bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Genesis 22
Genesis 22
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 23 →
1
Shure kwaizvozvo Mwari wakaedza Abhurahamu, akati kwaari, “Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
2
Akati, “Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwechete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”
3
Abhurahamu akamuka mangwanani, akasunga mbongoro yake, akatora majaya ake maviri naIsaka, mwanakomana wake, akatsemura huni dzechibayiro chinopiswa, ndokusimuka, akaenda kunzvimbo yaakaudzwa naMwari.
4
Zvino nomusi wetatu Abhurahamu akasimudza meso ake, akaona nzvimbo iyo ari kure.
5
Abhurahamu akati kumajaya ake, “Imi chigarai henyu pano nembongoro, ini nomwana tichaenda ikoko; tichambondonamata, tigodzokera kwamuri.”
6
Abhurahamu akatora huni dzechibayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto nebanga muruoko rwake, vakaenda vari vaviri.
7
Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, “Baba vangu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu, mwana wangu.” Akati, “Hoyu moto nehuni; asi gwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?”
8
Abhurahamu akati, “Mwari uchatipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu;” saizvozvo vakafamba vari vaviri.
9
Vakandosvika panzvimbo yaakaudzwa naMwari; Abhurahamu akavakapo atari, akagadzira huni, ndokusunga mwanakomana wake, akamuisa paatari pamusoro pehuni.
10
Zvino Abhurahamu akatambanudza ruoko rwake, akatora banga, kuti abaye mwanakomana wake.
11
Ipapo mutumwa aJehovha akadanidzira kwaari, ari kudenga akati, “Abhurahamu! Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
12
Akati, “Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwechete.”
13
Abhurahamu akasimudza meso ake, akatarira, ndokuona shure kwake hondohwe yakanga yakabatwa nyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akatora hondohwe iya, akaipisa chikava chibayiro panzvimbo yomwanakomana wake.
14
Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Jehovha–jire; saka nanhasi vanositi, “Pagomo raJehovha ndipo paachaonekwa.”
15
Ipapo mutumwa waJehovha akadana Abhurahamu rwechipiri, ari kudenga,
16
akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndakapika neni ndimene,’ ndichiti, ‘Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwechete;
17
ndicharopafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyenyedzi dzokudenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; vana vako vachava varidzi vamasuwo avavengi vavo;
18
ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera izwi rangu.’ ”
19
Ipapo Abhurahamu wakadzokera kumajaya ake, vakasimuka vakaenda vose Bheerishebha; Abhurahamu akagara paBheerishebha.
20
Zvino shure kwaizvozvo Abhurahamu wakaudzwa, zvichinzi, “Tarira, Mirika wakaberekerawo munun'una wako Nahori vanakomana ava:
21
Uzi, dangwe rake, naBuzi, munun'una wake, naKemueri, baba vaAramu,
22
naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri.
23
Bhetueri akabereka Rabheka; ava vasere ndivo vakaberekerwa Nahori, munun'una waAbhurahamu, naMirika.”
24
Nomurongo wake wainzi Ruma, wakaberekawo Tebha, naGahami, naTahashi, naMaaka.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50