bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ecclesiastes 1
Ecclesiastes 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 2 →
1
Mashoko oMuparidzi, mŋanakomana waDavidi, mambo paJerusarema:
2
Ɀanzi noMuparidzi: Haɀinamaturo cose, haɀinamaturo cose, ɀose haɀinamaturo cose!
3
Munhu uŋgaɓatsirweiko nokutambudzika kwake kwose, kwaanotambudzika nako pasi pezuʋa?
4
Rudzi rumŋe runoenda, rumŋe rudzi runoʋuya; asi pasi panoŋgogara’po nokusiŋgaperi.
5
Zuʋa rinoɓuɗa ʋo, zuʋa rinoʋira, ricikurumidzira kwarinozoɓuɗa ɀe.
6
Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumsoro; inoramba icidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokera ɀe pakupotereka kwayo.
7
Nzizi dzose dzinoɗira muguŋgwa, kunyaŋge ɀakaɗaro guŋgwa harizari; kunɀimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokera ɀe.
8
Ɀinhu ɀose ɀizere nokuneta; hakunomunhu uŋgaɀitaura; ziso hariguti nokuʋona, nzeʋe haizari nokunzwa.
9
Cakaŋga ciri’po, ndico cicazoʋa’po; cakamboitwa, ndico cicazoitwa; hapanecinhu citȿa pasi pezuʋa.
10
Cinhu ciri’ko here, catiŋgati: Tarirai, cinhu ici citȿa? Cakaŋga ciciŋgoʋa’po kare, paŋguʋa dzakatitaŋgira.
11
Marudzi akapfuʋura haacaraŋgarirwi; namarudzi acazoteʋera, haaŋgatoŋgoraŋgarirwi naʋanozoʋateʋera.
12
Ini Muparidzi, ndakaŋga ndiri mambo waIsraeri paJerusarema.
13
Ndikarwadza mŋoyo waŋgu kutȿaka nokunɀera noʋucenjeri ɀose ɀinoitwa pasi peɗeŋga; iɓasa rinotambudza rakapiwa ʋanakomana ʋaʋanhu naMŋari, kuti ʋaɀitambudze naro.
14
Ndakaʋona maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa; tarirai, ɀose haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
15
Cakakombama hacibviri kururamiswa; cinoshaikwa hacibviri kuʋereŋgwa.
16
Ndakataurirana nomŋoyo waŋgu, ndiciti: Tarira ndaɀiwanira ʋucenjeri ʋukuru, kukunda ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ɀirokwaɀo mŋoyo waŋgu wakaʋona ʋucenjeri ʋuzhinji neziʋo.
17
Asi ndakati ndicirwadza mŋoyo waŋgu kuti ndiziʋe ʋucenjeri neziʋo, noʋupeŋgo noʋupenzi, ndikaʋona kuti naiɀoɀo ʋo ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
18
Nokuti muʋucenjeri ʋuzhinji munokucema kuzhinji; ʋuye, unowedzera ziʋo, unowedzera shuŋgu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12