bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ecclesiastes 10
Ecclesiastes 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 11 →
1
Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa nokuʋodza cizoro comuveŋganisi weɀinonhuwira; saiɀoɀo ʋupenzi ʋushoma ʋunorema kukunda ʋucenjeri nokukudzwa.
2
Mŋoyo womunhu wakacenjera uri kurudyi rwake, asi mŋoyo weɓenzi uri kuruɓoshwe rwake.
3
Ɀirokwaɀo, kana ɓenzi ricifamba panzira, rinoshaiwa njere; rinoziʋisa ʋose kuti ndiri ɓenzi.
4
Kana kutsamŋa kwomuɓati kukakumukira, usabva panɀimbo yako; nokuti ʋunyoro ʋunonyaradza mhoȿa huru.
5
Cinhu cakaipa ciri’po candakaʋona pasi pezuʋa, kuri kutadza kunobva kuʋaɓati:
6
Ʋupenzi ʋunoiswa pakakwirira, asi ʋafumi ʋanogara pakaɗerera.
7
Ndakaʋona ʋaranda ʋakataȿa mabiza, namacinda acifamba pasi saʋaranda.
8
Unocera gomba, ucawira’mo amene; aninani unokoromora ruȿiŋgo, nyoka icamuruma.
9
Aninani unoputsa mabge, uŋgakuʋadzwa nawo; ʋuye unoɓanzura huni, uri panjodzi.
10
Kana simbi yakomara, munhu akasairodza, unofanira kunyanya kuɓata nesimba; asi ʋucenjeri ʋunoɓatsira pakururamisa.
11
Kana nyoka ikaruma isati yarapxa namazaŋgo, ŋaŋga haiɓatsiri.
12
Mashoko anobva mumuromo wowakacenjera, anofadza; asi miromo yeɓenzi inomumedza iye.
13
Kutaŋga kwamashoko omuromo waro ʋupenzi; nokuguma kwokutaura kwaro ʋupeŋgo bgakashata.
14
Ƃenzi rinowanza ʋo mashoko; asi munhu haaziʋi ɀicaʋa’po; ndiani uŋgamuziʋisa ɀicazoʋa’po shure kwake?
15
Kuɓata kwamapenzi kunonetsa mumŋe nomumŋe waʋo; nokuti haatoŋgoziʋi nzira yokuenda nayo kuguta.
16
Iwe nyika unenhamo, kana mambo wako ari mŋana, kana macinda ako aciita mutambo maŋgwanani.
17
Unomufaro, iwe nyika, kana mambo wako ari mŋanakomana waʋakakudzwa, kana macinda ako aciita mutambo paŋguʋa yakafanira, kuti asimbiswe, asiŋgaitiri kuɓatwa.
18
Noʋusimbe ɗeŋga reimba rinosakara; nokusaɓata kwamaʋoko imba inoɗonha.
19
Mutambo unoitirwa kuseka, ʋuye waini inofadza ʋupenyu; ɀose ɀiŋgawanikwa nemari.
20
Usatuka mambo, kunyaŋge pakufuŋga kwako; usatuka mufumi paimba yako yokuʋata; nokuti shiri yokuɗeŋga iŋgatakura inzwi, ʋuye iɀo ɀinamapapiro ɀiŋgaziʋisa shoko.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12