwana.
31
Zvino Tera wakatora mwanakomana wake Abhuramu, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanakomana womwanakomana wake, naSarai, mukadzi womwanakomana wake Abhuramu; vakatama navo vakabva Uru yavaKaradhia, kuti vaende kunyika yeKenani, vakasvika Harani, vakagarapo.
32
Mazuva aTera akanga ari makore ana mazana maviri namashanu; Tera akafira Harani.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50