bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Genesis 29
Genesis 29
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 30 →
1
Jakobho akasimukapo, akaenda kunyika yavanhu vamabvazuva.
2
Akatarira, akaona tsime kusango, namapoka matatu amakwai avete pasi pariri; nokuti vainwisa mapoka avo patsime iroro; pamuromo wetsime iroro pakanga paine ibwe guru.
3
Ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe pamuromo wetsime, vakanwisa makwai avo, vachidzoserazve ibwe pamuromo wetsime paugaro hwaro.
4
Jakobho akati kwavari, “Hama dzangu, mabvepiko?” Ivo vakati, “Tabva Harani.”
5
Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, mwanakomana waNahori, here?” Vakati, “Tinomuziva.”
6
Akati kwavari, “Unofara here?” Ivo vakati, “Unofara hake; hoyo Racheri mukunda wake, wouya namakwai.”
7
Akati, “Tarirai, achiri masikati makuru, nguva yokuunganidza zvipfuwo ichigere kusvika; nwisai makwai, mugondoafudza.”
8
Ivo vakati, “Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa pamwechete, ibwe rikakungurutswa pamuromo wetsime; ipapo tinonwisa makwai.”
9
Akati achiri kutaura navo, Racheri akasvika namakwai ababa vake, nokuti ndiye aiva mufudzi wawo.
10
Zvino Jakobho akati achiona Racheri, mukunda waRabhani, hanzvadzi yamai vake, Jakobho akaswedera, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, akanwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake.
11
Jakobho akatsvoda Racheri, akachema kwazvo.
12
Jakobho akaudza Racheri kuti iye ihama yababa vake, mwanakomana waRabheka. Ipapo iye akamhanya, akandoudza baba vake.
13
Rabhani akati anzwa mashoko aJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kundosangana naye, akamumbundikira, akamutsvoda, akamuisa kumba kwake. Iye akaudza Rabhani zvinhu izvo zvose.
14
Rabhani akati kwaari, “Zvirokwazvo uri pfupa rangu renyama yangu.” Akagara naye mwedzi wose.
15
Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Ko ungandibatira usingapiwi mubairo, nokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubairo wako uve weiko.”
16
Zvino Rabhani akanga ana vakunda vaviri; zita romukuru rakanga riri Rea, nezita romuduku Racheri.
17
Rea akanga ana meso akaneta, asi Racheri akanga akanaka kwazvo pamuviri napachiso.
18
Zvino Jakobho akanga achida Racheri, akati, “Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRacheri, mukunda wenyu muduku.”
19
Rabhani akati kwaari, “Zviri nani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumwe murume; gara hako neni.”
20
Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRacheri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda.
21
Zvino Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu asvika, kuti ndipinde kwaari.”
22
Rabhani akakoka vanhu vose voko, akaita mutambo.
23
Zvino kuzoti ava madeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari.
24
Rabhani akapa Rea, mukunda wake Ziripa, murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake.
25
Zvino mangwana akaona kuti ndiRea; akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chawandiitira? Handina kukubatira pamusoro paRacheri here? Wandinyengedzera seiko?”
26
Rabhani akati, “Hakunzarwo kuno kwedu, kuti munun'una atange kuwaniswa, mukuru achigere.
27
Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve.”
28
Jakobho akaita saizvozvo, akapedza vhiki yewaniso naye; akamupa Racheri, mukunda wake, kuti ave mukadzi wake.
29
Rabhani akapa Racheri, mukunda wake, Bhiriha murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake.
30
Akapindawo kuna Racheri, akada Racheriwo kupfuura Rea, akamubatira mamwe makore manomwezve.
31
Zvino Jehovha akaona kuti Rea akanga asingadikanwi, akamuberekesa; asi Racheri akanga asingabereki.
32
Rea akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Rubheni; nokuti wakati, “Jehovha akaona dambudziko rangu; nokuti zvino murume wangu achandida.”
33
Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, naizvozvo akandipawo uyu;” akamutumidza zita rinonzi Simioni.
34
Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Zvino nguva ino murume wangu achandinamatira, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu;” naizvozvo zita rake rakanzi Revhi.
35
Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha;” naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Judha; akaguma kubereka.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50