bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ecclesiastes 3
Ecclesiastes 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 4 →
1
Cinhu cimŋe necimŋe cinomusi waco, ʋuye shoko rimŋe nerimŋe pasi peɗeŋga rineŋguʋa yaro:
2
Ŋguʋa yokuɓerekwa, neŋguʋa yokufa; ŋguʋa yokusima, neŋguʋa yokudzura cakasimŋa;
3
ŋguʋa yokuʋuraya, neŋguʋa yokuporesa; ŋguʋa yokuputsa, neŋguʋa yokuʋaka;
4
ŋguʋa yokucema, neŋguʋa yokuseka; ŋguʋa yokuwuŋgudza, neŋguʋa yokupembera;
5
ŋguʋa yokurasha mabge, neŋguʋa yokuʋuŋganidza mabge; ŋguʋa yokumbundikira, neŋguʋa yokurega kumbundikira;
6
ŋguʋa yokutȿaka, neŋguʋa yokurega ɀirashike; ŋguʋa yokuceŋgeta, neŋguʋa yokurasha;
7
ŋguʋa yokubvarura, neŋguʋa yokusona; ŋguʋa yokunyarara, neŋguʋa yokutaura;
8
ŋguʋa yokuɗa, neŋguʋa yokuʋeŋga; ŋguʋa yokurwa, neŋguʋa yorugare.
9
Ko iye unoɓata unoɓatsirwei neɀaanotamburira?
10
Ndakaʋona kutambudzika kwakapiwa ʋanakomana ʋaʋanhu naMŋari, kuti ʋaɀitambudze naɀo.
11
Cinhu cimŋe necimŋe wakaciita cakanaka paŋguʋa yaco; wakaisa ʋo ɀisiŋgaperi mumŋoyo maʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro munhu haaŋgagoni kunzwisisa ɀakaɓatwa naMŋari kubva pakutaŋga kuȿikira pakupedzisira.
12
Ndinoziʋa kuti hakunecinhu cakanaka pakati paʋo ciŋgapfuʋura ici, kuti ʋafare, ʋuye kuti ʋaite ɀakanaka ʋupenyu bgaʋo bgose.
13
Ʋuye ʋo, kuti cipo caMŋari kuti munhu mumŋe nomumŋe adye, anwe, afarire ɀinhu ɀakanaka pakuɓata kwake kwose.
14
Ndinoziʋa kuti ɀose ɀinoitwa naMŋari, ɀicagara nokusiŋgaperi; hakunecinhu ciŋgawedzerwa, kana ciŋgabviswa paɀiri; Mŋari wakaɀiita iɀoɀo, kuti ʋanhu ʋamutye.
15
Ɀiri’po ɀino, ɀakaŋguʋa ɀaʋa’po; ʋuye iɀo, ɀicaʋa’po, ɀakaŋguʋa ɀaʋa’po; Mŋari unotȿaka ɀe ɀakaŋga ɀapfuʋura.
16
Ʋuye ɀe, ndakaʋona pasi pezuʋa, kuti panɀimbo yokururamisira, ɀakaipa ɀakaŋga ɀiri’po; ʋuye panɀimbo yokururama, ɀakaipa ɀakaŋga ɀiri’po.
17
Ndakati mumŋoyo maŋgu: Mŋari ndiye ucatoŋga wakarurama nowakaipa; nokuti ŋguʋa iri’po yeshoko rimŋe nerimŋe neɓasa rimŋe nerimŋe.
18
Ndakati mumŋoyo maŋgu: Iɀi ɀinoitwa nokuɗa kwaʋanakomana ʋaʋanhu, kuti Mŋari aʋaidze, ʋaʋone kuti iʋo ʋamene ʋakaŋgoita se mhuka.
19
Nokuti ɀinoitirwa ʋanakomana ʋaʋanhu ndiɀo ɀinoitirwa ʋo mhuka; ɀose ɀinoitirwa cinhu cimŋe: Mufire womunhu, ndiwo mufire wemhuka, ɀose ɀinomŋeya mumŋe; munhu haana‐paanopfuʋura mhuka; nokuti ɀose haɀinamaturo.
20
Ɀose ɀinoenda kunɀimbo imŋe; ɀose ɀinobva pavu, ɀose ɀinodzokera ɀe kuvu.
21
Ndiani uŋgaziʋa kana mŋeya womunhu ucikwira kumsoro, kana mŋeya wemhuka uciɓurukira pasi kunyika?
22
Saka ndakaʋona kuti hakunecinhu cinopfuʋura ici, kuti munhu afarire maɓasa ake, nokuti ndiwo mugoʋe wake; nokuti ndiani ucamudzosa ɀe kuti aʋone ɀicamuteʋera.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12