bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Genesis 19
Genesis 19
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 20 →
1
Vatumwa vaviri vakasvika Sodhomu madekwana; Roti akanga agere pasuwo reSodhomu; Roti akavaona, akasimuka, akaenda kundosangana navo, akakotamira pasi nechiso chake;
2
akati, “Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu, muvate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu.” Ivo vakati, “Kwete tichavata hedu padare usiku hwose.”
3
Akavanyengetera zvikuru; vakadzimara votsaukira kwaari, vakapinda mumba make; akavagadzirira chirayiro, akabika chingwa chisina mbiriso, vakadya;
4
zvino vasati vavata, varume veguta, ivo varume veSodhomu, vakakomba imba, vaduku navakuru, vanhu vose vokumativi ose;
5
vakadanidzira kuna Roti, vakati kwaari, “Vari kupiko varume vakapinda kumba kwako usiku huno? Vaburitsirei kwatiri, kuti tivazive.”
6
Roti akabuda akaenda kwavari kumusuwo, akazarira musuwo shure kwake.
7
Akati, “Regai henyu kuita zvakaipa zvakadai, hama dzangu.
8
Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, regai ndivabudisire kwamuri, muvaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga rangu.”
9
Ivo vakati, “Suduruka!” Vakati, “Munhu uyu wakauya kuzogara pano ari mutorwa, iye zvino anoda kuva mutongi. Zvino tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo.” Vakamanikidza murume uyo Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.
10
Asi varume vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga gonhi.
11
Vakapofomadza vakanga vari pamusuwo, vaduku navakuru; vakazvinetsa vachitsvaka musuwo.
12
Varume vakati kuna Roti, “Une vamwe pano here? Kana mukuwasha, kana vanakomana vako, kana vanasikana vako, navose vaunavo muguta; uvabudise muno.
13
Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza.”
14
Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazowana vakunda vake, vakati, “Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino.” Asi vakuwasha vake vakati, “Anoita hake musara.”
15
Utonga huchitsvuka vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, “Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa.”
16
Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha akanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta.
17
Zvino vakati vavabudisa kunze, mumwe akati, “Tiza nokuda kwoupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa.”
18
Roti akati kwavari, “Kwete, ishe wangu, regai kudaro.
19
Tarirai, muranda wenyu wakawana nyasha kwamuri, makurisa tsitsi dzenyu dzamakandiitira, zvamandiraramisa; asi handigoni kutizira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandiwira ndikafa.
20
Tarirai, guta iri riri pedyo, nditizire hangu ikoko; iduku haro, nditenderei kuti nditizire ikoko, (harizi duku here?) Mweya wangu urarame.”
21
Iye akati kwaari, “Tarira, ndakunzwira tsitsi pachinhu ichiwo, kuti handingaparadzi guta iri rawareva.
22
Kurumidza, utizireko, nokuti handigoni kuita chinhu usati wasvikapo.” Naizvozvo zita reguta rakanzi Zoari.
23
Zuva rakanga rabuda panyika, Roti achisvika paZoari.
24
Ipapo Jehovha akanaisa pamusoro peSodhomu neGomora sarufa nomoto, zvichibva kudenga kuna Jehovha,
25
akaparadza maguta iwayo, nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta, nezvose zvakanga zvamera pavhu.
26
Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, akaitwa shongwe yomunyu.
27
Zvino Abhurahamu wakamuka mangwanani, akaenda ikoko kwaakanga amire pamberi paJehovha;
28
akatarira kurutivi rweSodhoma neGomora nokunyika yose yebani, akaona utsi hwenyika iyo huchikwira soutsi hwechoto.
29
Zvino Mwari wakati achiparadza maguta ebani, Mwari akarangarira Abhurahamu, akabudisa Roti pakati pokuparadzwa ikoko, nguva yaakaparadza maguta makanga muchigara Roti.
30
Zvino Roti akakwira, achibva muZoari, akandogara mugomo, navakunda vake vaviri pamwechete naye; nokuti wakatya kugara muZoari; akagara, mubako, iye navakunda vake vaviri.
31
Zvino dangwe rakati kumuduku, “Baba vedu vakwegura; hakuna murume panyika ino angapinda kwatiri nomutoo wenyika yose;
32
uya, tinwise baba vedu waini, tivate navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.”
33
Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, wedangwe akapinda, akandovata nababa vake; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
34
Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, “Tarira, ndavata nababa vangu usiku hwane zuro; ngativanwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, unovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.”
35
Vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasimuka, akandovata navo; ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
36
Naizvozvo vakunda vaRoti vaviri vakava nemimba kuna baba vavo.
37
Wedangwe akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Moabhu, kusvikira zuva ranhasi.
38
Nomudukuwo wakabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Bheniami; ndivo baba vavana vaAmoni kusvikira zuva ranhasi.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50