bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ecclesiastes 7
Ecclesiastes 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 8 →
1
Mbiri yakanaka inopfuʋura cizoro cakanaka, nezuʋa rokufa kupfuʋura zuʋa rokuɀarwa.
2
Ɀirinani kuenda kuimba yokucema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo waʋanhu ʋose; munhu mupenyu ucaɀiraŋgarira pamŋoyo pake.
3
Kucema kunopfuʋura kuseka, nokuti mŋoyo unofadzwa nokupunyaira kweciso.
4
Mŋoyo yaʋakacenjera iri paimba yokucema, asi mŋoyo yamapenzi iri paimba yokufara.
5
Ɀirinani kuti munhu anzwe kutuka kwaʋakacenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi.
6
Nokuti kuseka kweɓenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo.
7
Ɀirokwaɀo kumanikidza kunoita mucenjeri ɓenzi; ʋuye fufuro inoparadza njere.
8
Kuguma kwecinhu kunopfuʋura kutaŋga kwaco; unomŋoyo murefu unopfuʋura unomŋoyo unoɀikudza.
9
Usakurumidza pamŋeya wako kutsamŋa, nokuti kutsamŋa kunogara pacifuʋa camapenzi.
10
Usati: Mazuʋa ekare anopfuʋura aɀino nokunaka neiko? Nokuti hauŋgabvunzi saiɀoɀo noʋucenjeri.
11
Ʋucenjeri bgakaenzana nenhaka; ɀirokwaɀo, bgaiȿo‐naka kunaʋanoʋona zuʋa.
12
Nokuti ʋucenjeri citaʋiridzo, mari ʋo citaʋiridzo; asi kunakisa kweziʋo ndiko, kuti ʋucenjeri ʋunoceŋgeta ʋupenyu bgaiye unabgo.
13
Cerekedza ɓasa raMŋari, nokuti ndiani uŋgaruramisa caakakombamisa iye?
14
Fara nezuʋa rokugara ɀakanaka, raŋgarira nezuʋa rokutambudzika; Mŋari ndiye wakaita iɀoɀo ɀose ɀiʋiri, kuti munhu arege kuziʋa ɀiri mberi kwake.
15
Iɀoɀi ɀose ndakaɀiʋona pamazuʋa aŋgu asinamaturo: Wakarurama uri’ko, unoparara pakati pokururama kwake, ʋuye ɀe, munhu wakaipa uri’ko, unorarama ŋguʋa huru pakati peɀakaipa ɀake.
16
Usaʋa munhu wakaiȿo‐rurama, usaʋa wakaiȿo‐cenjera; ucaɀiparadzireiko?
17
Usaʋa munhu wakaiȿo‐ipa, ʋuye usaʋa ɓenzi; ucafireiko ŋguʋa yako isati yaȿika?
18
Ɀakanaka kuti uɓatisise cinhu ici, ʋuye usabvisa ruʋoko rwako panececo; nokuti unotya Mŋari, ucapukunyuka panaiɀoɀo ɀose.
19
Ʋucenjeri ʋunosimbisa wakacenjera kupfuʋura ʋaɓati ʋanegumi ʋari muguta.
20
Ɀirokwaɀo, hapanomunhu wakarurama panyika, unoita ɀakanaka, asiŋgatadzi.
21
Ʋuye ɀe, usaʋa nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako acikutuka.
22
Nokuti kazhinji mŋoyo wako unoziʋa kuti newe ʋo wakatuka ʋamŋe saiɀoɀo.
23
Iɀoɀi ɀose ndakaɀiidza noʋucenjeri; ndakati: Ndicaʋa wakacenjera; asi ɀakaŋga ɀiri kure neni.
24
Iɀo, ɀiri’po, ɀiri kure, ɀakadzika kwaɀo, ndiani uŋgaɀiziʋa?
25
Ndakatendeʋuka, mŋoyo waŋgu ukaɗa kuziʋa nokunɀera, nokutȿaka ʋucenjeri namano, ndiziʋe kuti kuipa ʋupenzi, noʋupenzi kupeŋga.
26
Ndikawana cinhu cinoʋaʋa kukunda rufu, ndiye mukadzi uri musuŋgo, mŋoyo wake ari mambure, namaʋoko ake ɀisuŋgo; aninani unofadza Mŋari, ucapukunyuka kwaari; asi mutadzi ucaɓatwa naye.
27
Ɀanzi noMuparidzi: Tarirai, ndiɀoɀi ɀandakawana, ndiciʋereŋga cinhu cimŋe necimŋe, kuti ndiwane shumo yaɀo;
28
ɀinoŋgoramba ɀicitȿakwa nomŋeya waŋgu, asi ndigere kuɀiwana: Ndakawana murume mumŋe pakati pecuru cezana, asi handina‐kuwana mukadzi pakati paʋazhinji ʋakaɗai.
29
Asi tarirai, cinhu cimŋe ici cete ndico candakawana, kuti Mŋari wakaita munhu akarurama, asi iʋo ʋakatȿaka mano mazhinji.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12