bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Genesis 24
Genesis 24
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 25 →
1
Abhurahamu zvino wakanga akwegura, ava mutana kwazvo; Jehovha akanga aropafadza Abhurahamu pazvinhu zvose.
2
Abhurahamu akataura nomuranda wake, waiva mukuru weimba yake, waichengeta zvose zvaakanga anazvo, achiti, “Chimboisa chanza chako pasi pechidya changu,
3
ndikupikise naJehovha, Mwari wokudenga, naMwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, vandinogara pakati pavo;
4
asi uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, unotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi.”
5
Muranda akati kwaari, “Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera kunyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?”
6
Abhurahamu akati kwaari, “Chenjera kuti urege kudzosera mwanakomana wangu ikoko.
7
Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu, wakataura neni, akandipikira, achiti, ‘Nyika ino ndichapa vana vako,’ ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko.
8
Kana mukadzi asingatendi kukutevera, iwe uchasunungurwa pakupika kwako uku kwandiri; asi usadzosera mwanakomana wangu ikoko.”
9
Ipapo muranda akaisa chanza chake pasi pechidya chatenzi wake, akamupikira pamusoro pechinhu ichocho.
10
Muranda akatora makamera ane gumi pamakamera atenzi wake, akaenda, aine nhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake; akasimuka, akaenda Mesopotamia kuguta raNahori.
11
Akapfugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura nenguva yamadekwana, iri nguva yaibuda vakadzi kundochera mvura;
12
akati, “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abhurahamu ngoni.
13
Tarirai ndimire patsime remvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura.
14
Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, ‘Nditurirewo chirongo chako, ndinwe;’ kana akati, ‘Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo;’ ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.”
15
Zvino wakanga asati apedza kutaura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, munun'una waAbhurahamu, wakasvika ane chirongo pafudzi rake.
16
Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumboziviwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve.
17
Ipapo muranda wakamhanyira kunosangana naye, akati, “Dondipawo mvura pachirongo chako, ndinwe.”
18
Iye akati, “Inwai henyu, ishe wangu;” akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, akamunwisa.
19
Wakati apedza kumunwisa, akati, “Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta.”
20
Akakurumidza, akadurura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro; akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose.
21
Murume akamutarisisa, anyerere, kuti azive kana Jehovha amufambisa zvakanaka parwendo rwake, kana kwete.
22
Makamera akati apedza kunwa murume akatora chindori chendarama chakaita hafu yeshekeri rimwe rendarama pakurema kwacho, nezvishongo zviviri zvamaoko zvakaita mashekeri ane gumi pakurema kwazvo;
23
akati, “Uri mukunda waaniko? Ndiudze hako. Kumba kwababa vako kune pokuvata here?”
24
Iye akati, “Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waMirika, waakaberekera Nahori.”
25
Akati kwaariwo, “Tinahwo uswa hwakaoma nezvokudya zvizhinji, nopokuvatawo.”
26
Murume akakotamisa musoro wake, akanamata Jehovha.
27
Akati, “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha akandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu.”
28
Ipapo musikana wakamhanya, akandoudza veimba yamai vake mashoko iwaya.
29
Zvino Rabheka wakanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani; Rabhani akabuda, akamhanyira kumurume kutsime.
30
Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, achiti, “Ndizvo zvakataura murume kwandiri,” akaenda kumurume akamuwana amire pamakamera patsime.
31
Akati, “Pinda, iwe, wakaropafadzwa naJehovha; unomirireiko kunze? Nokuti ndagadzira imba nenzvimbo yamakamera.”
32
Murume akapinda mumba; akasunungura makamera akapa makamera uswa hwakaoma nezvokudya; nemvura kuti ashambidze tsoka dzake netsoka dzavarume vaakanga anavo.
33
Ipapo zvokudya zvakaiswa pamberi pake kuti adye; asi iye akati, “Handingadyi ndisati ndambotaura mashoko angu.” Akati, “Taura hako.”
34
Iye akati, “Ndiri muranda waAbhurahamu.
35
Jehovha akaropafadza tenzi wangu kwazvo; wava mukuru; wakamupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro.
36
NaSara, mukadzi watenzi wangu, wakaberekera tenzi wangu mwanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa zvose zvaanazvo.
