bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Genesis 9
Genesis 9
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 10 →
1
Zvino Mwari akaropafadza Nowa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekai, muwande, muzadze nyika.
2
Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundukai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu.
3
Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema.
4
Asi nyama, kana ine upenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo.
5
Zvirokwazvo ropa renyu, roupenyu hwenyu, ndicharitsiva; ndicharitsiva pazvipenyu zvose, ndichatsiva upenyu hwomunhu paruoko rwomunhu naparuoko rwehama yomunhu.
6
Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake.
7
As imi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo.”
8
Zvino Mwari akataura naNowa navanakomana vake vakanga vanaye, akati,
9
“Tarirai, ini ndinoita sungano yangu nemi navana venyu vanokuteverai;
10
nezvipenyu zvose zvinemi, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nemhuka dzose dzenyika dzinemi; zvose zvinobuda paareka, idzo mhuka dzose dzapanyika.
11
Ndichaita sungano yangu nemi; zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti iparadze nyika.”
12
Ipapo Mwari akati, “Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi.
13
Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
14
Zvino ndichati kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, muraraungu uyu ukaonekwa mugore,
15
ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemi, napakati pezvipenyu zvose zvenyama, mvura haichazovi zhinjizve kuti iparadze zvose zvenyama.
16
Muraraungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.”
17
Mwari akati kuna Nowa, “Ndicho chiratidzo chesungano yandakaita pakati pangu nezvose zvenyama zviri panyika.”
18
Vanakomana vaNowa vakabuda muareka ndivava: Shemu, naHamu, naJafeti; Hamu ndiye baba vaKenani.
19
Ndivava vakanga vari vanakomana vaNowa; nyika yose yakazadzwa navo.
20
Nowa akatanga kuva murimi, akarima munda womuzambiringa;
21
akanwa waini, akabatwa, akazvifukura mutende rake.
22
Zvino Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake, akazivisa vakuru vake vaviri.
23
Ipapo Shemu naJafeti vakatora nguo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda manhenda shure, vakafukidzira kusasimira kwababa vavo; zviso zvavo zvakanga zvakatarira shure, vakasaona kusasimira kwababa vavo.
24
Zvino Nowa akapengenuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nomwanakomana wake muduku,
25
akati, “Kenani ngaatukwe; achava muranda wavaranda kuvakuru vake.”
26
Akati, “Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, Kenani ngaave muranda wake.
27
Mwari ngaakurise Jafeti, ngaagare mumatende aShemu, Kenani ngaave muranda wake.”
28
Nowa akagara shure kwemvura zhinji makore ana mazana matatu namakumi mashanu.
29
Mazuva ose aNowa akanga ari mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, akafa.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50