bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ecclesiastes 4
Ecclesiastes 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 5 →
1
Ɀino ndakadzoka ɀe, ndikaʋona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuʋa; tarira, kwakaŋga kunemisodzi yaʋanomanikidzwa, ʋacishaiwa munyaradzi; ʋamanikidzi ʋaʋo ndiʋo ʋakaŋga ʋanesimba, asi iʋo ʋakashaiwa munyaradzi.
2
Naiɀoɀo ndakati ʋakafa, ʋakaŋguʋa ʋafa, ʋanomufaro kupfuʋura ʋapenyu ʋaciri ʋapenyu;
3
Ɀirokwaɀo, ndakati ugere kutoŋgoʋa’po, unomufaro kupfuʋura aʋa ʋose, iye usina‐kuʋona ɓasa rakaipa rinoitwa pasi pezuʋa.
4
Ɀino ndakaʋona kuɓata kwose noʋumhizha bgose pakuɓata, kuti munhu unoʋeŋgwa nowokwake pamsoro paɀo. Naiɀoɀo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
5
Ƃenzi rinofuŋgatira maʋoko aro, ricidya nyama yaro.
6
Tsama imŋe yorugare inopfuʋura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudziŋgana nemhepo.
7
Ɀino ndakadzoka, ndikaʋona ɀisinamaturo pasi pezuʋa.
8
Mumŋe uri’ko unoŋgogara ari oga, asinawecipiri; ɀirokwaɀo, haanomŋanakomana kana munuŋuna, kunyaŋge ɀakaɗaro kuɓata kwake hakunomugumo, ʋuye meso ake haaguti nefuma. Unoti: Ɀino ndinoɓatira ani, ndicinyima mŋeya waŋgu ɀinhu ɀakanaka? Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ɀirokwaɀo ndiko kutambudzika kukuru.
9
Ʋaʋiri ʋanopfuʋura mumŋe, nokuti ʋanomuɓairo wakanaka wokuɓata kwaʋo.
10
Nokuti kana ʋakawira pasi, mumŋe ucasimudza shamŋari yake; asi uri oga unenhamo kana aciwira pasi, haanomumŋe uŋgamusimudza.
11
Ʋuye ɀe, kana ʋaʋiri ʋaciʋata pamŋe cete, ʋacadziyirwa; asi mumŋe cete uŋgadziyirwa sei?
12
Kana munhu akaʋamba mumŋe, ʋaʋiri ʋaŋgamudziʋisa; rwonzi rwakakoshwa mutatu haruŋgakurumidzi kuɗamburwa.
13
Jaya murombo, rakacenjera, rinopfuʋura mambo mutana ɓenzi, usicaziʋi kutenda kana aciraŋgwa.
14
Nokuti wakaɓuɗa mutoroŋgo kuzoʋa mambo; ɀirokwaɀo, kunyaŋge paʋushe bgake wakaɓerekwa ari murombo.
15
Ndakaʋona ʋapenyu ʋose ʋanofamba pasi pezuʋa, ʋaciteʋera jaya, iye wecipiri, wakamuka panɀimbo yake.
16
Ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasiŋgaʋereŋgwi, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋakaɓatwa naye; kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋanozoteʋera haʋaŋgamufariri. Ɀirokwaɀo, naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12