37
Tenzi wangu akandipikisa, akati, ‘Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKenani, pandigere munyika yavo;
38
asi uende kune veimba yababa vangu nokuhama dzangu unotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.’
39
Ndikati kuna tenzi wangu, ‘Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera.’
40
Iye akati, ‘Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu;
41
uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri kana wasvika kuhama dzangu; kana vakaramba kukupa iye, uchasunungurwa pakupika kwako kwandiri.’
42
Zvino ndakasvika nhasi kutsime, ndikati, ‘Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, kana muchida kundifambisa zvakanaka parwendo rwangu rwandinofamba,
43
tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitwe, kuti musikana anobuda kuzochera mvura,’ wandichati kwaari, ‘Dondipawo zvimvura pachirongo chako, ndinwe,’
44
iye akati kwandiri, ‘Inwai henyu, imi, uye ndichacherera makamera enyuwo,’ iye ave mukadzi wakatsaurirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.
45
Zvino ndisati ndapedza kutaura mumwoyo mangu, ndikaona Rabheka achiuya aine chirongo chake pafudzi rake; akaburukira kutsime, akachera; ndikati kwaari, ‘Dondipawo, ndinwe.’
46
Iye akakurumidza, akatura chirongo chake pafudzi rake, akati, ‘Inwai henyu, uye ndichanwisa makamera enyuwo’; ini ndikanwa, akanwisa makamerawo.
47
Zvino ndakamubvunza, ndikati, ‘Uri mukunda waaniko?’ Iye akati, ‘Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika;’ ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.
48
Ndikakotamisa musoro wangu, ndikanamata Jehovha, ndikatenda Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mwanakomana watenzi wangu mukunda womunun'una watenzi wangu, kuti ave mukadzi wake.
49
Zvino kana muchida kuitira tenzi wangu mwoyochena nokutendeka, mundiudze; kana musingadi, mundiudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruboshwe.”
50
Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, “Chinhu ichi chinobva kuna Mwari. Isu hatigoni kutaura kwauri zvakaipa kana zvakanaka.
51
Tarira, Rabheka ari pamberi pako, umutore uende, kuti ave mukadzi wake, sezvakarehwa naJehovha.”
52
Zvino muranda waAbhurahamu wakati anzwa mashoko avo, akakotamira pasi pamberi paJehovha;
53
muranda akabudisa zvishongo zvesirivha, nezvendarama, nenguo; akazvipa Rabheka; akapawo hanzvadzi yake namai vake nhumbi dzinokosha.
54
Vakadya, vakanwa, iye navarume vaakanga anavo; vakagarapo usiku hwose, vakamuka mangwanani; iye akati, “Regai, ndiende kuna tenzi wangu.”
55
Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, “Musikana achimbogara nesu mazuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake.”
56
Asi iye wakati kwavari, “Musandidzora henyu, Jehovha zvaakandifambisa zvakanaka parwendo rwangu; regai ndiende kuna tenzi wangu.”
57
Ivo vakati, “Ngatidane musikana, tinzwe muromo wake.”
58
Vakadana Rabheka, vakati kwaari, “Uchaenda nomurume uyu here?” Akati, “Ndichaenda.”
59
Ipapo vakatendera Rabheka, hanzvadzi yavo, nomureri wake, kuti vaende nomuranda waAbhurahamu, navanhu vake.
60
Vakaropafadza Rabheka, vakati kwaari, “Iwe, hanzvadzi yedu, uve mai vezviuru zvamazana; vana vako ngavave varidzi vamasuwo avavengi vavo.”
61
Rabheka akasimuka, navasikana vake, vakatasva makamera, vakatevera murume uyo; muranda akatora Rabheka, akaenda parwendo rwake.
62
Zvino Isaka wakanga achibva nenzira yeBheeri–rakai–roi; nokuti wakanga agere kunyika yenyasi.
63
Isaka akabuda kundorangarira kusango nenguva yamadekwana; akasimudza meso ake, akatarira, akaona makamera achiuya.
64
Rabheka akasimudzawo meso ake; akati achiona Isaka, akaburuka pakamera rake.
65
Akati kumuranda, “Murume uyu, anofamba musango kuzosangana nesu ndianiko?” Muranda akati, “Nditenzi wangu;” iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza.
66
Zvino muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita.
67
Isaka akamuisa mutende ramai vake Sara, akawana Rabheka, akava mukadzi wake; akamuda. Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50