bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ecclesiastes 2
Ecclesiastes 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 3 →
1
Ndakati mumŋoyo maŋgu: Ʋuya hako, ndicakuidza nomufaro; cifarira ɀinhu ɀakanaka! Asi tarira, naiɀoɀo ʋo ɀakaŋga ɀisinamaturo.
2
Kana kuri kuseka, ndakati: Ʋupeŋgo! Kana uri mufaro, ndakati: Unoɓatsireiko?
3
Ndakanɀera mŋoyo waŋgu, ndiʋone kuti ndiŋgafadza nyama yaŋgu sei newaini, mŋoyo waŋgu ucindifambisa hawo noʋucenjeri, ʋuye kuti ndiŋgaramba ndakaɓata ʋupenzi, kuȿikira ndaʋona kuti ɀakanaka ndeɀipi ɀiŋgaitwa naʋanakomana ʋaʋanhu pasi peɗeŋga mazuʋa ose oʋupenyu bgaʋo.
4
Ndakaɀiitira maɓasa makuru; ndakaɀiʋakira dzimba; ndakaɀirimira minda yemizambiriŋga;
5
ndakaɀiitira minda neminda yemiti, ndikasima’mo miti inoɓereka ɀiɓereko ɀamarudzi ose;
6
ndakaɀiitira madziʋa emvura, kuti ndiɗiridze matondo pakaŋga pasimŋa miti;
7
ndakateŋga ʋaranda naʋarandakadzi, ndikaʋa naʋaranda ʋakaɓerekerwa mumba maŋgu; ndakaŋga ndinefuma zhinji yeŋombe namakwai, kupfuʋura ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema;
8
ndakaɀiʋuŋganidzira ʋo sirveri nendarama, nefuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakaɀitȿakira ʋaimbi ʋarume naʋakadzi, neɀinofadza ɀaʋanakomana ʋaʋanhu, naʋaroŋgo ʋazhinji.
9
Saiɀoɀo ndakaŋga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndicikura kupfuʋura ʋose ʋakanditaŋgira paJerusarema; ʋuye ʋucenjeri bgaŋgu bgakagara neni.
10
Ɀose ɀakaɗikanwa nameso aŋgu handinakuanyima iɀoɀo; handina‐kutoŋgodzora mŋoyo waŋgu pamufaro upi noupi; nokuti mŋoyo waŋgu wakaŋga ucifara nokuɓata kwaŋgu kwose; ndiwo wakaŋga uri mugoʋe waŋgu wakabva pakuɓata kwaŋgu kwose.
11
Ɀino ndakacerekedza maɓasa ose akaŋga aitwa namaʋoko aŋgu, nokuɓata kwose kwandakatamburakuɓata‐tarira ɀose ɀakaŋga ɀisinamaturo, kwaiʋa kudziŋgana nemhepo ɓedzi, kwakaŋga kusinecinhu cinoɓatsira pasi pezuʋa.
12
Ɀino ndakatendeʋuka kuti ndicerekedze ʋucenjeri, noʋupeŋgo, noʋupenzi, nokuti cinyi ciŋgaitwa nomunhu unoteʋera mambo? Iɀoɀo ɀakaŋguʋa ɀaitwa.
13
Ipapo ndakaʋona kuti ʋucenjeri bgakanaka kupfuʋura ʋupenzi, ɀiciita seciedza cakanaka kupfuʋura rima.
14
Meso omunhu wakacenjera ari mumusoro wake, asi ɓenzi rinofamba murima; kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaʋona kuti ʋose ʋanowirwa necinhu cimŋe cete.
15
Ipapo ndakati mumŋoyo maŋgu: Seɀinoitirwa ɓenzi, ndiɀo ɀandicaitirwa neni ʋo; ko ini ndaiʋa wakacenjera nei! Ndikati mumŋoyo maŋgu, iɀi ɀose haɀinamaturo ʋo.
16
Nokuti munhu wakacenjera wakafanana neɓenzi pakusaraŋgarirwa nokusiŋgaperi; nokuti ɀinozokaŋganikwa ɀose pamazuʋa anoʋuya. Wakacenjera haazinofa seɓenzi here?
17
Saka ndakaʋeŋga ʋupenyu, nokuti ɓasa rinoitwa pasi pezuʋa rakandinzwisa shuŋgu; nokuti ɀose haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo ɓedzi.
18
Ɀino ndakaʋeŋga kuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata pasi pezuʋa, ɀandinofanira kuɀisiyira munhu unonditeʋera.
19
Ɀino ndiani uŋgaziʋa kana iye acaʋa wakacenjera kana ɓenzi? Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaʋa nesimba pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata, neɀandakaita noʋucenjeri pasi peɗeŋga. Naiɀoɀo ʋo hazinamaturo.
20
Saka ndakatendeʋuka, kuti ndiʋodze haŋgu mŋoyo waŋgu pamsoro pokuɓata kwaŋgu kwose kwandakatambura kuɓata pasi pezuʋa.
21
Nokuti munhu uri’ko wakaɓata noʋucenjeri neziʋo noʋumhizha; kunyaŋge ɀakaɗaro unofanira kuɀisiyira mumŋe, uʋe mugoʋe wake, usinakutoŋgoɀitamburira. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, cinhu cakaipa kwaɀo.
22
Nokuti munhu unowanei pamsoro pokuɓata kwake kwose, nokushiŋgaira kwomŋoyo wake, kwaanoɓata nako pasi pezuʋa?
23
Nokuti mazuʋa ake ose inhamo ɓedzi, nokutambudzika kwake kucema; ɀirokwaɀo kunyaŋge ʋusiku mŋoyo wake hauzorori. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo.
24
Hakunecinhu cinopfuʋura ici, kuti munhu adye, anwe, afadze mŋeya wake neɀakanaka pakati pokuɓata kwake. Ndakaʋona kuti naiɀoɀi ɀinobva kuruʋoko rwaMŋari.
25
Nokuti ndiani uŋgadya, ndiani uŋgafarira cinhu kunze kwake?
26
Nokuti munhu, unomufadza, unopiwa ʋucenjeri, neziʋo, nomufaro; asi mutadzi unopiwa kutambudzika, kuti aʋuŋganidze nokututira, agoɀipa mumŋe unofadza Mŋari. Naiɀoɀo ʋo haɀinamaturo, ndiko kudziŋgana nemhepo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12