bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Genesis 37
Genesis 37
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 38 →
1
Zvino Jakobho akagara munyika youtorwa hwababa vake, munyika yeKenani.
2
Marudzi aJakobho ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namanomwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri mukomana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.
3
Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; akamuitira nguo yakanga yakareba ina maoko.
4
Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.
5
Zvino Josefa akarota hope, akaudza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga.
6
Akati kwavari, “Inzwaiwo hope dzangu dzandarota.
7
Tarirai, takanga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikaramba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pamberi pechisote changu.”
8
Vakoma vake vakati kwaari, “Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kani? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kani?” Vakanyanya kumuvenga nokuda kwokurota kwake nokwamashoko ake.
9
Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, “Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyenyedzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.”
10
Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, “Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kani?”
11
Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakachengeta shoko iro.
12
Zvino vakoma vake vakandofudza makwai ababa vavo paShekemu.
13
Isiraeri akati kuna Josefa, “Vakoma vako havafudzi makwai paShekemu here? Uya ndikutumire kwavari.” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
14
Akati kwaari, “Zvino chienda undotarira kana vakoma vako vakafara, namakwai kana akafarawo; ugodzoka kuzondiudza.” Naizvozvo akamutuma, ari pamupata weHebhuroni, akandosvika Shekemu.
15
Zvino mumwe murume akamuwana achidzungaira musango; murume akamubvunza, akati, “Unotsvakeiko?”
16
Iye akati, “Ndinotsvaka vakoma vangu; dondiudza hako kwavanofudza makwai.”
17
Murume akati, “Vabva pano, nokuti ndakavanzwa vachiti, ‘Ngatiende Dhotani.’ ” Josefa akatevera vakoma vake, akandovawana paDhotani.
18
Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye.
19
Vakataurirana, vachiti, “Hoyo muroti uya wauya.
20
Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ramakomba aya, tigoti, ‘Wadyiwa nechikara;’ tigoona kuti kurota kwake kuchazoitwa seiko.”
21
Rubheni akazvinzwa, akamurwira mumaoko avo, akati, “Ngatirege kumuuraya.”
22
Rubheni akati kwavari, “Musadurura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari;” kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake.
23
Zvino Josefa akati asvika kuvakoma vake, vakabvisira Josefa nguo yake, nguo iya yakanga yakareba ina maoko, yaakanga akafuka;
24
vakamutora, vakamukandira mugomba; gomba rakanga risina chinhu, makanga musina mvura.
25
Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Giriadhi, makamera avo akatakura zvinhu zvinonhuwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Ijipiti.
26
Zvino Judha akati kuvana vababa vake, “Tingawaneiko kana tikauraya munun'una wedu tichivanza ropa rake?
27
Uyai timutengese kuvaIshimaeri; maoko edu arege kuva kwaari; nokuti munun'una wedu, nyama imwe nesu.” Vana vababa vake vakamuteerera.
28
Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachimubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Ijipiti.
29
Zvino Rubheni akadzokera kugomba, akawana Josefa asisimo mugomba; akabvarura nguo dzake.
30
Akadzokera kuvanun'una vake, akati, “Mwana haachipo; ini zvino ndichaendepiko?”
31
Zvino vakatora nguo yaJosefa, vakauraya nhongo yembudzi, vakanyika nguo muropa;
32
vakatumira nguo iyo yakareba ina mavoko kuna baba vavo, vakati, “Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguo yomwanakomana wenyu, kana isati iri iyo.”
33
Ivo vakafananidza vakati, “Inguo yomwanakomana wangu; wadyiwa nechikara; Josefa zvirokwazvo waparadzwa.”
34
Jakobho akabvarura nguo dzake, akasimira mamvemve pachiuno chake, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji.
35
Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyaradzwa, akati, “Ndichaburukira kuhwiro kumwanakomana wangu, ndichichema.” Baba vake vakamuwungudzira.
36
Zvino vaMidhiani vakandomutengesa Ijipiti kuna Potifari, muranda waFarao, mukuru wavarindi.
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 38 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50