bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ecclesiastes 5
Ecclesiastes 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 6 →
1
Ŋgwarira rutsoka rwako kana ucienda kuimba yaMŋari; nokuti kusweɗera kuzonzwa kunopfuʋura kuɓayira ciɓayiro camapenzi; nokuti haʋaziʋi kuti ʋanoita ɀakaipa.
2
Usakurumidza nomuromo wako, mŋoyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMŋari; nokuti Mŋari uri kuɗeŋga, iwe uri pasi; naiɀoɀo mashoko ako ŋgaaʋe mashoma.
3
Nokuti kurota kunoʋuya namaɓasa mazhinji, nenzwi reɓenzi namashoko mazhinji.
4
Kana uciŋge wapikira Mŋari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa ɀaunopika.
5
Ɀirinani kuti urege kupika, pakuti upike usiŋgaripi.
6
Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumŋa waMŋari: Yakaŋga iri mhosho; Mŋari ucatsamŋireiko inzwi rako, akaparadza ɓasa ramaʋoko ako?
7
Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji paneɀisinamaturo ɀizhinji; asi iwe utye Mŋari.
8
Kana uciʋona murombo acimanikidzwa, nokururamisa nokururama ɀicibviswa nesimba panyika, usashamiswa naɀo; nokuti mukuru kuʋakuru ʋose unocerekedza; ʋamŋe ʋari’ko ʋakuru kwaʋari.
9
Nokuti nyika inoɓatsirwa ɀikuru necinhu ici, mambo unofarira kurimiwa kweminda.
10
Unoɗa sirveri, haaŋgagutswi nesirveri, naiye unoɗa ɀakawanda, haaŋgagutswi neɀakawanda; naiɀoɀo haɀinamaturo.
11
Kana fuma iciwanda, ʋadyi ʋanowanda ʋo; mŋene wayo unoɓatsirwei, asi kuŋgoʋona nameso ake.
12
Hope dzomunhu, unoɓata, dzakanaka, kana acidya ɀishoma kana ɀizhinji; asi kuguta kwomufumi hakumutenderi kuʋata.
13
Kunecinhu cakaiȿo‐ipa, candakaʋona pasi pezuʋa, fuma inoceŋgetwa nomŋene wayo, icimuʋonesa nhamo.
14
Fuma iyo inopera necinhu cakaipa cinomuwira; kana aciŋge aɓereka mŋanakomana, haanecinhu muruʋoko rwake.
15
Seɀaakaɓuɗa muɗumbu ramai ʋake, ucadzoka ɀe asinecinhu, seɀaakaɓuɗa; haana‐caakatamburira, caaŋgatora, caaŋgaenda naco muruʋoko rwake.
16
Necinhu ici cakaiȿo‐ipa ʋo, kuti paɀose, seɀaakaʋuya, saiɀoɀo ucaenda ɀe; ɀino ucawaneiko, ɀaakatamburira mhepo?
17
Mazuʋa ake ose ʋo unodya murima, unotambudzika kwaɀo; unoʋurwere neshuŋgu.
18
Tarirai, ɀandakaʋona kuti ɀakanaka, ɀinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire ɀinhu ɀakanaka pakuɓata kwake kwose kwaanoɓata pasi pezuʋa, mazuʋa ose oʋupenyu bgake bgaakapiwa naMŋari; nokuti ndiwo mugoʋe wake.
19
Munhu mumŋe nomumŋe ʋo, wakapiwa naMŋari fuma neɀakawanda, akapiwa ʋo simba kuti aɀidye, nokutora mugoʋe wake, nokufarira ɀaakaɓatira — ico cipo cinobva kunaMŋari.
20
Nokuti iye haaŋgaraŋgariri ɀikuru mazuʋa oʋupenyu bgake, nokuti Mŋari unopindura pamufaro womŋoyo wake.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12