bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Genesis 3
Genesis 3
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 4 →
1
Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, “Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya miti yose yomunda?’ ”
2
Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero yemiti pamunda,
3
asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari akati, ‘Regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa.’ ”
4
Nyoka ikati kumukadzi, “Hamungafi zviro kwazvo,
5
nokuti Mwari anoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”
6
Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero wawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.
7
Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguo.
8
Vakanzwa izwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda.
9
Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, “Uripiko?”
10
Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.”
11
Iye akati, “Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti wandakakuraira kuti urege kuudya?”
12
Munhu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.”
13
Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko icho chawakaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.”
14
Jehovha Mwari akati kunyoka, “Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
15
Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.”
16
Kumukadzi akati, “Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako.”
17
Kumunhu akati, “Zvawakateerera izwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, ‘Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako;
18
ichakuberekera minzwa norukato, iwe uchadya miriwo yomusango;
19
uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.’ ”
20
Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Evha; nokuti ndiye mai vavapenyu vose.
21
Jehovha Mwari akaitira munhu nomukadzi wake nguo dzamatehwe, akavafukidza nadzo.
22
Zvino Jehovha Mwari akati, “Tarirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.”
23
Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
24
Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50