bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Genesis 48
Genesis 48
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 49 →
1
Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa, zvichinzi, “Tarira, baba vako vanorwara;” iye akatora vanakomana vake vaviri, Manase naEfuremu.
2
Jakobho akaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri.” Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato.
3
Zvino Jakobho akati kuna Josefa, “Mwari waMasimbaose akazviratidza paRuzi, panyika yeKenani, akandiropafadza,
4
akati kwandiri, ‘Tarira, ndichakuberekesa, ndichakuwanza, ndichakuita ndudzi zhinji; ndichapa vana vako vanokutevera nyika ino, ive yavo nokusingaperi.’
5
“Zvino vanakomana vako vaviri, vawakaberekerwa panyika yeIjipiti, ndisati ndasvika kwauri paIjipiti, ndavangu; Efuremu naManase vachava vangu savana Rubheni naSimioni.
6
Asi vana vako, vawakabereka shure kwavo, vachava vana vako, vachatumidzwa nezita ravakuru vavo panhaka yavo.
7
Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, ndakafirwa naRacheri panyika yeKenani munzira ndasvika pedyo neEfurata, ndikamuvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBhetirehemu).”
8
Isiraeri akaona vanakomana vaJosefa, akati, “Ndivananiko?”
9
Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vangu vandakapiwa pano naMwari.” Vakati, “Douya navo kwandiri ndivaropafadze.”
10
Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere nokukwegura, akanga asisagoni kuona. Akavaswededza kwavari, Isiraeri akatsvoda, akavambundikira.
11
Isiraeri akati kuna Josefa, “Handina kufunga kuti ndichaona chiso chakozve, zvino tarira, Mwari akandionesa navana vakowo.”
12
Josefa akavabvisa pakati pamabvi avo akakotamira pasi nechiso chake.
13
Josefa akavabata vari vaviri, Efuremu norudyi rwake kuruboshwe rwaIsiraeri, naManase noruboshwe rwake kurudyi rwaIsiraeri, akavaswededza pedyo naye.
14
Isiraeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi, akaruisa pamusoro paEfuremu, aiva muduku, noruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, akapesanisa maoko ake achizviziva, nokuti Manase akanga ari wedangwe.
15
Akaropafadza Josefa, akati, “Mwari uya, akafamba madzibaba angu pamberi pake, vana Abhurahamu naIsaka, Mwari akandifudza paupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi;
16
mutumwa wakandidzikinura pane zvakaipa zvose, ngaaropafadze vanakomana ava; zita rangu ngaritumidzwe kwavari, namazita amadzibaba angu, Abhurahamu naIsaka, vawande kwazvo panyika.”
17
Zvino Josefa akati achiona kuti baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufadza, akabata ruoko rwababa vake, kuti arubvise pamusoro waEfuremu, aruise pamusoro waManase.
18
Josefa akati kuna baba vake, “Regai kudaro, baba vangu, nokuti ndiye wedangwe, isai ruoko rwenyu pamusoro wake.”
19
Baba vake vakaramba, vakati, “Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mukuruwo, asi munun'una wake achava mukuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji.”
20
Akavaropafadza nomusi iwoyo, akati, “Newe VaIsiraeri vacharopafadza, vachiti, ‘Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.’ ” Akaisa Efuremu pamberi paManase.
21
Zvino Isiraeri akati kuna Josefa, “Tarira, ndofa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu.
22
Newe ndinokupa mugove mumwe kupfuura vamwe vana vababa vako, uya wandakatorera VaAmori nomunondo wangu nouta hwangu.”
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 49 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50