bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ecclesiastes 8
Ecclesiastes 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 9 →
1
Ndiani wakafanana nomunhu wakacenjera? Ndiani unoziʋa kuɗudzira cinhu? Ʋucenjeri bgomunhu ʋunobginyisa ciso cake; hasha dzeciso cake dzinoshandurwa.
2
Ndinoti: Ceŋgeta murairo wamambo, uɀiite nokuɗa kweɀawakapikira Mŋari.
3
Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsuŋgirira pacinhu cakaipa, nokuti unoita ɀose ɀaanoɗa.
4
Nokuti shoko ramambo rinesimba; ndiani uŋgati kwaari: Munoiteiko?
5
Munhu unoceŋgeta murairo, haaŋgaʋoni cinhu cakaipa; mŋoyo wowakacenjera unoziʋa ŋguʋa nokutoŋgwa.
6
Nokuti cinhu cimŋe necimŋe cineŋguʋa yaco nokutoŋgwa kwaco; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza;
7
nokuti haaziʋi ɀicazoʋa’po; nokuti ndiani uŋgamuziʋisa kuti ɀicaʋa ɀakaɗini?
8
Hakunomunhu unesimba pamsoro pemhepo, kuti adziʋirire mhepo; ʋuye haanesimba pamsoro pezuʋa rorufu; hakuna‐kukaŋganwirwa pakurwa; saiɀoɀo ɀakaipa haɀiŋgarwiri iye unoɀiita.
9
Iɀoɀi ɀose ndakaɀiʋona, ndikaraŋgarira nomŋoyo waŋgu maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa, paŋguʋa kana mumŋe munhu anesimba pamsoro pomumŋe, acimuitira ɀakaipa.
10
Saiɀoɀo ndakaʋona wakaipa aciʋigwa, ʋanhu ʋakaʋuya kubgiro bgake; asi ʋakaŋga ʋaita ɀakarurama ʋakabva panɀimbo tȿene, ʋakakaŋganikwa muguta; naiɀoɀo haɀinamaturo.
11
Kutoŋgwa ɀakusiŋgakurumidzi kuʋuya pamsoro peɓasa rakaipa, mŋoyo yaʋanakomana ʋaʋanhu inotsuŋgirira kuita ɀakaipa.
12
Kunyaŋge mutadzi akaita ɀakaipa runezana, akaʋa namazuʋa mazhinji, kunyaŋge ɀakaɗaro ndinoziʋa ɀirokwaɀo kuti ʋanotya Mŋari, ʋanotya pamberi pake, ʋacagara ɀakanaka;
13
asi wakaipa haaŋgagari ɀakanaka, haaŋgaʋi namazuʋa mazhinji, ɀaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMŋari.
14
Cinhu cisinamaturo ciri’po, cinoitwa panyika, ndico kuti ʋakarurama ʋari’ko ʋanoitirwa seɀinoitirwa maɓasa aʋakaipa, ʋuye ɀe ʋakaipa ʋari’ko ʋanoitirwa seɀinoitirwa maɓasa aʋakarurama; ndikati: Naiɀoɀi haɀinamaturo.
15
Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haanecinhu cinopfuʋura ici, kuti adye, anwe, afare; kuti iɀoɀo ɀigare naye pakuɓata kwake mazuʋa ose oʋupenyu bgake, bgaakapiwa naMŋari pasi pezuʋa.
16
Ɀino ndakati ndiciraŋgarira nomŋoyo waŋgu kuti ndiziʋe ʋucenjeri nokuʋona kuɓata kunoitwa panyika (nokuti ʋamŋe ʋari’ko ʋasiŋgaʋoni hope nameso aʋo masikati noʋusiku),
17
ndikaʋona maɓasa ose aMŋari, kuti munhu haaŋganzwisisi maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa; nokuti kunyaŋge munhu akatambura hake kuti aɀinɀere, haaŋgaɀinzwisisi hake; ɀirokwaɀo, kunyaŋge munhu, wakacenjera, aciti, ndinoɀiziʋa, kunyaŋge ɀakaɗaro, haaŋgagoni kuɀinzwisisa.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12